Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

1 Peter 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Peter, apostle of Jesus Christ, to the chosen exiles scattered through Pontus, Galatia, Cappadocia, Asia, and Bithynia. Petro, mupostori waJesu Kristu, kuvasanangurwa vaMwari, vatorwa munyika, vakapararira muPondasi yose, neGaratia, neKapadhokia, Ezhia neBhitinia,
2 Chosen by our Father's foreknowledge, made holy by the Holy Spirit, to obey Jesus Christ and be sprinkled with his blood: grace and peace multiplied to you. vakasarudzwa maererano nokuziva zviri mberi kunoita Mwari Baba, kubudikidza nebasa roMweya rokuvaita vatsvene, kuti vateerere kuna Jesu Kristu nokusaswa neropa rake: Nyasha norugare ngazviwande kwamuri.
3 Blessed is our Father, and the Father of our Lord Jesus Christ: by his great mercy he gave us new birth into a living hope through Jesus Christ's resurrection from the dead, Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, ngaarumbidzwe! Nengoni dzake huru, akatibereka patsva akatipinza mutariro mhenyu nokumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa,
4 into an inheritance that can never perish, spoil, or fade, kept in heaven for you, akatiisa munhaka isingagoni kuparara, isingaori kana kusvava, yamakachengeterwa kudenga,
5 protected through faith by our Father's power for the salvation ready to be revealed in the last time. imi munodzivirirwa nesimba raMwari nokutenda kusvikira ruponeso rwauya rwakagadzirirwa kuti ruratidzwe munguva dzokupedzisira.
6 You rejoice greatly in this, though now, briefly, you may have had to be distressed by various trials. Mune izvi munofara zvikuru kunyange zvino, kana zvichifanira, muchitambudzika kwechinguva chiduku nenzira dzose dzemiedzo.
7 These have come so that your faith—tested and found genuine, worth more than fire-refined gold that still gets destroyed—may bring praise, glory, and honor when Jesus Christ appears. Izvi zvakauya kuitira kuti kutenda kwenyu, kunokosha kupfuura goridhe, rinoparara kunyange zvaro rakanatswa nomoto, kuwanikwe kwakakwana uye kuve kunorumbidzwa, kunobwinya uye kunokudzwa pakuratidzwa kwaJesu Kristu.
8 Though you've never seen him, you love him; though you don't see him now, you trust him, rejoicing with joy beyond words and full of glory, Kunyange musina kumuona, munomuda; kunyange zvazvo musingamuoni zvino, munotenda kwaari uye muzere nomufaro usingagoni kurondedzerwa,
9 for you are receiving the goal of your faith, the salvation of your souls. nokuti muri kugamuchira chinovavarirwa nokutenda kwenyu, irwo ruponeso rwemweya yenyu.
10 Prophets who spoke of the grace meant for you investigated and searched carefully into this salvation, Nezvoruponeso urwu, vaprofita vakataura nezvenyasha dzaizouya kwamuri, vakanzvera zvikuru uye vakabvunza zvikuru,
11 searching for the time and situation the Spirit of Christ in them pointed to, when he predicted Christ's sufferings and the glories after them. vachiedza kunzvera kuti vaone nguva nezvinhu zvairatidzwa noMweya wakanga uri mukati mavo pawakaprofita nezvokutambudzika kwaKristu, uye nezvokubwinya kwaizotevera.
12 It was revealed to them: they served not themselves but you, when they spoke of these things now announced to you through those who preached the good news to you by the Holy Spirit sent from heaven. Even angels long to look into these things. Zvakaratidzwa kwavari kuti vakanga vasingazvishumiri ivo, asi imi, pavakataura nezvezvinhu zvakataurwa kwamuri zvino naavo vakaparidza vhangeri kwamuri noMweya Mutsvene wakatumwa uchibva kudenga. Kunyange vatumwa vanoshuva kuona zvinhu izvozvi.
13 So, minds braced for action and fully sober, hope completely on the grace to be brought to you when Jesus Christ is revealed. Naizvozvo, pfungwa dzenyu ngadzigadzirire kushanda, muzvidzore; muise, zvizere, tariro yenyu panyasha dzamuchapiwa pakuonekwa kwaJesu Kristu.
14 As obedient children, don't let yourselves be shaped by the desires you once followed in your ignorance. Savana vanoteerera, musaenzaniswa nezvido zvakaipa zvamaiva nazvo pamairarama mukusaziva.
15 But just as the one who called you is holy, so be holy in all you do; Asi saiye akakudanai mutsvene, ivai vatsvene pane zvose zvamunoita;
16 for it is written: "Be holy, because I am holy." nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.”
17 Since you call on a Father who judges every deed without favoritism, spend your exile time here in reverent fear. Sezvo muchidana kuna Baba vanotonga basa romunhu mumwe nomumwe vasingatsauri, mugare upenyu hwenyu pano savatorwa muchitya.
18 You know silver and gold—things that decay—didn't rescue you from the empty life passed down from your ancestors, Nokuti munoziva kuti hamuna kudzikinurwa nezvinhu zvinoora, zvakadai sesirivha kana goridhe, kubva paupenyu hwenyu husina maturo, hwamakagamuchira kubva kumadzitateguru enyu,
19 but with Christ's precious blood, a lamb without defect or stain. asi neropa rinokosha raKristu, iro gwayana risina charingapomerwa uye risina kuremara.
20 Chosen before the world's foundation, revealed in these last times for your sake. Akasanangurwa kare nyika isati yavapo, asi akaratidzwa kwamuri mumazuva ano okupedzisira nokuda kwenyu.
21 Through him you believe in our Father, who raised him from the dead and glorified him, so your faith and hope are in our Father. Kubudikidza naye munotenda kuna Mwari, akamumutsa kubva kuvakafa uye akamukudza, kuti kutenda kwenyu netariro yenyu zvive muna Mwari.
22 Having purified your souls by obeying the truth for sincere love of the brothers, love each other deeply from a pure heart. Zvino zvamakanatsa mwoyo yenyu nokuteerera chokwadi kuitira kuti mude hama muzvokwadi, munofanira kudanana zvikuru, zvichibva pamwoyo.
23 For you have been born again—not of perishable seed but imperishable—through the living, enduring word of our Father. Nokuti makaberekwa patsva, kwete nembeu inoora, asi isingaori, neshoko raMwari benyu uye rinogara nokusingaperi.
24 For, "All people are like grass, and all their glory like the flowers of the field; the grass withers and the flowers fall, Nokuti, “Vanhu vose vakaita souswa, uye kuyevedza kwavo kwakaita samaruva ouswa; uswa hunosvava uye maruva anowira pasi,
25 but the word of our Father endures forever." And this is the word that was preached to you. asi shoko raShe rinogara nokusingaperi.” Uye iri ndiro shoko ramakaparidzirwa.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]