Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

1 John 4 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Beloved, don't believe every spirit, but test the spirits to see if they're from our Father, for many false prophets have gone out into the world. Shamwari dzinodikanwa, musatenda mweya yose yose, asi edzai mweya kuti muone kana ichibva kuna Mwari, nokuti vaprofita vazhinji venhema vakapinda munyika.
2 By this you know the Spirit of our Father: every spirit confessing that Jesus Christ has come in the flesh is from our Father, Aya ndiwo maziviro amungaita Mweya waMwari: mweya mumwe nomumwe unopupura kuti Jesu Kristu akauya munyama unobva kuna Mwari,
3 and every spirit that does not confess Jesus is not from our Father. This is the antichrist's spirit, which you heard was coming, and is already in the world now. asi mweya wose usingapupuri Jesu haubvi kuna Mwari. Ndiwo mweya waandikristu, wamakanzwa kuti uri kuuya uye kunyange iye zvino watova munyika.
4 You are from our Father, little children, and have overcome them, because greater is the one in you than the one in the world. Imi, vana vanodikanwa, munobva kuna Mwari uye makavakunda, nokuti ari mamuri mukuru kuna iye ari munyika.
5 They are from the world; therefore they speak from the world, and the world listens to them. Ivo ndevenyika, naizvozvo vanotaura sevenyika, uye nyika inovanzwa.
6 We are from our Father. Whoever knows him hears us; whoever is not from him does not hear us. This is how we know the Spirit of truth and the spirit of error. Isu tinobva kuna Mwari, uye ani naani anoziva Mwari anotinzwa; asi ani naani asingabvi kuna Mwari haatinzwi. Izvi ndizvo zvinoita kuti tizive mweya wechokwadi nomweya wenhema.
7 Beloved, let us love one another, for love is from our Father, and all who love are born of him and know him. Shamwari dzinodikanwa, ngatidananei, nokuti rudo runobva kuna Mwari. Mumwe nomumwe anoda akaberekwa naMwari uye anoziva Mwari.
8 Whoever does not love does not know our Father, because our Father is love. Ani naani asingadi haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo.
9 This is how our Father's love was shown among us: our Father sent his one and only Son into the world so we might live through him. Mwari akaratidza rudo rwake pakati pedu sezvizvi: Akatuma Mwanakomana wake mumwe woga munyika kuti tive noupenyu kubudikidza naye.
10 This is love: not that we loved our Father, but that he loved us and sent his Son as the atoning sacrifice for our sins. Urwu ndirwo rudo: kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye akatida uye akatuma Mwanakomana wake kuti ave chibayiro chinoyananisa zvivi zvedu.
11 Beloved, if our Father so loved us, we also ought to love one another. Shamwari dzinodikanwa, sezvo Mwari akatida zvakadai, isu tinofanirawo kudanana.
12 No one has ever seen our Father; if we love one another, our Father remains in us and his love is made complete in us. Hakuna munhu akatongoona Mwari; asi kana tichidanana, Mwari anogara matiri, uye rudo rwake runokwaniswa matiri.
13 By this we know we live in him and he in us: he has given us his Spirit. Tinoziva kuti tinogara maari uye iye matiri, nokuti akatipa zvoMweya wake.
14 We have seen and testify that our Father sent the Son as Savior of the world. Uye takaona uye tikapupura kuti Baba vakatuma Mwanakomana wavo kuti ave Muponesi wenyika.
15 Whoever confesses Jesus is the Son of our Father, our Father remains in him, and he in our Father. Kana munhu akapupura kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari uye iye muna Mwari.
16 We have known and believed the love our Father has for us. Our Father is love, and whoever remains in love remains in him, and he in them. Nokudaro tinoziva uye tinovimba norudo rwaMwari kwatiri. Mwari rudo. Ani naani anogara murudo anogara muna Mwari, uye Mwari maari.
17 This is how love is made complete in us, so we may have confidence on judgment day, because as he is, so are we in this world. Naizvozvo, rudo runokwaniswa pakati pedu kuitira kuti tigova nokuvimba pazuva rokutongwa, nokuti munyika ino takafanana naye.
18 In love there is no fear; perfect love drives out fear, since fear involves punishment, and whoever fears is not complete in love. Murudo hamuna kutya. Asi rudo rwakakwana runodzinga kutya, nokuti kutya kune chokuita nokurangwa. Munhu anotya haana kukwaniswa murudo.
19 We love because our Father first loved us. Tinomuda nokuti iye akatanga kutida.
20 If anyone says, "I love our Father," yet hates his brother, he is a liar. For whoever does not love his brother, whom he has seen, cannot love our Father, whom he has not seen. Kana munhu achiti, “Ndinoda Mwari,” asingadi hama yake, murevi wenhema. Nokuti ani naani asingadi hama yake yaakaona, haagoni kuda Mwari, waasina kumboona.
21 And this commandment we have from him: whoever loves our Father must also love his brother. Uye akatipa murayiro uyu: Ani naani anoda Mwari anofanirawo kuda hama yake.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]