Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Samuel 4 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 When Saul's son Ish-bosheth heard Abner had died in Hebron, he lost his courage, and all Israel was shaken. Ishi-Bhosheti mwanakomana waSauro paakanzwa kuti Abhineri akanga afa paHebhuroni, akapererwa nesimba, uye Israeri yose yakavhunduka.
2 Saul's son had two raiding-band leaders: Baanah and Rechab, sons of Rimmon the Beerothite, of Benjamin—for Beeroth too is counted part of Benjamin, Zvino mwanakomana waSauro akanga ana varume vaviri vakanga vari vakuru vamapoka avapambi. Mumwe ainzi Bhaana mumwe achinzi Rekabhu; vakanga vari vanakomana vaRimoni muBheeroti aibva kurudzi rwaBhenjamini (Bheeroti rinoverengerwawo kuna Bhenjamini,
3 for the Beerothites had fled to Gittaim and have lived there as foreigners to this day. nokuti vanhu veBheeroti vakatizira kuGitaimu uye vakagarako savatorwa kusvikira nhasi.)
4 Jonathan, Saul's son, had a boy lame in both feet. He was five when news of Saul and Jonathan came from Jezreel; his nurse grabbed him to flee, but as she rushed he fell and was crippled. His name was Mephibosheth. Jonatani mwanakomana waSauro aiva nomwanakomana aiva chirema makumbo ose. Aiva namakore mashanu panguva yakasvika shoko pamusoro paSauro naJonatani richibva kuJezireeri. Mureri wake akamusimudza akatiza, asi paaimhanya kuti aende, mwana akadonha akabva aremara. Zita rake ainzi Mefibhosheti.
5 Rechab and Baanah, sons of Rimmon the Beerothite, came to Ish-bosheth's house in the heat of the day, while he took his noon rest. Zvino Rekabhu naBhaana, vanakomana vaRimoni muBheeroti, vakabuda vakananga kumba kwaIshi-Bhosheti, vakasvikako masikati zuva richipisa iye ari pakuzorora kwake kwamasikati.
6 They went into the middle of the house as if to get wheat, stabbed him in the belly, and Rechab and his brother Baanah escaped. Vakapinda mukati memba vachiita sevanondotora gorosi, ndokubva vamubaya padumbu. Ipapo Rekabhu nomununʼuna wake Bhaana vakabva vatiza.
7 They had entered the house while Ish-bosheth lay on his bed in his bedroom. They struck him down, killed him, cut off his head, and took it, traveling all night by way of the Arabah. Vakanga vapinda mumba panguva yaakanga akarara pamubhedha wake muimba yokurara. Pavakamubaya vakamuuraya, ndokugura musoro wake. Vakautora, ndokufamba usiku nenzira yeArabha.
8 They brought Ish-bosheth's head to David at Hebron and told the king, "Here is the head of Ish-bosheth son of Saul, your enemy who sought your life. Today our Father has avenged my lord the king on Saul and his offspring." Vakandosvika nomusoro wa Ishi-Bhosheti kuna Dhavhidhi paHebhuroni vakati kuna mambo, “Hounoi musoro waIshi-Bhosheti mwanakomana waSauro, muvengi wenyu, uyo aida kutora upenyu hwenyu. Nhasi Jehovha atsivira ishe wangu mambo pamusoro paSauro navana vake.”
9 But David answered Rechab and his brother Baanah, sons of Rimmon the Beerothite: "As surely as our Father lives, who has redeemed my life from every distress, Dhavhidhi akapindura Rekabhu naBhaana, vanakomana vaRimoni muBheeroti akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu, uyo akandinunura munjodzi dzose,
10 when a man told me, 'Look, Saul is dead,' thinking he brought good news, I seized and killed him at Ziklag. That was the reward I gave him for his news! pandakaudzwa nomumwe murume kuti, ‘Sauro afa,’ iye achifunga kuti ari kuuya nenhau dzakanaka, ndakamubata ndikamuuraya paZikiragi. Ndiwo mubayiro wandakamupa pamashoko ake!
11 How much more when wicked men kill a righteous man in his own house, on his own bed—should I not now demand his blood from you and remove you from the earth? Ko, zvino zvichava sei, kana vanhu vakaipa vachinge vauraya munhu asina mhosva mumba make uye ari pamubhedha wake, handingatsvaki ropa rake pamaoko enyu here, kuti ndikubvisei panyika!”
12 David ordered his young men, and they killed them, cut off their hands and feet, and hung the bodies by the pool in Hebron. But Ish-bosheth's head they buried in Abner's tomb at Hebron." Saka Dhavhidhi akarayira majaya ake, vakavauraya. Vakadimura maoko namakumbo avo ndokurembedza miviri yavo padziva reHebhuroni. Asi vakatora musoro waIshi-Bhosheti vakandouviga muguva raAbhineri paHebhuroni.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]