Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Zechariah 4 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Then the angel who talked with me returned and woke me, like someone woken from sleep. Ipapo mutumwa akataura neni akauyazve kwandiri akandimutsa, somunhu anomutswa pahope dzake.
2 He asked, "What do you see?" I said, "A gold lampstand, a bowl on top, seven lamps, seven spouts for each lamp on top. Akandibvunza achiti, “Unooneiko?” Ndakapindura ndikati, “Ndinoona chigadziko chomwenje chegoridhe rizere, chine mbiya pamusoro pacho nemwenje minomwe pamusoro pacho, mwenje mumwe nomumwe une mbombi nomwe.
3 Two olive trees stand by it, one on the bowl's right, the other on its left." Uyezve pane miti miviri yemiorivhi parutivi pacho, mumwe kurutivi rworudyi rwembiya nomumwe kurutivi rworuboshwe kwayo.”
4 And I said to the angel who talked with me, "What are these, my lord?" Ndakabvunza mutumwa aitaura ndichiti, “Izvi zviiko, ishe wangu?”
5 Then the angel talking with me said, "Don't you know what these are?" I said, "No, my lord." Akapindura akati, “Hauzivi kuti izvi zvii?” Ini ndakapindura ndichiti, “Kwete, ishe wangu.”
6 He said to me, "This is our Father's word to Zerubbabel: Not by might, nor by power, but by my Spirit, says the Father of heaven's armies. Saka akati kwandiri, “Iri ndiro shoko raJehovha kuna Zerubhabheri: ‘Hazviitwi nehondo kana nesimba, asi nomweya wangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
7 Who are you, great mountain? Before Zerubbabel you become level ground. He brings out the capstone shouting, "Grace, grace to it!" “Uri chiiko, iwe gomo guru? Pamberi paZerubhabheri uchaitwa bani. Ipapo iye achabudisa ibwe rokumusoro vanhu vachidanidzira vachiti, ‘Mwari ngaariropafadze! Mwari ngaariropafadze!’ ”
8 Then the word of our Father came to me, saying, Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
9 Zerubbabel's hands laid this house's foundation; his hands will finish it. Then you'll know the Father of heaven's armies sent me to you. “Maoko aZerubhabheri akateya nheyo dzetemberi ino; maoko ake achaipedzisazve. Ipapo uchaziva kuti Jehovha Wamasimba Ose akandituma kwauri.
10 Who has despised the day of small things? They will rejoice, seeing the plumb line in Zerubbabel's hand. These seven are the eyes of our Father, ranging over the whole earth." “Ndiani anoshora zuva rezvinhu zviduku? Vanhu vachafara pavachaona rwodzi rwokuyera muruoko rwaZerubhabheri. “(Zvinomwe izvi ndizvo maziso aJehovha, anoona nyika yose.)”
11 Then I asked him, "What are these two olive trees right and left of the lampstand?" Ipapo ndakabvunza mutumwa ndichiti, “Ko, miti yemiorivhi miviri iyi iri kurudyi nokuruboshwe kwechigadziko chomwenje ndeyei?”
12 I asked again, "What are these two olive branches beside the two golden pipes pouring out golden oil?" Uyezve ndakamubvunza kuti, “Ko, matavi aya maviri omuorivhi parutivi pembombi mbiri dzegoridhe dzinodurura mafuta egoridhe ndeei?”
13 He said to me, "Don't you know what these are?" I said, "No, my lord." Akapindura akati, “Hauzivi kuti izvi zvii?” Ini ndikati, “Kwete, ishe wangu.”
14 He said, "These are the two anointed ones standing by the Sovereign of all the earth." Saka akati, “Ava ndivo vaviri vakazodzwa kuti vashumire Ishe wenyika yose.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]