Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Romans 6 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 What should we say, then? Should we go on sinning so that grace may increase? Zvino tichatiiko? Toramba tichiita zvivi here kuti nyasha dziwande?
2 Absolutely not! How can we who died to sin still live in it? Kwete napaduku pose! Takafa kuzvivi; tingararama sei mazviri zvakare?
3 Or are you unaware that all of us baptized into Christ Jesus were baptized into his death? Ko, hamuzivi here kuti isu tose vaya vakabhabhatidzwa muna Kristu Jesu takabhabhatidzwa murufu rwake?
4 So we were buried with him through baptism into death, that as Christ was raised from the dead through our Father's glory, we too might walk in newness of life. Naizvozvo takavigwa naye kubudikidza nokubhabhatidzwa murufu kuitira kuti, sokumutswa kwakaitwa Kristu kubva kuvakafa nokubwinya kwaBaba, nesuwo tirarame upenyu hutsva.
5 For if we've been joined to his death's likeness, we'll surely also be joined to his resurrection. Nokuti kana takabatanidzwa naye zvakadai murufu rwake, zvirokwazvo tichabatanawo naye mukumuka kwake.
6 We know our old self was crucified with him to destroy sin's body, so we'd no longer be enslaved to sin. Nokuti tinoziva kuti munhu wedu wakare akarovererwa pamuchinjikwa pamwe chete naye kuti muviri wechivi ushayiswe simba, kuti tirege kuvazve varanda vechivi,
7 For anyone who has died has been set free from sin. nokuti uyo anenge afa asunungurwa kubva kuchivi.
8 Now if we died with Christ, we believe that we will also live with him. Zvino kana takafa naKristu, tinotenda kuti tichararamawo pamwe chete naye.
9 For we know Christ, raised from the dead, never dies again; death no longer rules him. Nokuti sezvo tichiziva kuti Kristu akamutswa kubva kuvakafa, haachazofizve; rufu harusisina simba pamusoro pake.
10 For the death he died, he died to sin once for all; but the life he lives, he lives to our Father. Rufu rwaakafa, akafa kuchivi kamwe chete zvikabva zvapera; asi upenyu hwaanorarama, anoraramira Mwari.
11 In the same way, count yourselves dead to sin but alive to our Father in Christ Jesus. Nenzira imwe cheteyo, nemiwo munofanira kuziva kuti makafa kuchivi, asi muri vapenyu kuna Mwari muna Kristu Jesu.
12 Therefore do not let sin reign in your mortal body so that you obey its desires. Naizvozvo musatendera chivi kuti chibate ushe mumuviri wenyu unofa, kuti muteerere kuchiva kwacho.
13 Do not offer your body's parts to sin as weapons for wrongdoing; instead, offer yourselves to our Father as those brought from death to life, and your body's parts to him as weapons for righteousness. Musapa mitezo yomuviri wenyu kuchivi, kuti ive nhumbi dzokuita zvisakarurama, asi zvipei kuna Mwari, savaya vakabviswa kurufu vachiiswa kuupenyu; uye ipai mitezo yomuviri wenyu kwaari ive nhumbi dzokururama.
14 For sin will not have mastery over you, because you are not under law but under grace. Nokuti chivi hachichazovi nesimba pamusoro penyu, nokuti hamusi pasi pomurayiro, asi pasi penyasha.
15 What then? Should we sin because we are not under law but under grace? Absolutely not! Zvino tichatiiko? Titadze here nokuti hatisi pasi pomurayiro asi pasi penyasha. Kwete napaduku pose!
16 Don't you know that offering yourselves to someone as slaves to obey makes you slaves of whoever you obey—whether sin, leading to death, or obedience, leading to righteousness? Hamuzivi here kuti kana mukazvipa kuno mumwe munhu kuti mumuteerere savaranda, muri varanda kuno uyo wamunoteerera, mungava varanda vechivi, chinoendesa kurufu kana vokuteerera, kunoendesa kukururama?
17 Thanks to our Father: you were slaves of sin, but you obeyed from the heart the teaching pattern you were entrusted to. Asi Mwari ngaavongwe nokuti, kunyange zvenyu maimbova varanda vechivi, makateerera nomwoyo wenyu wose kurudzi rwedzidziso yamakanga mapiwa.
18 Having been set free from sin, you became slaves of righteousness. Makasunungurwa kubva kuchivi uye mava varanda vokururama.
19 I speak humanly, since your flesh is weak. As you offered your body's parts as slaves to impurity and lawlessness, resulting in more lawlessness, now offer them as slaves to righteousness, resulting in holiness. Ndinotaura izvi nokutaura kwavanhu nokuda kwokushayiwa simba kwenyama yenyu. Sezvamaingopa mitezo yemiviri yenyu kuuranda hwokusachena uye nokuipa kunoramba kuchingowanda, saka zvino ipei kuuranda hwokururama hunoendesa kuutsvene.
20 For when you were slaves of sin, you were free from righteousness. Pamakanga muri varanda vechivi, makanga makasununguka kubva pakutonga kwakarurama.
21 What did you gain then from what you're now ashamed of? For those things end in death. Zvino makawaneiko panguva iyoyo kubva pazvinhu zvamunonyadziswa nazvo, iye zvino? Nokuti kuguma kwazvo ndirwo rufu!
22 But now, freed from sin and enslaved to our Father, your fruit leads to holiness, and the end, eternal life. Asi zvino makasunungurwa kubva kuchivi uye mava varanda vaMwari, zvibereko zvamunokohwa zvinoisa kuutsvene, uye kuguma kwazvo ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu.
23 For the wages of sin is death, but our Father's gift is eternal life in Christ Jesus our Lord. Nokuti mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chaMwari chokungopiwa ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]