Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Romans 7 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Or don't you know, brothers—I'm speaking to people who know the law—that the law rules over a person only while he lives? Hamuzivi here, hama, nokuti ndiri kutaura kuvanhu vanoziva murayiro, kuti murayiro une simba pamusoro pomunhu panguva yose yaanenge ari mupenyu chete?
2 A married woman is bound by law to her husband while he lives; if he dies, she is free from the law of the husband. Somuenzaniso, mukadzi akawanikwa akasungwa nomurayiro kumurume wake panguva yose iyo murume wake anenge ari mupenyu, asi kana murume wake afa, anosunungurwa kubva pamurayiro wewaniso.
3 While her husband lives, she's called an adulterous woman if she becomes another man's wife; but if he dies, she's free from that law—not an adulterous woman if she marries another. Saka zvino, kana akawanikwa nomumwe murume, murume wake achiri mupenyu, anonzi chifeve. Asi kana murume achinge afa, asunungurwa kubva pamurayiro, uye haazi chifeve, kunyange zvake akawanikwa nomumwe murume.
4 So, my brothers and sisters, you too were put to death to the law through Christ's body, to belong to another—the one raised from the dead—so we might bear fruit for our Father. Saka, hama dzangu, nemiwo makafa kumurayiro kubudikidza nomuviri waKristu, kuti muve vomumwe, kuna iye akamutswa kubva kuvakafa, kuitira kuti tigobereka chibereko kuna Mwari.
5 For when we were in the flesh, sin's passions, stirred by the law, worked in our bodies to produce fruit for death. Nokuti panguva yataitongwa nenyama, kuchiva kwechivi kwakamutswa nomurayiro kwaibata mumiviri yedu, kuti tibereke chibereko chorufu.
6 But now we're released from the law, dead to what held us bound, so we serve in the new way of the Spirit, not the old way of the written code. Asi zvino, nokufa kune izvo zvakanga zvakatisunga, takasunungurwa kubva pamurayiro kuitira kuti tishumire nenzira itsva yoMweya, uye kwete nenzira yakanyorwa yekare.
7 What then should we say? Is the law sin? Never! Yet I wouldn't have known sin except through the law—nor would I have known craving, had the law not said, "Do not crave what isn't yours." Zvino tichatiiko? Murayiro chivi here? Kwete! Zvirokwazvo ndingadai ndisina kuziva kuti chivi chii dai murayiro wakanga usipo. Nokuti ndingadai ndisina kuziva kuti kuchiva chii kudai murayiro usina kuti, “Usachiva.”
8 But sin, seizing an opening through the commandment, produced in me every covetous craving. For apart from law, sin is dead. Asi chivi, chakawana mukana kubudikidza nomurayiro, chakaita mandiri mitoo yose yokuchiva. Nokuti kunze kwomurayiro, chivi chakafa.
9 I once lived apart from law; but when the commandment came, sin revived, and I died. Ndaiva mupenyu kare kunze kwomurayiro; asi pakauya mutemo, chivi chakava noupenyu uye ini ndikafa.
10 I found that the very commandment that was meant to bring life actually brought death. Ndakaona kuti iwo mutemo waifanira kundipa upenyu, wakatozouyisa rufu.
11 For sin, seizing the opportunity through the commandment, deceived me, and through the commandment killed me. Nokuti chivi chichitora mukana wachakawaniswa nomutemo, chakandinyengera, uye kubudikidza nomutemo chikandiuraya.
12 So then, the law is holy, and the commandment is holy and righteous and good. Saka naizvozvo, murayiro mutsvene, uye mutemo mutsvene, wakarurama uye wakanaka.
13 Did the good, then, bring death to me? Absolutely not! Rather, sin—to be exposed as sin—produced death in me through the good, so that through the commandment sin might become extremely sinful. Ko, zvino chakanaka chakazova rufu kwandiri here? Kwete napaduku pose! Asi kuti chivi chionekwe sechivi, chakabereka rufu kubudikidza nechakanaka, kuitira kuti kubudikidza nomutemo chivi chive chakaipa kwazvo.
14 For we know the law is spiritual, but I am fleshly, sold under sin. Tinoziva kuti murayiro ndowomweya; asi ini handisi woMweya, ndakatengeswa senhapwa kuchivi.
15 I don't understand what I do; for I don't do what I want, but what I hate I do. Handinzwisisi zvandinoita. Nokuti zvandinoda kuita handizviiti, asi zvandinovenga ndizvo zvandinoita.
16 If I do what I don't want, I agree the law is good. Uye kana ndikaita zvandisingadi kuita, ndinobvuma kuti murayiro wakanaka.
17 So now, it's no longer I who do it, but sin living in me. Saka zvino, handisiri ini ndinozviita, asi chivi chinorarama mandiri.
18 For I know nothing good lives in me—that is, in my flesh. For I want to do good but can't carry it out. Ndinoziva kuti hapana chakanaka chinogara mandiri, imo munyama yangu. Nokuti ndine chido chokuita zvakanaka, asi handigoni kuzviita.
19 For I don't do the good I want, but the evil I don't want—that I keep doing. Nokuti zvandinoita hazvisi zvakanaka zvandinoda kuita, kwete, asi zvakaipa zvandisingadi kuita izvo ndizvo zvandinoramba ndichiita.
20 Now if I do what I don't want, it's no longer I doing it, but sin living in me doing it. Zvino kana ndichiita zvandisingadi kuita, handisini ndinozviita, asi chivi chinogara mandiri ndicho chinozviita.
21 So I find this law: when I want to do good, evil lies close at hand. Saka ndinoona murayiro uyu uchishanda: Kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo pandiri.
22 For in my inner being I delight in the law of our Father. Nokuti mukatikati mangu ndinofarira murayiro waMwari;
23 But I see another law in my body, warring against the law of my mind and taking me captive to the law of sin at work in my body. asi ndinoona mumwe murayiro uchishanda mumitezo yomuviri wangu, uchirwisana nomurayiro wepfungwa dzangu uye uchindiita musungwa womurayiro wechivi uri kushanda mumitezo yangu.
24 What a wretched man I am! Who will rescue me from this body of death? Ndiri munhu ari pakutambudzika kwakadii! Ndiani achandinunura kubva mumuviri uno worufu?
25 Thanks to our Father through Jesus Christ our Lord! So then, I myself serve the law of our Father with my mind, but with my flesh, the law of sin. Mwari ngaavongwe kubudikidza naJesu Kristu Ishe wedu! Saka naizvozvo, ini pachangu, mupfungwa dzangu, ndiri muranda kumurayiro waMwari, asi panyama muranda kumurayiro wechivi.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]