Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

1 Peter 5 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 I urge the elders among you, as fellow elder, witness of Christ's sufferings, and sharer in the glory about to be revealed: Kuvakuru vari pakati penyu, ndinokumbira hangu somukuru pamwe chete nemi, nechapupu chamatambudziko aKristu, uye somumwewo achazogovana navo mukubwinya kuchazoratidzwa ndichiti:
2 Shepherd our Father's flock among you, watching over it—not forced but willing, as our Father wants; not for shameful profit but eager, Ivai vafudzi veboka raMwari riri pasi penyu, muchibata savatariri, musingazviiti nokuroveredzwa, asi nokuda kwokuti munoda, sezvinodikanwa naMwari kuti muve; musingakariri mari, asi muchishingaira pakushanda;
3 not lording it over those entrusted to you, but being examples to the flock. musingaremedzi vaya vakaiswa kwamuri, asi muve muenzaniso kuboka.
4 And when the Chief Shepherd appears, you will receive the unfading crown of glory. Uye mufudzi mukuru paachaonekwa, muchapiwa korona yokubwinya isingaori.
5 Likewise, younger ones, submit to elders. All of you, dress yourselves in humility toward each other, for our Father opposes the proud but gives grace to the humble. Saizvozvo, imi majaya, muzviise pasi pavaya vari vakuru. Imi mose, pfekai kuzvininipisa kuno mumwe nomumwe, nokuti, “Mwari anodzivisa vanozvikudza asi anopa nyasha kuna vanozvininipisa.”
6 So humble yourselves under our Father's mighty hand, that he may lift you up in the right time, Naizvozvo, muzvininipise, pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti agokusimudzirai munguva yakafanira.
7 casting all your anxiety on our Father, because he cares for you. Kandai paari kufunganya kwenyu kwose nokuti anokuchengetai.
8 Stay sober and watchful; your adversary the devil roams like a roaring lion, hunting someone to devour. Muzvidzore uye musvinure. Muvengi wenyu dhiabhori anofamba-famba achiomba seshumba inotsvaka waingadya.
9 Resist him, standing firm in faith, knowing your fellow believers worldwide endure the same suffering. Mumudzivise, mumire makasimba mukutenda, nokuti munoziva kuti hama dzenyu munyika yose dziri kutambudzika saizvozvo.
10 And our Father of all grace, who called you to his eternal glory in Christ, will himself restore, support, strengthen, and ground you after brief suffering. Uye Mwari wenyasha dzose, akakudanirai kukubwinya kwake kusingaperi muna Kristu, mushure mokumbotambudzika kwechinguva chiduku, achakuponesai uye achakusimbisai, agokumisai zvakasimba uye agokutsigisai.
11 To him be the dominion forever. Amen. Ngaave nesimba nokusingaperi-peri. Ameni.
12 Through Silvanus, a faithful brother as I see him, I've written briefly—encouraging you and testifying that this is the true grace of our Father. Stand firm in it. Ndakakunyorerai muchidimbu ndichibatsirwa naSirasi hama yangu yakatendeka, ndichikukurudzirai uye ndichipupura kuti idzi ndidzo nyasha dzaMwari dzechokwadi. Mirai makasimba madziri.
13 She who is in Babylon, chosen together with you, sends you greetings, and so does Mark, my son. Kereke iri muBhabhironi, yakasanangurwa pamwe chete nemi, inokukwazisai, uye mwanakomana wangu Mako anokukwazisaiwo.
14 Greet one another with a kiss of love. Peace to all of you who are in Christ. Kwazisanai nokutsvodana kworudo. Rugare kwamuri mose muri muna Kristu.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]