Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

3 John 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 The elder, to the beloved Gaius, whom I love in truth. Mukuru, kushamwari yangu inodikanwa Gayo, wandinoda muchokwadi.
2 Beloved, I pray you prosper in every way and stay healthy, as your soul prospers. Mudikani, ndinonyengetera kuti uve noutano hwakanaka uye kuti zvose zvikunakire kunyange sokufara kwomweya wako.
3 I rejoiced greatly when brothers arrived and testified about your faithfulness to the truth—for you truly are walking in it. Ndakafara kwazvo dzimwe hama padzakauya dzikandiudza nezvokutendeka kwako pachokwadi uye kuti unoramba uchifamba sei muchokwadi.
4 I have no greater joy than this: to hear that my children are walking in the truth. Hapana chimwe chinhu chinondifadza kupfuura kunzwa kuti vana vangu vari kufamba muchokwadi.
5 Beloved, you act faithfully in all you do for the brothers, even strangers. Mudikani, wakatendeka pane zvaunoita kuhama, kunyange vasiri vanhu vaunoziva.
6 They testified to your love before the church. Send them on in a way worthy of our Father. Vakataurira kereke nezvorudo rwako. Uchaita zvakanaka kana ukavadzosazve nenzira yakafanira pamberi paMwari.
7 For they went out for the sake of the Name, accepting nothing from the Gentiles. Nokuda kweZita iri vakabuda, vasingagamuchiri rubatsiro kubva kuvahedheni.
8 Therefore we ought to support such people, so that we may be fellow workers for the truth. Naizvozvo tinofanira kugamuchira vanhu vakadai kuti tishande pamwe chete muchokwadi.
9 I wrote something to the church, but Diotrephes, who loves being first among them, does not receive us. Ndakanyorera kukereke, asi Dhiotirefesi, iye anoda kuva mukuru, akati haagamuchiri zvatinotaura.
10 So if I come, I'll expose what he's doing—slandering us with malicious words. Not satisfied with that, he refuses to welcome the brothers, stops those who want to, and throws them out of the church. Saka kana ndauya, ndichamuyeuchidza mabasa ake aanoita, okunyeya, nokuitira godo. Kwete izvozvo zvoga, anorambawo kugamuchira hama. Anodzivisawo vaya vanoda havo kuita izvozvo uye achivabudisa mukereke.
11 Beloved, don't imitate evil, but good. Whoever does good is from our Father; whoever does evil hasn't seen our Father. Mudikani, usatevedzera zvakaipa asi zvakanaka. Ani naani anoita zvakanaka ndiye anobva kuna Mwari. Ani naani anoita zvakaipa haana kuona Mwari.
12 All speak well of Demetrius, and so does the truth. We testify too, and you know our testimony is true. Dhemetriasi anopupurirwa zvakanaka navose, uye kunyange nechokwadi chaicho. Nesuwo tinotaura zvakanaka nezvake, uye munoziva kuti uchapupu hwedu ndohwechokwadi.
13 I had much to write to you, but I would rather not write with pen and ink. Ndine zvizhinji zvokukunyorera, asi handidi kuita izvozvi nechinyoreso neingi.
14 I hope to see you soon, and we will talk face to face. Ndinovimba kuti ndichakuonai nokukurumidza, uye tichazotaurirana chiso nechiso.
15 Peace to you. The friends send their greetings. Greet each of the friends by name. Rugare kwamuri. Shamwari dziri kuno dzinokukwazisai. Kwazisai shamwari dziri ikoko namazita avo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]