Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Zechariah 2 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Then I looked up and saw a man with a measuring line in his hand. Ipapo ndakasimudza meso angu, zvino hapo pamberi pangu paiva nomurume aiva nerwodzi rwokuyeresa muruoko rwake!
2 I asked, "Where are you going?" He said to me, "To measure Jerusalem, to see how wide and how long it is." Ndakabvunza ndikati, “Uri kuendepiko?” Akandipindura achiti, “Kunoyera Jerusarema, kuti ndione kufara kwaro nokureba kwaro.”
3 The angel speaking with me left, and another angel came out to meet him, Ipapo mutumwa aitaura neni akaenda, uye mumwe mutumwa akauya kuzosangana naye
4 and said to him, "Run, tell this young man: 'Jerusalem will settle like open country, with so many people and livestock in her.' uye akati kwaari: “Mhanya undoudza jaya iro kuti, ‘Jerusarema richava guta risina masvingo nokuda kwokuwanda kwavanhu nezvipfuwo zviri mariri.
5 I myself will be a wall of fire around her, declares our Father, and I will be the glory within her.'" Uye ini pachangu ndichava rusvingo rwomoto rwakarikomberedza,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘uye ndichava kubwinya kwaro mukati maro.’
6 "Come! Come! Flee from the land of the north, declares our Father, for I scattered you like the four winds of heaven, declares our Father. “Uyai! Uyai! Tizai kubva kunyika yokumusoro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “nokuti ndakakuparadzirai kumhepo ina dzedenga,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
7 Come, Zion! Escape, you who live with the daughter of Babylon. “Uya, iwe Zioni! Tiza, iwe unogara muMwanasikana weBhabhironi!”
8 This is what the Father of heaven's armies says—after his glory sent me against the nations who plundered you: whoever touches you touches the apple of his eye: Nokuti zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Mushure mokunge andikudza uye andituma kundorwisa ndudzi dzakakupambai, nokuti ani naani anokubatai anobata mboni yeziso rake,
9 For look, I will wave my hand over them, and they will become plunder for those who served them. Then you will know the Father of heaven's armies sent me. zvirokwazvo ndichasimudza ruoko rwangu kuti ndivarwise kuitira kuti nhapwa dzavo dzigovapamba. Ipapo muchaziva kuti Jehovha Wamasimba Ose akandituma.
10 Sing and rejoice, daughter of Zion! For look, I am coming to live among you, declares our Father. “Pembera uye ufare, iwe Mwanasikana weZioni. Nokuti ndiri kuuya, uye ndichagara pakati penyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
11 "Many nations will join our Father that day and become my children. I will live among you, and you will know the Father of heaven's armies sent me to you. “Ndudzi zhinji dzichabatana naJehovha pazuva iro uye vachava vanhu vangu. Ndichagara pakati penyu uye muchaziva kuti Jehovha Wamasimba Ose akandituma kwamuri.
12 And our Father will claim Judah as his portion in the holy land, and again choose Jerusalem. Judha ichava nhaka yaJehovha somugove wake munyika tsvene uye achasarudzazve Jerusarema.
13 Be silent, all flesh, before our Father, for he stirs himself from his holy dwelling." Nyararai pamberi paJehovha, vanhu vose, nokuti asimuka kubva panzvimbo yake tsvene yaanogara.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]