Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Zechariah 3 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Then he showed me Joshua the high priest standing before the messenger of our Father, with the Accuser at his right hand to accuse him. Ipapo akandiratidza Joshua muprista mukuru amire pamberi pomutumwa waJehovha, uye Satani amire kurudyi rwake kuti amupomere.
2 And our Father said to the Accuser, "May he rebuke you, Accuser! May he who has chosen Jerusalem rebuke you! Is this man not a burning stick snatched from the fire?" Jehovha akati kuna Satani, “Jehovha ngaakutuke iwe, Satani! Jehovha, iye akasarudza Jerusarema, ngaakutuke! Ko, murume uyu haazi rukuni runobvira rwabvutwa mumoto here?”
3 Now Joshua was dressed in filthy garments as he stood before the messenger. Zvino Joshua akanga akapfeka nguo dzine tsvina amire pamberi pomutumwa.
4 He said to those standing before him, "Remove his filthy clothes." Then to Joshua: "See, I've taken your guilt away, and I'll dress you in fine robes." Mutumwa akati kuna avo vakanga vamire pamberi pake, “Mubvisei nguo dzake dzine tsvina.” Ipapo akati kuna Joshua, “Tarira ndabvisa chivi chako, uye ndichakupfekedza nguo dzinokosha.”
5 Then I said, "Put a clean turban on his head." So they put it on his head and dressed him, while the messenger of our Father stood by. Ipapo ndakati, “Isai nguwani yakachena pamusoro wake.” Nokudaro vakamupfekedza nguwani yakachena pamusoro wake uye vakamupfekedza nguo, mutumwa waJehovha amirepo.
6 Then the messenger of our Father solemnly charged Joshua: Mutumwa waJehovha akarayira Joshua achiti,
7 "This is what the Father of heaven's armies says: If you walk in my ways and keep my requirements, you will govern my house and oversee my courts, and I will give you a place among these standing here. “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Kana ukafamba nenzira dzangu uye ukachengeta mirayiro yangu, ipapo uchatonga imba yangu uye uchachengetawo mavazhe angu, uye ndichakupa nzvimbo pakati paava vakamira pano.
8 Listen now, Joshua the high priest, you and your companions seated before you, for they are men who are a sign: I am about to bring my servant, the Branch. “ ‘Teerera, iwe Joshua muprista mukuru navanobata pamwe chete newe vagere pamberi pako, varume ava vanova chiratidzo chezvinouya: Ndichauyisa muranda wangu, Davi.
9 Look at the stone I set before Joshua: seven eyes on that one stone. I will engrave its inscription, declares the Father of heaven's armies, and I will remove this land's guilt in one day. Tarirai ibwe randaisa pamberi paJoshua! Pane maziso manomwe pabwe rimwe chete iroro, uye ndichatema chinyorwa pariri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, ‘uye ndichabvisa chivi chenyika ino nezuva rimwe chete.
10 In that day, declares the Father of heaven's armies, each will invite his neighbor under his vine and under his fig tree." “ ‘Pazuva iro mumwe nomumwe wenyu achakoka muvakidzani wake kuzogara pasi pomuzambiringa napasi pomuonde wake,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]