Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

1 Peter 4 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 So, since Christ suffered in the flesh, arm yourselves too with the same mindset: whoever suffers in the flesh is done with sin. Naizvozvo, sezvo Kristu akatambudzika mumuviri wake, nemiwo muzvishongedze nomurangariro iwoyo, nokuti uyo akatambudzika mumuviri wake akarega chivi.
2 So you no longer spend your remaining time in the flesh for human cravings, but for the will of our Father. Nokuda kwaizvozvo, haagari upenyu hwake hwose hwapanyika pakuchiva kwavanhu kwakaipa, asi mukuda kwaMwari.
3 You've already spent enough time doing what those who don't know the Father want: living in sensuality, lust, drunkenness, wild parties, drinking bouts, and lawless idol worship. Nokuti nguva yakapfuura yakaringana kare yamakapedza muchiita kuda kwavahedheni yamairarama muutere, kuchiva, kudhakwa, kutamba kwakaipa, kuraradza nokunamata zvifananidzo zvinonyangadza.
4 They're surprised you no longer run with them into the same flood of wild living, so they insult you for it. Vanofunga kuti zvinoshamisa kuti imi hamuchapindi pamwe chete navo mukurarama kwokusazvidzora kwavo kuzhinji, uye vanokutukai kwazvo.
5 But they will answer to the one ready to judge the living and the dead. Asi vachazvidavirira kuna iye akazvigadzirira kutonga vapenyu navakafa.
6 This is why the gospel was preached even to those now dead: judged in the flesh as all people are, but they may live in the spirit as our Father does. Nokuti nokuda kwaizvozvi vhangeri rakaparidzwa kunyange nokuna vakafa, kuitira kuti vagotongwa nomutoo wavanhu nokuda kwenyama, asi vagorarama nomutoo waMwari nokuda kwomweya.
7 The end of all things is near. Therefore be clear-minded and self-controlled so that you can pray. Kuguma kwezvinhu zvose kwava pedyo. Naizvozvo ndangariro dzenyu ngadzichene uye muzvidzore kuti mugogona kunyengetera.
8 Above all, keep loving one another deeply, because love covers a multitude of sins. Pamusoro paizvozvo zvose dananai norudo rukuru, nokuti rudo runofukidza zvivi zvizhinji.
9 Show hospitality to one another without grumbling. Muitirane rudo kuno mumwe nomumwe wenyu musinganyunyuti.
10 Each of you, use whatever gift you've received to serve others, as good stewards of our Father's varied grace. Mumwe nomumwe ngaashandise chipo chaanacho kuti ashandire vamwe, akatendeka muutariri hwenyasha dzaMwari mukuwanda kwadzo.
11 Whoever speaks should speak as one delivering the very words of our Father. Whoever serves should serve by the strength he supplies, so that in everything he may be glorified through Jesus Christ. To him belong the glory and the power forever and ever. Amen. Kana munhu achitaura, ngaadaro somunhu anotaura mashoko chaiwo aMwari. Kana munhu achishumira, ngaazviite nesimba raanopiwa naMwari, kuitira kuti muzvinhu zvose Mwari arumbidzwe kubudikidza naJesu Kristu. Iye ngaave nokubwinya nesimba nokusingaperi-peri. Ameni.
12 Dear friends, don't be surprised at the fiery trial testing you, as if something strange were happening to you. Vadikani, musashamiswa nokurwadza kwokutambudzika nemiedzo, sokunge chinhu chisingazivikanwi chaitika kwamuri.
13 Instead, rejoice as much as you share Christ's suffering, so you may also rejoice with joy when his glory is revealed. Asi farai kuti munogovana naKristu mumatambudziko, kuitira kuti mufare kwazvo pakuonekwa kwokubwinya kwake.
14 If insulted for Christ's name, you're blessed, for the Spirit of glory and of our Father rests on you. Kana muchitukwa nokuda kwezita raKristu, makaropafadzwa, nokuti mweya wokubwinya nowaMwari unogara pamuri.
15 None of you should suffer as a murderer, thief, criminal, or meddler in others' affairs. Ngakurege kuva nomumwe wenyu achatambudzika, nemhaka yokuti imhondi, kana mbavha, kana kuti anoita zvimwe zvakaipa zvemhando ipi zvayo, kana kusarega zvavamwe.
16 But if you suffer as a Christian, don't be ashamed, but praise our Father that you bear that name. Kunyange zvakadaro, kana muchitambudzika somuKristu, musanyadziswa, asi rumbidzai Mwari nokuti mune zita iroro.
17 For it is time for judgment to begin with the household of our Father; if it starts with us, what awaits those who disobey the good news of our Father? Nokuti inguva yokuti kutonga kutange mumba maMwari; uye kana kuchitanga nesu, zvichazoveiko kuna vaya vasingateereri vhangeri raMwari?
18 And, "If the righteous are barely saved, what will become of the ungodly and sinner?" Uye, “Kana zvichiremera akarurama kuti aponeswe, ko, asingazivi Mwari nomutadzi vachazovei?”
19 So then, those who suffer by our Father's will should entrust their souls to their faithful Creator, doing good. Saka zvino, vaya vanotambudzika nokuda kwaMwari vanofanira kuzviisa kuMusiki wavo akatendeka uye vagoramba vachiita zvakanaka.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]