Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Jude 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Jude, servant of Jesus Christ and brother of James, to those called, loved in our Father and kept for Jesus Christ: Judha, muranda waJesu Kristu nomununʼuna waJakobho, kuna vaya vakadanwa, vanodikanwa naMwari Baba, vanochengetwa naJesu Kristu:
2 May mercy, peace, and love be multiplied to you. Ngoni, rugare norudo ngazviwande kwamuri.
3 Beloved, though eager to write about our shared salvation, I had to write urging you to fight for the faith once for all given to the holy ones. Shamwari dzinodikanwa, kunyange ndakanga ndichishingairira kuti ndinyore kwamuri pamusoro poruponeso rwatinogovana, ndakafunga kuti ndinofanira kunyora ndichikukurudzirai kuti murwire kutenda kwakapiwa vatsvene kamwe.
4 For some have slipped in unnoticed, long ago marked out for this judgment—godless people who twist our Father's grace into a license for lust, and deny our only Master and Lord, Jesus Christ. Nokuti vamwe varume vane kutongwa kwavo kwakanyorwa nezvako kare, vakapinda muchivande pakati penyu. Ivo vanhu vasina umwari, vanoshandura nyasha dzaMwari wedu vachidzitora semvumo yokuita upombwe, uye vachiramba Jesu Kristu, Ishe naTenzi wedu mumwe oga.
5 Now I want to remind you, though you already know all this, that Jesus, having saved a people out of the land of Egypt, afterward destroyed those who did not believe. Kunyange maizviziva henyu kare, ndinoda kukuyeuchidzai kuti Ishe akasunungura vanhu vake kubva muIjipiti, asi pashure akaparadza vaya vakanga vasingatendi.
6 The angels who didn't keep their own position but left their proper home, he has kept in eternal chains, under deep darkness, for judgment on the great day. Uye vatumwa vasina kuchengeta nzvimbo youkuru hwavo asi vakasiya musha wavo, ivava akavachengeta murima, vakasungwa nengetani dzokusingaperi vakamirira kutongwa pazuva guru.
7 Likewise Sodom, Gomorrah, and the nearby towns, given to sexual sin and pursuit of unnatural flesh, stand as an example, suffering the punishment of eternal fire. Nenzira imwe cheteyo, Sodhomu neGomora uye namaguta akanga akapoteredza akazvipa kuupombwe nokutsauka, akava muenzaniso wavaya vari pakurangwa nomoto usingaperi.
8 Yet these dreamers likewise pollute their flesh, reject authority, and insult glorious ones. Nenzira imwe cheteyo, ava varoti vanosvibisa miviri yavo, vachiramba vakuru uye vachituka zvisikwa zvokudenga.
9 But Michael the archangel, contending with the devil, argued about Moses' body, not daring to bring an insulting judgment against him, but said, "May our Father rebuke you." Asi kunyange Mikaeri mutumwa mukuru, paakanga achirwa nadhiabhori pamusoro pomuviri waMozisi, haana kutsunga kutaura mashoko okutuka nokumupomera mhosva, asi akati, “Ishe ngaakutuke!”
10 But these people insult whatever they don't understand; what they do understand by instinct, like unreasoning animals, destroys them. Asi vanhu ava vanotaura zvisina maturo pamusoro pezvinhu zvavasinganzwisisi; uye kunyange nezvinhu zvavanonzwisisa kubva pakuberekwa kwavo, semhuka dzisingafungi, zvinhu izvozvi ndizvo chaizvo zvinovaparadza.
11 Woe to them! They took Cain's path, rushed for pay into Balaam's error, and died in Korah's revolt. Vane nhamo! Vakasarudza nzira yaKaini; vakamhanyira mubayiro wokutsauka kwaBharamu; vakaparadzwa mukupanduka kwaKora.
12 These are hidden reefs at your love feasts, feasting with you without fear, feeding only themselves—dry clouds blown by wind, fruitless autumn trees, twice dead, uprooted. Vanhu ava makwapa pamitambo yenyu yorudo, vanodya nemi vasingatyi napaduku, vanongozvipa zvokudya ivo chete. Makore asina mvura, anotinhwa nemhepo; miti yenguva yamasutso, isina michero uye yakadzurwa, yakafa zvakapetwa kaviri.
13 Wild waves of the sea, foaming up their own shame; wandering stars, for whom deepest darkness is kept forever. Mafungu egungwa anopenga, anopupuma nyadzi dzawo; nyeredzi dzinodzungaira, ivava vakachengeterwa rima guru nokusingaperi.
14 Enoch, the seventh from Adam, prophesied about these also: "Look, our Lord Jesus came with ten thousands of his holy ones, Enoki, wechinomwe kubva kuna Adhamu, akaprofita pamusoro pavanhu ava achiti, “Tarirai, Ishe ari kuuya nezviuru nezviuru zvavatsvene vake
15 to execute judgment on all and to convict every person of all the ungodly deeds they have committed in such an ungodly way, and of all the harsh things that ungodly sinners have spoken against him." kuti azotonga vanhu vose, uye abate nemhosva vose vasina umwari pamusoro pamabasa ose asina umwari avakaita nenzira isina umwari, uye namashoko okutuka akataurwa navanhu vasina umwari pamusoro pake.”
16 These grumble and complain, chasing their own desires; their mouths boast, and they flatter people for gain. Vanhu ava vanyunyuti uye vapomeri; vanotevera kuchiva kwavo vamene; vanozvirumbidza pachavo uye vanobata vamwe kumeso kuti zvivanakire ivo.
17 But you, beloved, remember what our Lord Jesus Christ's apostles said beforehand. Asi, vadikani, rangarirai zvakataurwa navapostori vaIshe wedu Jesu Kristu.
18 How they told you: "In the last time there will be mockers, following their own godless desires." Vakati kwamuri, “Munguva yokupedzisira kuchava navaseki vachatevera kuchiva kwavo.”
19 These are the ones who cause divisions, worldly people, devoid of the Spirit. Ava ndivo vanhu vanokuparadzanisai, vanotevera nyama yavo uye vasina Mweya.
20 But you, beloved, building yourselves up in your most holy faith and praying in the Holy Spirit. Asi imi, vadikani, zvivakei mukutenda kwenyu kutsvene uye munyengetere muMweya Mutsvene.
21 Keep yourselves in the love of our Father, waiting for the mercy of our Lord Jesus Christ, leading to eternal life. Zvichengetei murudo rwaMwari pamunenge muchimirira ngoni dzaIshe wedu Jesu Kristu kuti dzikuuyisei kuupenyu husingaperi.
22 And have mercy on those who doubt; Itirai ngoni avo vanokahadzika;
23 save some by seizing them from the fire; show others mercy in fear, hating even the garment stained by their sin. bvutai vamwe kubva mumoto mugovaponesa; vamwe muvanzwire ngoni dzakasanganiswa nokutya, muchivenga kunyange nenguo dzakasvibiswa nenyama.
24 Now to him able to keep you from stumbling and set you blameless before his glory with great joy, Kuna iye anogona kukuchengetai kuti murege kugumburwa uye anokuisai pamberi pokubwinya kwake musina chamunopomerwa, uye nomufaro mukuru,
25 to our Father alone, our Savior, through Jesus Christ our Lord, be glory, majesty, dominion, and authority, before all time and now and forever. Amen. kuna iye Mwari oga muponesi wedu, ngakuve nokubwinya, umambo, simba noukuru, nokuna Jesu Kristu Ishe wedu, nguva isati yavapo, zvino nokusingaperi! Ameni.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]