Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Romans 5 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 So, since we are made right by faith, we have peace with our Father through our Lord Jesus Christ. Naizvozvo, zvatinoruramisirwa nokutenda, tino rugare naMwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu,
2 Through whom we've gained access by faith into this grace we stand in, and we rejoice in hope of our Father's glory. watakawana naye mapindiro, nokutenda, munyasha idzi dzatakamira madziri zvino. Uye tinofara mutariro yokubwinya kwaMwari.
3 Not only that, but we also boast in our suffering, since suffering produces endurance, Kwete izvozvo bedzi, asi tinofarawo mumatambudziko edu, nokuti tinoziva kuti kutambudzika kunouyisa kutsungirira,
4 and endurance produces character, and character produces hope. kutsungirira kunouyisa unhu uye unhu hunouyisa tariro.
5 Hope doesn't put us to shame, because our Father's love has been poured into our hearts through the Holy Spirit given to us. Uye tariro hainyadzisi nokuti Mwari akadurura rudo rwake mumwoyo yedu kubudikidza naMweya Mutsvene, uyo waakatipa.
6 While we were still weak, at the right time Christ died for the wicked. Munoona, panguva chaiyo yakafanira, patakanga tisina simba, Kristu akafira vasingadi Mwari.
7 Rarely would anyone die for a righteous person, though for a good person someone might even dare to die. Hazviwanzoitika kuti munhu afire akarurama, kunyange zvazvo munhu angaedza kufira munhu akanaka.
8 But our Father shows his own love for us: while we were still sinners, Christ died for us. Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti: Tichiri vatadzi, Kristu akatifira.
9 Much more then, now made right by his blood, we will be saved through him from the wrath. Zvino sezvo takaruramisirwa neropa rake, tichaponeswa zvikuru sei naye kubva pakutsamwa kwaMwari!
10 If, as enemies, we were reconciled to our Father through the death of his Son, how much more, now reconciled, will his life save us? Nokuti kana, patakanga tiri vavengi vaMwari, takayananiswa naye kubudikidza norufu rwoMwanakomana wake, tichaponeswa zvikuru sei kubudikidza norufu rwoMwanakomana wake, tichaponeswa zvikuru sei kubudikidza noupenyu hwake, kana tayananiswa!
11 Not only that—we also rejoice in our Father through our Lord Jesus Christ, through whom we have now received reconciliation. Nokuti hazvisizvo bedzi, asi kuti tinofarawo muna Mwari nokuna Ishe wedu Jesu Kristu, watakapiwa zvino naye kuyananiswa.
12 So, as sin entered the world through one man, and death through sin, death spread to everyone, since all sinned. Naizvozvo, chivi sezvachakapinda munyika nomunhu mumwe, norufu rukapinda nechivi, uye nenzira iyi rufu rwakauya kuvanhu vose, nokuti vose vakatadza,
13 Before the law, sin was already in the world; but sin isn't counted where there's no law. nokuti murayiro usati wapiwa, chivi chakanga chava munyika. Asi chivi hachiverengwi kana pasina murayiro.
14 Still, death ruled from Adam to Moses, even over those whose sin didn't match Adam's wrongdoing—Adam foreshadows the one to come. Asi rufu rwakabata ushe kubva panguva yaAdhamu kusvikira panguva yaMozisi, kunyange pamusoro paavo vasina kutadza nokudarika murayiro, sezvakaitwa naAdhamu, akanga ari mufananidzo wouyo akanga achazouya.
15 But the gift is not like the sin: if many died through one man's sin, much more has our Father's grace and the gift by the grace of the one man Jesus Christ overflowed to many. Asi chipo chokungopiwa hachifanani nokudarika. Nokuti kana vazhinji vakafa nokudarika kwomunhu mumwe, zvikuru sei nyasha dzaMwari nechipo chakauya nenyasha dzomunhu mumwe, Jesu Kristu, dzakadururirwa kuvazhinji!
16 And the gift is not like the result of that one man's sin: judgment from one sin brought condemnation, but the gift from many sins brought justification. Uye chipo chaMwari hachina kufanana nomubayiro wechivi chomunhu mumwe akatadza: Nokuti kutongwa kwakauya nechivi chomunhu mumwe kuti vave nemhosva, asi chipo chokungopiwa chakatevera kudarika kuzhinji uye chikauyisa kururamisirwa.
17 For if death reigned through that one man because of one trespass, how much more will those receiving grace's overflow and the gift of righteousness reign in life through the one man, Jesus Christ. Nokuti, kana nokudarika kwomunhu mumwe, rufu rwakabata ushe kubudikidza nomunhu iyeye, ko, kuzoti vaya vakagamuchira nyasha zhinji dzaMwari uye nechipo chokungopiwa chokururama, vachabata ushe zvikuru sei muupenyu kubudikidza nomunhu mumwe, iye Jesu Kristu.
18 So then, as one trespass condemned everyone, one righteous act brings everyone justification and life. Naizvozvo, nokuda kwokudarika kwomunhu mumwe mhosva yakapiwa kuvanhu vose, saka naizvozvowo nokuda kwechiito chimwe chokururama, kururamisirwa kunouyisa upenyu kwakavapo kuvanhu vose.
19 As one man's disobedience made the many sinners, so one man's obedience will make the many righteous. Nokuti vazhinji sezvavakaitwa vatadzi kubudikidza nokusateerera kwomunhu mumwe, saka naizvozvowo vazhinji vachaitwa vakarurama kubudikidza nokuteerera kwomunhu mumwe.
20 Now the law came in so that the trespass might increase, but where sin increased, grace abounded all the more, Murayiro wakaiswawo kuti kudarika kuwande. Asi panowanda chivi, nyasha dzinowanda zvikuru nokupfuurisa,
21 so that as sin reigned in death, grace might reign through righteousness to eternal life, through Jesus Christ our Lord. kuitira kuti sokubata ushe kwakaita chivi murufu, naizvozvowo nyasha dzibate ushe kubudikidza nokururama, kuti dziuyise upenyu husingaperi kubudikidza naJesu Kristu, Ishe wedu.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]