Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Romans 8 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 There is therefore now no condemnation for those who are in Christ Jesus. Naizvozvo zvino, hakuchina kupiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu,
2 In Christ Jesus, the Spirit's law of life freed you from sin and death's law. nokuti kubudikidza naKristu Jesu murayiro woMweya woupenyu wakandisunungura kubva pamurayiro wechivi norufu.
3 What the law couldn't do, weakened by the flesh, our Father did: sending his own Son in the likeness of sinful flesh, as a sin offering, he condemned sin in the flesh, Nokuti zvakanga zvisingakwaniswi kuitwa nomurayiro pakushayiswa simba kwawo nomunhu wechivi, Mwari akazviita nokutuma Mwanakomana wake mumufananidzo wemunhu wechivi kuti ave chipiriso chechivi. Uye akapa mhosva kuchivi chiri mumunhu wechivi,
4 so the law's righteous requirement would be fulfilled in us, who walk not according to the flesh but according to the Spirit. kuitira kuti kururama kunodiwa nomurayiro kuzadziswe matiri, isu tisingafambi maererano nenyama asi maererano noMweya.
5 Those who live by the flesh focus on what the flesh wants; but those who live by the Spirit, on what the Spirit wants. Nokuti vaya vanorarama namararamiro enyama, pfungwa dzavo dzinofunga zvinodiwa nenyama; asi vaya vanorarama namararamiro oMweya, pfungwa dzavo dzinofunga zvoMweya.
6 For a mind fixed on the flesh is death; a mind fixed on the Spirit is life and peace. Nokuti kufunga kwomunhu wechivi ndirwo rufu, asi kufunga kunotongwa noMweya ndihwo upenyu norugare;
7 For the flesh-ruled mind is hostile to our Father; it doesn't submit to our Father's law—indeed it cannot. nokuti kufunga kwenyama kunovenga Mwari. Hakuzviisi pasi pomurayiro waMwari, uye hakugoni kuzviita.
8 Those ruled by the sinful nature cannot please our Father. Avo vanotongwa nenyama havagoni kufadza Mwari.
9 But you are not in the flesh but in the Spirit, if indeed the Spirit of our Father lives in you. Whoever lacks the Spirit of Christ does not belong to him. Asi imi hamutongwi nenyama asi noMweya, kana Mweya waMwari achigara mamuri. Uye kana munhu asina Mweya waKristu, haazi waKristu,
10 But if Christ is in you, the body is dead from sin, but the Spirit is life from righteousness. Asi kana Kristu ari mamuri, muviri wenyu wakafa nokuda kwechivi, asi Mweya wenyu mupenyu nokuda kwokururama.
11 So if the Spirit of our Father who raised Jesus from the dead lives in you, he who raised Christ from the dead will also make your mortal bodies alive through his Spirit living in you. Uye kana Mweya waiye akamutsa Kristu kubva kuvakafa uchigara mamuri, iye akamutsa Kristu kubva kuvakafa achapawo upenyu kumiviri yenyu inofa kubudikidza noMweya wake unogara mamuri.
12 So then, brothers and sisters, we are debtors—but not to the flesh, to live by it. Naizvozvo, hama, tine mungava, asi kwete wenyama, kuti tirarame maererano nezvainoda.
13 For if you live by the flesh, you will die; but if by the Spirit you put to death the body's deeds, you will live. Nokuti kana muchirarama maererano nezvinodiwa nenyama, muchafa, asi kana muchirarama noMweya munouraya mabasa akaipa omuviri, uye muchararama,
14 For all who are led by the Spirit of our Father are children of our Father. nokuti vaya vanotungamirirwa noMweya waMwari ndivo vana vaMwari.
15 You did not receive a spirit of slavery, to fall back into fear, but received the Spirit of sonship, by whom we cry, "Abba! Father!" Nokuti hamuna kugamuchira mweya wouranda kuti muitwezve varanda vokutya, asi makagamuchira Mweya wokuitwa vana, uya watinodana naye tichiti, “Abha, Baba.”
16 The Spirit himself bears witness with our spirit that we are children of our Father. Mweya amene anopupurirana noMweya wedu kuti tiri vana vaMwari.
17 If children, then heirs—heirs of our Father, co-heirs with Christ, if we suffer with him, so we may also be glorified with him. Zvino kana tiri vana, naizvozvo tiri vadyi venhaka pamwe chete naye kuitira kuti tigozokudzwawo pamwe chete naKristu, kana zvirokwazvo tichitambudzika pamwe chete naye kuitira kuti tigozokudzwawo pamwe chete naye.
18 I count this era's suffering as nothing next to the glory to be revealed to us. Nokuti ndinoti matambudziko atinawo nguva ino haana kufanira kuenzaniswa nokubwinya kuchazoratidzwa kwatiri.
19 For the creation waits with eager longing for the children of our Father to be revealed. Nokuti zvisikwa zvinotarisira zvikuru zvichimirira kuratidzwa kwavanakomana vaMwari.
20 For creation was subjected to frustration—not by choice, but by him who subjected it—in hope, Nokuti zvisikwa zvakaiswa pasi pokudzungaira kukuru, zvisingadi hazvo, asi nokuda kwaiye akazviisa pasi pokudzungaira, mutariro
21 that creation itself will be freed from its slavery to decay, into the freedom of the glory of our Father's children. yokuti zvisikwa pachazvo zvichazosunungurwa kubva pauranda hwokuora uye zvigoiswa pakusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari.
22 For we know the whole creation has groaned together in labor pains until now. Tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinogomera sokurwadza kwokuzvara mwana kusvikira panguva ino.
23 And not only the creation, but we too—who hold the Spirit's firstfruits—groan within ourselves, waiting eagerly for our full rights as sons to be restored, the redemption of our bodies. Kwete izvozvo chete, asi nesuwo, vane zvibereko zvokutanga zvoMweya, tinogomera mukati medu tichimirira zvikuru kuitwa kwedu vana, iko kudzikinurwa kwemiviri yedu.
24 In this hope we were saved. Hope seen isn't hope—who hopes for what he already sees? Nokuti mutariro iyi takaponeswa. Asi tariro inoonekwa haizi tariro zvachose. Ndiani anotarisira chaanacho kare?
25 But if we hope for what we do not see, we wait for it with patience. Asi kana tine tariro yechinhu chatisina, tinochimirira nokutsungirira.
26 So too the Spirit helps our weakness: we don't know what to pray for as we should, but the Spirit himself pleads for us with wordless groans. Saizvozvowo, Mweya anotibatsira mukusava nesimba kwedu. Nokuti hatizivi zvatinofanira kunyengeterera, asi Mweya amene anotinyengeterera nokugomera kusingatsananguriki namashoko.
27 He who searches hearts knows the Spirit's mind, since the Spirit intercedes for the saints according to our Father's will. Uye iye anonzvera mwoyo yedu anoziva kufunga kwaMweya, nokuti Mweya anonyengeterera vatsvene maererano nokuda kwaMwari.
28 We know all things work together for good for those who love our Father, who are called according to his purpose. Uye tinoziva kuti muzvinhu zvose Mwari anoita kuti zviitire zvakanaka kuna avo vanomuda, vaya vakadanwa sezvaakafunga.
29 Those he foreknew, he also predestined to be shaped to his Son's image, so he would be firstborn among many brothers and sisters. Nokuti avo Mwari vaakaziva kare, ndivo vaakatemerawo kare, kuti vafanane nomufananidzo woMwanakomana wake, kuti agova dangwe pakati pehama dzake zhinji.
30 Those he predestined, he also called; those he called, he also justified; those he justified, he also glorified. Uye vaya vaakatemera kare, ndivo vaakadanawo; vaya vaakadana, ndivo vaakaruramisirawo; vaya vaakaruramisira, ndivo vaakakudzawo.
31 So what do we say to these things? If our Father is for us, who can be against us? Zvino tichatiiko pazvinhu izvi? Kana Mwari ari kurutivi rwedu, ndiani angatirwisa?
32 He didn't spare his own Son but gave him up for us all—won't he also freely give us everything with him? Iye asina kuramba noMwanakomana wake, asi akamupa chose nokuda kwedu tose, angarega seiko kutipawo zvose, pamwe chete naye?
33 Who should bring any charge against our Father's chosen ones? Our Father is the one who justifies. Ndianiko achapa mhosva avo vakasarudzwa naMwari? Mwari ndiye anoruramisira.
34 Who condemns? Christ Jesus—who died, more than that, was raised, who is at our Father's right hand, who indeed intercedes for us. Ndianiko achavapa mhosva? Kristu Jesu, ndiye akafa pamusoro pezvo, ndiye akamutswa akava mupenyu, ari kurudyi rwaMwari, uye anotinyengetererawo.
35 Who can separate us from Christ's love? Suffering, hardship, persecution, famine, nakedness, danger, sword? Ndianiko achatiparadzanisa norudo rwaKristu? Kutambudzika here, kana nhamo, kana kutambudzwa, kana nzara, kana kushayiwa zvokupfeka, kana njodzi, kana munondo?
36 As it is written: "For your sake we are killed all day long; we are counted as sheep to be slaughtered." Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Nokuda kwenyu tinotarisana norufu zuva rose; tinoitwa samakwai anofanira kubayiwa.”
37 No, in all these things we are more than conquerors through him who loved us. Kwete, pazvinhu zvose izvi tiri vakundi nokupfuurisa kubudikidza naiye akatida.
38 For I am convinced neither death nor life, neither angels nor rulers, neither present nor future, nor powers, Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana madhimoni, kana zvazvino, kana zvichauya, kana masimba api zvawo,
39 neither height nor depth, nor anything else in all creation, can separate us from the love of our Father in Christ Jesus our Lord. kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chimwe chinhuwo zvacho pazvisikwa zvose, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]