Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

1 John 5 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Everyone who believes Jesus is the Christ has been born of our Father, and everyone who loves the Father who gives birth loves the child born of him. Mumwe nomumwe anotenda kuti Jesu ndiye Kristu, akaberekwa naMwari, uye mumwe nomumwe anoda baba anodawo mwana wavo.
2 By this we know we love the children of our Father: when we love our Father and keep his commands. Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinoda vana vaMwari: kana tichida Mwari uye tichiita mirayiro yake.
3 This is love of our Father: that we keep his commands, and his commands aren't burdensome. Uku ndiko kuda Mwari: kuteerera mirayiro yake. Uye mirayiro yake hairemi,
4 Everyone born of our Father overcomes the world. This is the victory that overcame the world: our faith. nokuti vose vakaberekwa naMwari vanokunda nyika. Uku ndiko kukunda kwakakunda nyika, iko kutenda kwedu.
5 Who overcomes the world except the one believing Jesus is the Son of our Father? Ndianiko anokunda nyika? Ndiye chete anotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari.
6 Jesus Christ came by water and blood—not water only, but water and blood. The Holy Spirit testifies to this, because the Holy Spirit is the truth. Uyu ndiye akauya nemvura neropa, Jesu Kristu. Haana kuuya nemvura bedzi, asi nemvura neropa. Uye Mweya ndiye anopupura, nokuti Mweya ndiye chokwadi.
7 For there are three that testify: Nokuti kune zvitatu zvinopupura zvinoti:
8 the Spirit, the water, and the blood; and these three are in agreement. Mweya, mvura, neropa; uye zvitatu izvi zvinotenderana.
9 If we accept human testimony, our Father's testimony is greater—for this is our Father's testimony: that he testified about his Son. Tinogamuchira uchapupu hwavanhu, asi uchapupu hwaMwari hukuru nokuti ndihwo uchapupu hwaMwari, hwaakapa pamusoro poMwanakomana wake.
10 Whoever believes in the Son of our Father carries this testimony within himself. Whoever does not believe has made him a liar, since he hasn't believed the testimony our Father gave about his Son. Munhu mumwe nomumwe anotenda muMwanakomana waMwari ano uchapupu uhu mumwoyo make. Munhu mumwe nomumwe asingatendi Mwari, akabva amuita murevi wenhema, nokuti haana kutenda kupupura kwaMwari kwaakaita pamusoro poMwanakomana wake.
11 And this is the testimony: our Father gave us eternal life, and this life is in his Son. Uye uku ndiko kupupura kuti: Mwari akatipa upenyu husingaperi, uye upenyu uhu huri muMwanakomana wake.
12 Whoever has the Son has life; whoever lacks the Son of our Father lacks life. Uyo ano Mwanakomana ano upenyu; uyo asina Mwanakomana waMwari haana upenyu.
13 I write these things to you who believe in the name of the Son of our Father, so you may know you have eternal life. Ndanyora izvi kwamuri imi munotenda muzita roMwanakomana waMwari kuitira kuti muzive kuti mune upenyu husingaperi.
14 This is our confidence before him: whatever we ask according to his will, he hears us. Ndiko kusatya kwatinako mukuswedera kwedu kuna Mwari: kuti kana tichikumbira chinhu chipi nechipi nokuda kwake, anotinzwa.
15 And if we know he hears us—whatever we ask—we know we have what we asked him for. Uye kana tichiziva kuti anotinzwa pazvose zvatinokumbira, tinoziva kuti tava nazvo zvatakumbira kwaari.
16 If anyone sees his brother sin a sin not leading to death, he should ask, and our Father will give him life—to those sinning not to death. There's a sin leading to death; I'm not saying he should pray about that. Kana munhu akaona hama yake ichiita chivi chisingaurayisi, anofanira kunyengetera uye Mwari achamupa upenyu. Ndinoreva vaya vane chivi chisingaurayisi. Pane chivi chinourayisa. Handirevi kuti anyengetere pamusoro pacho.
17 All wrongdoing is sin, and there is sin that does not lead to death. Kuita chakaipa kwose chivi, uye pane chivi chisingaurayisi.
18 We know: whoever is born of our Father does not keep sinning, but the One who was born of our Father protects him, and the evil one cannot touch him. Tinoziva kuti mumwe nomumwe akaberekwa naMwari haarambi achiita chivi; uyo akaberekwa naMwari anomuchengeta zvakanaka, uye akaipa haagoni kumukuvadza.
19 We know we are from our Father, and the whole world lies under the evil one's power. Tinoziva kuti tiri vana vaMwari, uye kuti nyika yose iri pasi powakaipa.
20 We know the Son of our Father has come and given us understanding, to know the One who is true. We are in the One who is true, in his Son Jesus Christ. He is the true God and eternal life. Tinozivawo kuti Mwanakomana waMwari akauya akatipa kunzwisisa, kuitira kuti timuzive iye wechokwadi. Uye tiri maari iye wechokwadi, kunyange muMwanakomana wake Jesu Kristu. Ndiye Mwari wechokwadi noupenyu husingaperi.
21 Little children, keep yourselves from idols. Vana vanodikanwa, ibvai pazvifananidzo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]