Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

1 Peter 2 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 So put away all malice and all deceit and hypocrisy and envy and all slander. Naizvozvo, muzvidzore pane zvakaipa zvose namanomano ose, nokunyengera, negodo, nokureva kwose.
2 Like newborn babies, crave pure milk of the word, so you grow into salvation, Savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka wakachena womweya, kuti mugokuriswa nawo muruponeso rwenyu,
3 now that you have tasted that the Lord is good. sezvo makaravira zvino kuti Ishe akanaka.
4 As you come to him, the living stone rejected by people but chosen, precious to our Father. Sezvamunouya kwaari, iye Ibwe Benyu, rakarambwa navanhu asi rakasarudzwa naMwari uye rinokosha kwaari,
5 You too are being built, like living stones, into a spiritual house and a holy priesthood, offering spiritual sacrifices our Father accepts through Jesus Christ. nemiwo, samabwe mapenyu, muri kuvakwa muimba yomweya kuti muve uprista hutsvene muchipa zvibayiro zvomweya zvinogamuchirwa kuna Mwari kubudikidza naJesu Kristu.
6 Scripture says: "See, I set in Zion a chosen, precious cornerstone; whoever believes in him will never be put to shame." Nokuti muRugwaro zvinonzi: “Tarirai, ndakaisa ibwe muZioni, ibwe rakasanangurwa, rinokosha, uye munhu anovimba naye haatongonyadziswi.”
7 This honor, then, is for you who believe. For those who don't, the stone the builders rejected has become the cornerstone, Zvino kunemi vanotenda, iri ibwe rinokosha. Asi kuna avo vasingatendi, “Ibwe rakaraswa navavaki ndiro rava musoro wekona,”
8 and a stumbling stone, a rock that trips them. They trip because they disobey the word—exactly what they were appointed for. uye, “Ibwe rinogumbusa vanhu nedombo rinoita kuti vawe.” Vanogumburwa nokuti havateereri shoko, zvinova ndizvo zvavakatemerwawo.
9 But you are a chosen people, a royal priesthood, a holy nation, a people belonging to our Father, to proclaim the praises of the one who called you from darkness into his amazing light. Asi imi muri vanhu vakasanangurwa, uprista hwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaMwari chaivo, vaakadana kuti muparidze kunaka kwaiye akakudanai kuti mubve murima, muuye muchiedza chake chinoshamisa.
10 Once you were not a people, now you are our Father's people; once you had not received mercy, now you have received mercy. Kare makanga musiri vanhu, asi zvino mava vanhu vaMwari; kare makanga musinganzwirwi ngoni, asi zvino makagamuchira ngoni.
11 Dear friends, I urge you—foreigners and exiles—to avoid fleshly desires that war against your soul. Vadikani, ndinokukurudzirai, savatorwa navaeni munyika, kuti muzvidzore pakuchiva kwenyama, kunorwa nomweya wenyu.
12 Live good lives among the nations, so that when they slander you as wrongdoers, they may see your good deeds and glorify our Father on the day he visits us. Mugare upenyu hwakanaka pakati pavahedheni kuti, kunyange vachikupomerai mhosva, vaone mabasa enyu akanaka vagokudza Mwari pazuva raanotishanyira.
13 Submit to every human authority for the Lord's sake—whether the emperor, as supreme, Muzviise pasi pamasimba ose akagadzwa pakati penyu navanhu nokuda kwaIshe: angava mambo, saiye mutongi mukuru,
14 or to governors, sent by the emperor to punish wrongdoers and praise those who do good. kana vabati, vakatumwa naye kuti vazoranga vaya vanoita zvakaipa uye kuti varumbidze vaya vanoita zvakanaka.
15 For this is our Father's will: that by doing good you silence the ignorant talk of foolish people. Nokuti kuda kwaMwari kuti, nokuita zvakanaka, muchanyaradza kusaziva kwamapenzi.
16 Live as free people—not using freedom to cover evil—but as servants of our Father. Garai savanhu vakasununguka, asi musingaiti kuti kusununguka kwenyu kuve chifukidzo chezvakaipa; garai savaranda vaMwari.
17 Respect everyone, love the family of believers, fear our Father, honor the emperor. Kudzai vanhu vose norukudzo chairwo: Idai hama dzose, ityai Mwari, kudzai mambo.
18 Servants, submit to your masters with full respect—not only the good and gentle, but also the harsh. Varanda, zviisei pasi pavatenzi venyu nokukudza kwose, kwete kuna avo vakanaka navane hanya bedzi, asi nokuna vayawo vane hasha.
19 For it is commendable if someone bears up under the pain of unjust suffering, mindful of our Father. Nokuti zvinorumbidzwa kana munhu achitsungirira ari pasi pokurwadziwa nokutambudzika kusakafanira nokuti anoziva kuti Mwari ariko.
20 What credit is it to endure a beating for doing wrong? But enduring suffering for doing good—this is commendable before our Father. Asi mungarumbidzwa sei kana muchirohwa nokuda kwokuita zvakaipa uye muchitsunga mazviri? Asi kana muchitambudzika nokuda kwokuti munoita zvakanaka uye muchitsunga mazviri, izvozvo zvinorumbidzwa pamberi paMwari.
21 You were called to this, since Christ suffered for you too, leaving an example for you to follow in his steps. Makadanirwa izvozvi, nokuti Kristu akatambudzika nokuda kwenyu, akakusiyirai muenzaniso, kuti mutevere makwara ake.
22 "He committed no sin, and no deceit was found in his mouth." “Haana kutadza, uye kunyengera hakuna kuwanikwa mumuromo make.”
23 When they hurled their insults at him, he did not retaliate; when he suffered, he made no threats, but entrusted himself to the one who judges justly. Pavakamutuka, haana kudzorera; paakatambudzika, haana kutyisidzira. Asi, akazviisa kuna iye anotonga nokururama.
24 He himself bore our sins in his body on the tree, so that we might die to sin and live for righteousness; by his wounds you have been healed. Iye pachake akatakura zvivi zvedu mumuviri wake pamuti, kuitira kuti isu tife kuzvivi tigorarama zvakarurama; namavanga ake imi makaporeswa.
25 For you were straying like sheep, but now have returned to the Shepherd and Guardian of your souls. Nokuti imi makanga makaita samakwai akarasika, asi zvino madzokera kuMufudzi noMutariri wemweya yenyu.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]