Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

1 Peter 3 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Likewise, wives, submit to your own husbands, so that even if some disobey the word, they may be won without a word by their wives' conduct, Saizvozvo nemiwo vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu kuitira kuti, kana vamwe vavo vasingatendi shoko, vangadzorwa namafambiro avakadzi vavo pasina shoko rarehwa,
2 seeing your pure, reverent conduct. pavanoona kuchena nokuremekedzwa kwoupenyu hwenyu.
3 Do not let your beauty be the outward kind—braided hair, gold jewelry, fine clothing. Runako rwenyu ngarurege kubva pakushonga kwokunze, kwakadai sebvudzi rakarukwa uye nokushonga zvishongo zvegoridhe nenguo dzakaisvonaka.
4 But let it be the hidden person of the heart, the undying beauty of a gentle, quiet spirit, precious in our Father's sight. Asi, runofanira kuva rwomunhu womukati, iko kunaka kusingaori kwounyoro nekwomweya wakapfava, kunova ndiko kunokosha pamberi paMwari.
5 For this is how the holy women of old who hoped in our Father adorned themselves, submitting to their own husbands, Nokuti vaizvishongedza saizvozvi vakadzi vatsvene vakare avo vaiisa tariro yavo muna Mwari. Vakanga vachizviisa pasi pavarume vavo chaivo,
6 as Sarah obeyed Abraham, calling him lord. And you have become her children if you do good, fearing no terror. saSara, akateerera Abhurahama akamuti ishe wake. Muri vanasikana vake kana muchiita zvakanaka uye musingapi kutya nzvimbo.
7 Husbands, similarly, live with your wives with understanding, honoring each as the weaker vessel and as coheirs of the grace of life, so your prayers aren't hindered. Saizvozvo, varume, garai zvakanaka navakadzi venyu, uye muvabate norukudzo somudziyo usina simba uye savadyi venhaka pamwe chete nemi, yechipo chinokosha choupenyu, kuti parege kuva nechinodzivisa minyengetero yenyu.
8 Finally, all of you, be of one mind, sympathetic, loving one another as family, tenderhearted, and humble. Pakupedzisira, imi mose, mugare norugare mumwe nomumwe wenyu; munzwirane ngoni, mudanane sehama, munzwirane tsitsi uye muzvininipise.
9 Do not repay evil for evil or insult for insult, but bless instead—you were called to this, so you may inherit blessing. Regai kudzorera chakaipa nechakaipa kana kutuka nokutuka, asi namaropafadzo, nokuti ndizvo zvamakadanirwa izvozvo kuitira kuti mugare nhaka yokuropafadzwa.
10 For, "Whoever desires to love life and to see good days, let him keep his tongue from evil and his lips from speaking deceit. Nokuti, “Uyo anoda upenyu kuti agoona mazuva akanaka anofanira kudzora rurimi rwake pane zvakaipa, nemiromo yake pakutaura zvinonyengera.
11 Let him turn away from evil and do good; let him seek peace and pursue it. Anofanira kudzoka pane zvakaipa agoita zvakanaka; anofanira kutsvaka rugare agorutevera.
12 For the eyes of our Lord are on the righteous, and his ears are open to their prayer, but the face of our Lord is against those who do evil." Nokuti meso aShe ari pamusoro pavakarurama, uye nzeve dzake dzakateerera kumunyengetero wavo, asi chiso chaShe chakanangana navaya vanoita zvakaipa.”
13 Now who is there to harm you if you are eager to do what is good? Ndianiko achakuitirai zvakaipa kana muchishingairira kuita zvakanaka?
14 But if you suffer for righteousness, you are blessed. Don't fear their fear, don't be shaken. Asi kunyange dai mungatambudzika nokuda kwezvakanaka, makaropafadzwa imi. “Murege kutya zvavanotya ivo; musavhundutswa.”
15 Set Christ apart as Lord in your hearts. Always be ready to answer anyone who asks the reason for your hope, but with gentleness and respect. Asi mumwoyo menyu tsaurai Kristu saIshe. Mugare makazvigadzirira nguva dzose kupindura vose vanokubvunzai pamusoro petariro yamunayo. Asi muite izvozvo nounyoro uye nokukudza,
16 Keep a clear conscience, so that when you're slandered, those who insult your good conduct in Christ are shamed. muchichengeta hana yakachena, kuitira kuti vaya vanotaura zvakaipa pamusoro pamafambiro enyu akanaka muna Kristu vanyadziswe pakureva kwavo.
17 Better to suffer for doing good, if that's our Father's will, than for doing evil. Zviri nani, kana kuri kuda kwaMwari, kuti mutambudzike nokuda kwokuita zvakanaka pano kuti mutambudzike nokuda kwokuita zvakaipa.
18 For Christ too suffered once for sins, the righteous for the unrighteous, to bring us to our Father—put to death in flesh, made alive in spirit, Nokuti Kristu akafira zvivi zvavose kamwe chete; akarurama nokuda kwavasakarurama, kuti akuuyisei kuna Mwari. Akaurayiwa mumuviri asi akararamiswa noMweya,
19 in which he also went and proclaimed to the spirits in prison, nawo akaendawo akandoparidza kumweya yakanga iri mutorongo
20 who disobeyed long ago, when our Father waited patiently in Noah's days as the ark was being built, in which a few—eight people—were brought safely through the water. yakaramba kuteerera kare Mwari paakanga akamirira nomwoyo murefu mumazuva aNoa, areka payakanga ichiri kuvakwa. Mairi, vanhu vashoma bedzi, ivo vasere, vakaponeswa nemvura,
21 This corresponding baptism now saves you too—not removing body dirt, but appealing to our Father for a good conscience—through Jesus Christ's resurrection, uye mvura iyi inofananidzira rubhabhatidzo runokuponesaiwo zvino, rusingarevi kubviswa kwetsvina yomuviri asi rubatso rwehana yakanaka kuna Mwari. Inokuponesai nokumuka kwaJesu Kristu,
22 who entered heaven and is at our Father's right hand, with angels, authorities, and powers subject to him. iye akapinda mudenga uye ari kuruoko rworudyi rwaMwari, vatumwa namasimba noushe zviri pasi pake.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]