Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 John 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 The elder, to the chosen lady and her children, whom I love in truth—not only I, but all who know the truth, Mukuru, kumudzimai akasanangurwa navana vake, vandinoda muchokwadi, uye kwete ini ndoga, asiwo navose vanoziva chokwadi,
2 because of the truth that lives in us and will be with us forever. nokuda kwechokwadi chinogara matiri uye chichava nesu nokusingaperi:
3 Grace, mercy, and peace will be with us from our Father and from Jesus Christ, our Father's Son, in truth and love. Nyasha, ngoni norugare zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Jesu Kristu, Mwanakomana waBaba, zvichava nesu muchokwadi nomurudo.
4 I was overjoyed to find some of your children walking in truth, as our Father commanded us. Zvakandifadza zvikuru kuwana vamwe vana venyu vachifamba muchokwadi, sezvatakarayirwa naBaba.
5 Now I ask you, dear lady: not a new command, but one we've had from the start—love one another. Uye zvino, mai, handisi kukunyorerai murayiro mutsva asi iwo watakanzwa kubva pakutanga. Ndinokumbira kuti tidanane.
6 This is love: that we walk by his commands. This is the command, as you heard from the beginning: that you walk in love. Uye urwu ndirwo rudo: kuti tifambe mukuteerera mirayiro yake. Sezvamakanzwa kubva pakutanga, murayiro wake ndewokuti mufambe murudo.
7 For many deceivers have gone out into the world, denying that Jesus Christ came in the flesh. This is the deceiver and the antichrist. Vanyengeri vazhinji, vasingapupuri kuti Jesu Kristu akauya munyama, vakapinda munyika. Munhu akadaro ndiye munyengeri naandikristu.
8 Watch yourselves, so that you don't lose what we have worked for, but receive a full reward. Muchenjere kuti murege kurasikirwa nezvamakashandira, asi kuti mugopiwa mubayiro wakakwana.
9 Anyone who oversteps, not remaining in Christ's teaching, lacks our Father; whoever remains in the teaching has both our Father and the Son. Mumwe nomumwe anomhanya mberi asingarambiri mudzidziso yaKristu haana Mwari; ani naani anorambira mukudzidzisa kwaKristu ana Baba noMwanakomana.
10 If someone comes to you without this teaching, don't welcome them into your home or greet them, Kana munhu akauya kwamuri uye asingauyi nedzidziso iyi, musamupinza mumba menyu kana kumugamuchira.
11 for whoever greets him shares in his evil deeds. Ani naani anomugamuchira anogovana naye mubasa rake rakaipa.
12 I have much to write, but I'd rather not use paper and ink. I hope to come and speak with you face to face, so our joy may be complete. Ndine zvizhinji zvokukunyorerai, asi handidi kushandisa pepa neingi. Asi, ndine tariro yokukushanyirai ndigotaura nemi chiso nechiso, kuti mufaro wedu uzadziswe.
13 The children of your chosen sister greet you. Vana vomununʼuna wenyu akasanangurwa vanokukwazisai.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]