Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Zechariah 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 In Darius's second year, eighth month, our Father's word came to Zechariah son of Berechiah, son of Iddo the prophet: “Mumwedzi worusere wegore rechipiri raDhariasi, shoko raJehovha rakasvika kuna muprofita Zekaria mwanakomana waBherekia, mwanakomana waIdho richiti:
2 Our Father was very angry with your ancestors. “Jehovha akatsamwira madzibaba enyu zvikuru.
3 So tell them: This is what the Father of heaven's armies says: Return to me, declares the Father of heaven's armies, and I will return to you. So says the Father of heaven's armies. Naizvozvo udza vanhu kuti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Dzokerai kwandiri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, ‘neni ndichadzokera kwamuri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
4 Do not be like your ancestors. To them the earlier prophets proclaimed: This is what the Father of heaven's armies says: Turn now from your evil ways and evil deeds. But they would not listen or heed me, declares our Father. Musaita samadzibaba enyu, avo vakaudzwa navaprofita vokutanga kuti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Dzokai kubva panzira dzenyu dzakaipa nepazvakaipa zvamunoita.’ Asi havana kunzwa kana kuteerera kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha.
5 Your ancestors—where are they now? And the prophets, do they live forever? Aripiko madzibaba enyu zvino? Uye vaprofita vacho, vanorarama zvandakarayira nokusingaperi here?
6 But my words and decrees, which I commanded my servants the prophets—did they not overtake your ancestors? Then they turned back and said, 'Just as the Father of heaven's armies planned to do to us, matching our ways and deeds, so he has dealt with us.' Asi mashoko angu nemitemo yangu, zvandakarayira varanda vangu ivo vaprofita, hazvina kurarama kupfuura madzibaba enyu here? “Ipapo vakatendeuka ndokuti, ‘Jehovha Wamasimba Ose akatiitira zvakafanira mabasa edu nenzira dzedu, sezvaakafunga kuita.’ ”
7 On the twenty-fourth day of the eleventh month, Shebat, in Darius's second year, the word of our Father came to Zechariah son of Berechiah, son of Iddo the prophet: Pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wegumi nomumwe, mwedzi weShebhati, mugore rechipiri raDhariasi, shoko raJehovha rakasvika kuna muprofita Zekaria mwanakomana waBherekia mwanakomana waIdho.
8 During the night I had a vision—and there before me was a man riding a red horse, standing among the myrtle trees in a ravine, and behind him were red, brown, and white horses. Panguva dzousiku ndakaona chiratidzo, hapo pamberi pangu paiva nomurume akanga akatasva bhiza dzvuku! Akanga akamira pakati pemiti yaiva mumupata. Shure kwake kwaiva namabhiza matsvuku, mashava uye namachena.
9 I asked, 'What are these, my lord?' The angel talking with me said, 'I will show you what they are.' Ipapo ndakati, “Izvi zviiko, ishe wangu?” Mutumwa akanga achitaura neni akapindura akati, “Ndichakuratidza kuti zvii.”
10 The man among the myrtle trees answered, 'These are the ones our Father sent to patrol the earth.' Ipapo murume akanga amire pakati pemiti yemitire akatsanangura achiti, “Ava ndivo vakatumwa naJehovha kuti vaende munyika yose.”
11 They reported to the messenger of our Father standing among the myrtle trees, 'We have patrolled the earth; the whole earth sits at rest and peace.' Uye vakapindura mutumwa waJehovha akanga akamira pakati pemiti yemitire vachiti, “Taenda munyika yose tikaona nyika yose yakazorora uye ino runyararo.”
12 Then the messenger of our Father said, 'Father of heaven's armies, how long will you hold back mercy from Jerusalem and Judah's cities, angry with them these seventy years?' Ipapo mutumwa waJehovha akati, “Jehovha Wamasimba Ose muchasvika rinhiko musinganzwiri Jerusarema namaguta eJudha tsitsi amakatsamwira kwamakore makumi manomwe aya?”
13 So our Father spoke kind and comforting words to the angel who was talking with me. Saka Jehovha akataura mashoko akanaka anonyaradza kumutumwa akataura neni.
14 Then the angel talking with me said, 'Proclaim: This is what the Father of heaven's armies says: I am very jealous for Jerusalem and Zion,' Ipapo mutumwa aitaura neni akati, “Danidzira shoko iri rokuti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Ndine godo kwazvo pamusoro peJerusarema neZioni,
15 but I am very angry with the secure nations; I was only a little angry, but they added to the harm. asi ndakatsamwira zvikuru ndudzi dzinoti dzakagarika. Ndakanga ndakatsamwa zvishoma, asi ivo vakawedzera padambudziko iri.’
16 So our Father says: I will return to Jerusalem with mercy; there my house will be rebuilt, declares the Father of heaven's armies, and the measuring line will be stretched over Jerusalem. “Naizvozvo, zvanzi naJehovha: ‘Ndichadzokera kuJerusarema ndine tsitsi, uye ipapo imba yangu ichavakwazve. Uye rwodzi rwokuyera ruchatambanudzwa pamusoro peJerusarema,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
17 Proclaim further: So says the Father of heaven's armies: My cities will again overflow with prosperity; our Father will again comfort Zion and again choose Jerusalem. “Danidzirazve uti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Maguta angu achafashukirazve noupfumi, uye Jehovha achanyaradzazve Zioni uye agosarudza Jerusarema.’ ”
18 Then I looked up, and there before me were four horns. Ipapo ndakasimudza meso angu, zvino hapo pamberi pangu paiva nenyanga ina!
19 I asked the angel talking with me, 'What are these?' He said, 'These are the horns that scattered Judah, Israel, and Jerusalem.' Ndakabvunza mutumwa aitaura neni ndikati, “Zviiko izvi?” Akandipindura achiti, “Idzi inyanga dzakaparadzira Judha, Israeri neJerusarema.”
20 Then our Father showed me four craftsmen. Ipapo Jehovha akandiratidza mhizha ina.
21 I asked, 'What are these coming to do?' He said, 'These horns scattered Judah so no one could lift his head; but these craftsmen came to terrify them and throw down the horns the nations raised against Judah's land to scatter it.' Ndakabvunza ndikati, “Ko, ava vari kuuya kuzoitei?” Akapindura akati, “Idzi ndidzo nyanga dzakaparadzira Judha kuti pashayikwe kana mumwe angasimudza musoro wake, asi mhizha dzauya kuzodzityisa uye kuti dzigokanda pasi nyanga idzi dzendudzi dzakasimudza nyanga dzadzo kuti dzirwise nyika yeJudha kuti dziparadzire vanhu vayo.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]