Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

1 John 2 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 My dear children, I write this so you won't sin. But if anyone does sin, we have an advocate before the Father—Jesus Christ, the righteous one. Vana vangu vandinoda, ndinonyora izvi kwamuri kuti murege kutadza. Asi kana munhu akatadza, tine murevereri kuna Baba, Jesu Kristu, Iye Akarurama.
2 He himself is the atoning sacrifice for our sins, and not ours only but also the whole world's. Ndiye chibayiro chinoyananisira zvivi zvedu, uye kwete zvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yose.
3 By this we know that we have come to know him: if we keep his commandments. Tinoziva kuti isu tinomuziva kana tichiteerera mirayiro yake.
4 Whoever says, "I know him," yet doesn't keep his commands, is a liar—the truth isn't in him. Munhu anoti, “Ndinomuziva,” asi asingaiti zvaanorayira, iyeye murevi wenhema, uye chokwadi hachizi maari.
5 But whoever keeps his word, the love of our Father is truly complete in him. This is how we know we are in him: Asi kana munhu achiteerera shoko rake, zvirokwazvo rudo rwaMwari runokwaniswa maari. Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tiri maari:
6 Whoever claims to remain in him ought to walk in the very way he walked. Ani naani anozviti anogara maari anofanira kufamba sokufamba kwakaita Jesu.
7 Dear ones, I write you no new command, but an old one, held since the start—the old command is the word you heard. Vadikani, handisi kukunyorerai murayiro mutsva asi wakare, wamakanzwa kubva pakutanga. Iwoyu murayiro wekare ndiyo mharidzo yamakanzwa.
8 Again, I write you a new command—true in him and in you—because the darkness is passing and the true light already shines. Asi ndiri kukunyorerai murayiro mutsva; chokwadi chawo chinoonekwa maari uye nomamuri, nokuti rima riri kupfuura uye chiedza chechokwadi chava kutovhenekera.
9 Anyone who says they're in the light but hates their brother or sister is in the dark even now. Ani naani anoti ari muchiedza asi achivenga hama yake achiri murima.
10 Whoever loves his brother or sister abides in the light, and in him there is no cause for stumbling. Ani naani anoda hama yake anogara muchiedza, uye maari hamuna chinhu chingamugumbusa.
11 But whoever hates his brother or sister is in the dark, walking in the dark, not knowing where he's going—the dark has blinded his eyes. Asi ani naani anovenga hama yake ndiye ari murima uye anofamba murima; haazivi kwaanoenda, nokuti rima rakamupofumadza.
12 I write to you, little children, because your sins are forgiven for his name's sake. Ndinokunyorerai, vana vangu vandinoda, nokuti zvivi zvenyu zvakaregererwa nokuda kwezita rake.
13 I write to you, fathers, because you know the One from the beginning. I write to you, young men, because you have defeated the evil one. Ndinokunyorerai, madzibaba, nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga. Ndinokunyorerai, imi majaya, nokuti makakunda iye akaipa. Ndinokunyorerai, vana vanodikanwa, nokuti makaziva Baba.
14 Children, I write because you know the Father. Fathers, I write because you know the One from the beginning. Young men, I write because you're strong, and our Father's word lives in you, and you've overcome the evil one. Ndinokunyorerai, madzibaba, nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga. Ndinokunyorerai, imi majaya, nokuti mune simba, shoko raMwari rinogara mamuri, uye makakunda iye akaipa.
15 Do not love the world, or anything in the world. Whoever loves the world, the love of the Father is not in him. Musada nyika kana zvinhu zviri mairi. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari.
16 Everything in the world—the craving of the flesh, the craving of the eyes, and the pride of life—is not from the Father but from the world. Nokuti zvinhu zvose zviri munyika zvinoti kuchiva kwemunhu, kuchiva kwameso uye kuzvikudza kwemunhu nokuda kwezvaanazvo nezvaanoita, hazvibvi kuna Baba asi zvinobva kunyika.
17 The world and its cravings are passing away, but whoever does the will of our Father remains forever. Nyika nokuchiva kwayo inopfuura, asi munhu anoita kuda kwaMwari anorarama nokusingaperi.
18 Children, it is the last hour. As you heard antichrist comes, so now many antichrists have come; by this we know it's the last hour. Vana vanodikanwa, ino ndiyo nguva yokupedzisira; uye sezvamakanzwa kuti andikristu ari kuuya, kunyange izvozvi vanaandikristu vazhinji vakatouya. Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti ava mazuva okupedzisira.
19 They went out from us, but were not of us; if they had been of us, they would have stayed with us. But they left, to show that none of them belonged to us. Vakabva kwatiri, asi vakanga vasiri vedu chaivo. Nokuti dai vakanga vari vedu chaivo, vangadai vakagara nesu; asi kuenda kwavo kwakaratidza kuti hapana mumwe wavo akanga ari wedu.
20 But you have an anointing from the Holy One, and you all know the truth. Asi imi muno kuzodzwa kunobva kuna Iye Mutsvene, uye imi mose munoziva chokwadi.
21 I write to you not because you don't know the truth, but because you do—and no lie comes from the truth. Handina kukunyorerai nokuda kwokuti hamuzivi chokwadi, asi nokuda kwokuti munochiziva uye nokuti hakuna nhema dzinobva muchokwadi.
22 Who is the liar, if not the one denying Jesus is the Christ? This is the antichrist, denying the Father and the Son. Ndianiko murevi wenhema? Ndiye munhu anoramba kuti Jesu ndiye Kristu. Munhu akadaro ndiye andikristu, anoramba Baba noMwanakomana.
23 No one who denies the Son has the Father. Whoever confesses the Son has the Father also. Hakuna munhu anoramba Mwanakomana angava naBaba; ani naani anopupura Mwanakomana ndiye ana Babawo.
24 You—let what you heard from the start remain in you. If what you heard from the start remains in you, you too will remain in the Son and the Father. Onai kuti zvamakanzwa kubva pakutanga zvagara mamuri. Kana zvikadaro, nemiwo muchagara muMwanakomana nomuna Baba.
25 And this is the promise that he himself made to us—eternal life. Uye izvi ndizvo zvaakativimbisa, ihwo upenyu husingaperi.
26 I write these things to you about those who are trying to lead you astray. Ndiri kunyora zvinhu izvi kwamuri pamusoro pavaya vanoedza kukutsausai.
27 As for you, the anointing you received from him remains in you, and you don't need anyone to teach you. But since his anointing teaches you about everything—true, not a lie—remain in him, just as it taught you. Kana murimi, kuzodzwa kwamakagamuchira kubva kwaari kunogara mamuri, uye hamutsvaki mumwe munhu kuti akudzidzisei. Asi sezvo kuzodza kwake kuchikudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose uye sezvo kuzodza ikoko kuri kwechokwadi, kwete kwenhema, sezvakwakakudzidzisai, garai maari.
28 And now, little children, remain in him, so that when he appears we may have confidence and not shrink from him in shame at his coming. Uye zvino, vana vanodiwa, rambai muri maari, kuitira kuti paanoonekwa tive nokushinga uye tisinganyadziswi pamberi pake pakuuya kwake.
29 If you know he's righteous, you also know that all who do right are born of him. Kana muchiziva kuti iye akarurama, munoziva kuti mumwe nomumwe anoita zvakarurama akaberekwa naye.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]