Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Peter 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Simon Peter, servant and apostle of Jesus Christ, to those given a faith as precious as ours through the righteousness of our God and Savior Jesus Christ: Simoni Petro, muranda nomupostori waJesu Kristu, kuna vaya vakagamuchira kutenda kunokosha sokwedu, kubudikidza nokururama kwaMwari wedu noMuponesi wedu Jesu Kristu:
2 May grace and peace be multiplied to you through knowing our Father and Jesus our Lord. Nyasha norugare ngazvive nemi, zviwande kubudikidza nokuziva kwaMwari nokwaJesu Ishe wedu.
3 His divine power gave us all we need for life and devotion to God, through knowing him who called us by his glory and excellence. Simba rake dzvene rakatipa zvinhu zvose zvatinoda zvoupenyu uye noumwari kubudikidza nokumuziva kwedu iye akatidana nokubwinya nokunaka kwake chaiko.
4 Through these he gave us his precious and very great promises, so that through them you may share the divine nature, having escaped the world's corruption from evil desires. Kubudikidza naizvozvo, akatipa zvipikirwa zvake zvikuru kwazvo zvinokosha kuti nazvo, mugone kugoverwa umwari uye mugotiza kuora kwomunyika kunouyiswa nokuchiva.
5 So, making every effort, add goodness to your faith, and to goodness, knowledge; Nokuda kwaizvozvi, shingairai kuti muwedzere kunaka pakutenda kwenyu; uye pakunaka, muwedzere kuziva;
6 to knowledge, self-control; to self-control, endurance; to endurance, devotion to God, napakuziva muwedzere kuzvidzora; napakuzvidzora, muwedzere kutsungirira; napakutsungirira, muwedzere umwari;
7 to devotion to God, brotherly affection; to brotherly affection, love. napaumwari muwedzere kuda vatendi; napakuda vatendi, muwedzere rudo.
8 If you have these qualities, growing, they'll keep you from being useless or fruitless in knowing our Lord Jesus Christ. Nokuti kana mune zvinhu izvi, zvichiramba zvichiwanda, zvichakuitai kuti musava nousimbe uye musashayiwa zvibereko mukuziva kwenyu Ishe wedu Jesu Kristu.
9 Whoever lacks these things is blind, shortsighted, forgetting he was cleansed from his past sins. Asi kana munhu asina zvinhu izvi, anoona zviri pedyo uye ibofu, uye akanganwa kuti iye akanatswa pazvivi zvake zvakare.
10 So, brothers and sisters, strive to confirm your calling and election; do these things and you will never stumble. Naizvozvo, hama dzangu, shingairai kwazvo kuti muite kuti kudanwa kwenyu nokusanangurwa kwenyu kusimbe. Nokuti kana muchiita zvinhu izvi, hamungatongogumburwi,
11 This way you'll be richly given entrance into the eternal kingdom of our Lord and Savior Jesus Christ. nokuti muchagamuchirwa nomufaro mukuru muumambo husingaperi hwaIshe noMuponesi wedu Jesu Kristu.
12 So I will always remind you of these things, though you know them and stand firm in the truth you now hold. Saka ndicharamba ndichikuyeuchidzai zvinhu izvi, kunyange zvazvo muchizviziva uye makanyatsosimba muchokwadi chamunacho zvino.
13 I think it right to keep stirring you with reminders while I remain in this tent, Ndinofunga kuti zvakanaka kuti ndimutse ndangariro dzenyu ndichiri mutende romuviri uno,
14 since I know I'll soon set my tent aside, as our Lord Jesus Christ showed me. nokuti ndinoziva kuti ndichakurumidza kuibvisa, sezvandakaratidzwa pachena naIshe wedu Jesu Kristu.
15 I will also strive so you can always recall these things after I depart. Uye ndichashingaira kuti ndione kuti shure kwokuenda kwangu mucharamba muchirangarira zvinhu izvi.
16 For we didn't follow ingenious myths to tell you of our Lord Jesus Christ's power and coming—we were eyewitnesses of his majesty. Nokuti hatina kutevera ngano dzakarukwa nouchenjeri patakakuudzai nezvesimba uye nokuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, asi takanga tiri zvapupu zvakaona kubwinya kwake.
17 He received honor and glory from our Father when a voice came to him from the Majestic Glory: "This is my Son, the one I love; I delight in him." Nokuti akagamuchira kukudzwa nokubwinya kwakabva kuna Mwari Baba pakauya inzwi kwaari richibva kudenga mukubwinya kukuru richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, wandinoda; wandinofarira kwazvo.”
18 We ourselves heard this voice come from heaven, for we were with him on the holy mountain. Isu pachedu takanzwa inzwi iri rakabva kudenga patakanga tinaye mugomo dzvene.
19 We also have the prophetic word made more certain—you do well to attend to it, like a lamp shining in a dark place, until day dawns and the morning star rises in your hearts. Uye tine shoko ravaprofita rakasimba kwazvo, uye muchaita zvakanaka kuti muriteerere, rakaita sechiedza chinovhenekera murima, kusvikira utonga hwatsvuka uye nyamasase ichibuda mumwoyo yenyu.
20 Above all, you must understand that no prophecy of Scripture comes from one's own interpretation. Pamusoro pazvo zvose, munofanira kunzwisisa kuti hakuna chiprofita choRugwaro chakauya nokungodudzira kwomuprofita pachake oga.
21 No prophecy ever came by human will, but men spoke from our Father, carried along by the Holy Spirit. Nokuti hakuna chiprofita chakatongouya nokuda kwomunhu, asi vanhu vakataura zvaibva kuna Mwari vachisundwa noMweya Mutsvene.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]