Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

1 John 3 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 See what kind of love our Father has given us, that we should be called children of our Father! And we are. The world doesn't know us because it didn't know him. Tarirai kukura kworudo rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vana vaMwari! Uye ndizvo zvatiri! Chinoita kuti nyika itadze kutiziva ndechokuti haina kumuziva iye.
2 Beloved, we are our Father's children now; what we will become has not yet been shown. But we know that when he appears, we will be like him, since we will see him as he is. Vadikani, zvino tiri vana vaMwari, uye zvatichazova zvichigere kuzivikanwa. Asi tinoziva kuti paachaonekwa, isu tichafanana naye, nokuti tichamuona sezvaari.
3 And everyone who has this hope in him purifies himself, just as he is pure. Mumwe nomumwe ane tariro iyi maari anozvichenesa, sezvo iye akachena.
4 Everyone who keeps committing sin also commits lawlessness; sin is lawlessness. Munhu wose anotadza anodarika murayiro, zvechokwadi, chivi ndiko kudarika murayiro.
5 You know he appeared to take away our sins, and in him is no sin. Asi munoziva kuti iye akaonekwa kuitira kuti abvise zvivi zvedu. Uye maari hamuna chivi.
6 Whoever remains in him doesn't go on sinning; whoever goes on sinning hasn't seen or known him. Hakuna munhu anogara maari anoramba achingotadza. Hakuna munhu anoramba achitadza, kana akamuona kana kuti akamuziva.
7 Little children, let no one deceive you. Whoever practices righteousness is righteous, just as he is righteous. Vana vanodiwa, musarega munhu upi zvake achikutsausai. Uyo anoita zvakanaka, akarurama, saiye akarurama.
8 Whoever keeps on sinning is of the devil, for the devil has been sinning from the beginning. The reason the Son of our Father appeared was to destroy the works of the devil. Uyo anoita zvakaipa ndowadhiabhori, nokuti dhiabhori akanga achingotadza kubva pakutanga. Mwanakomana waMwari akaonekwa nokuda kwaizvozvi kuti aparadze basa radhiabhori.
9 No one born of our Father keeps on sinning, because his seed abides in him; and he cannot keep on sinning, because he has been born of our Father. Hakuna munhu akaberekwa naMwari anoramba achiita chivi, nokuti mbeu yaMwari inogara maari; haangarambi achingotadza, nokuti akaberekwa naMwari.
10 This shows who our Father's children are, and who the devil's children are: whoever doesn't do what's right isn't from our Father, nor is anyone who doesn't love their brother or sister. Ndiwo maziviro edu kuti vana vaMwari ndevapi uye kuti vana vadhiabhori ndevapi: Ani naani asingaiti zvakarurama haasi mwana waMwari; uyewo uyo asingadi hama yake.
11 For this is the message you have heard from the beginning: that we should love one another. Iri ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga: Tinofanira kudanana.
12 Not like Cain, who belonged to the evil one and killed his brother. Why did he kill him? Because his own deeds were evil and his brother's were righteous. Musaita saKaini, akanga ari wowakaipa uye akaponda mununʼuna wake. Uye akamuurayireiko? Nokuti mabasa ake akanga akaipa uye omununʼuna wake akanga akarurama.
13 Do not be surprised, brothers and sisters, if the world hates you. Musashamiswa, hama dzangu, kana nyika ichikuvengai.
14 We know we've passed from death to life, because we love each other. Whoever doesn't love remains in death. Tinoziva kuti takabva murufu tikaenda muupenyu, nokuti tinoda hama dzedu. Ani naani asingadi anogara murufu.
15 Everyone who hates his brother or sister is a murderer, and you know no murderer has eternal life remaining in him. Ani naani anovenga hama yake imhondi, uye munoziva kuti hakuna mhondi ino upenyu husingaperi mairi.
16 This is how we know love: Christ laid down his life for us; we too should lay down our lives for one another. Aya ndiwo maziviro edu kuti rudo rwakadini: Jesu Kristu akapa upenyu hwake nokuda kwedu. Uye isu tinofanira kupa upenyu hwedu nokuda kwehama dzedu.
17 But if anyone has the world's goods and sees his brother or sister in need, yet closes his heart to them, how does our Father's love remain in him? Kana munhu ane pfuma uye akaona hama yake ichishayiwa, asi akasainzwira tsitsi, rudo rwaMwari rungagara maari seiko?
18 Little children, let us not love with words or talk, but in deed and in truth. Vana vanodikanwa, ngatiregerei kuda namashoko kana norurimi, asi namabasa uye nechokwadi.
19 By this we'll know we come from the truth, and settle our heart before him, Zvino, ndiwo maziviro edu kuti tiri vechokwadi, uye kuti mwoyo yedu inozorora sei pamberi pake
20 whenever our heart condemns us; for our Father is greater than our heart, and he knows everything. pose patinopiwa mhosva nemwoyo yedu. Nokuti Mwari mukuru kupfuura mwoyo yedu, uye anoziva zvinhu zvose.
21 Beloved, if our heart does not condemn us, we have confidence before our Father; Shamwari dzinodikanwa, kana mwoyo yedu isingatipi mhosva, tinako kuvimba pamberi paMwari
22 whatever we ask, we receive from him, because we keep his commands and do what pleases him. uye tinogamuchira kubva kwaari zvose zvatinokumbira, nokuti tinoteerera mirayiro yake uye tinoita zvinomufadza.
23 This is his command: believe in his Son Jesus Christ's name, and love one another as he commanded us. Uye uyu ndiwo murayiro wake: kutenda muzita roMwanakomana wake, Jesu Kristu, uye nokuda mumwe nomumwe wedu sezvaakatirayira.
24 Whoever keeps his commands remains in our Father, and our Father in them. This is how we know he remains in us: by the Holy Spirit he gave us. Avo vanoteerera mirayiro yake vanogara maari, naiye mavari. Uye izvi ndizvo zvinoita kuti tizive kuti iye anogara matiri: Tinozviziva noMweya waakatipa.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]