Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Romans 4 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 What then should we say that Abraham, our physical forefather, has found? Zvino tichati Abhurahama, tateguru wedu, panyama akawaneiko pazviri?
2 For if Abraham was justified by works, he has something to boast about—but not before our Father. Nokuti dai Abhurahama akaruramisirwa namabasa, angadai aine chinhu chokuzvirumbidza nacho, asi kwete pamberi paMwari.
3 For what does Scripture say? Abraham believed our Father, and it was counted to him as righteousness. Ko, Rugwaro runoti kudiniko? “Abhurahama akatenda Mwari, uye kukanzi kwaari ndiko kururama.”
4 To the one who works, wages aren't credited as a gift but as what's owed. Zvino kana munhu achiita basa, mubayiro wake hautorwi sechipo chokungopiwa, asi somubayiro wakamufanira.
5 But to one who does not work, but trusts him who justifies the wicked, his faith is counted as righteousness. Asi kumunhu asingashandi, asi achitenda Mwari uyo anoruramisira munhu akaipa, kutenda kwake kuchanzi kwaari ndiko kururama.
6 As David also speaks of the blessing of the person our Father credits righteousness to, apart from works: Dhavhidhi anotaura pamusoro pechinhu chimwe chete ichi paanotaura zvokuropafadzwa kwomunhu anonzi naMwari akarurama kunze kwamabasa, achiti:
7 "Blessed are those whose lawless deeds are forgiven, and whose sins are covered; “Vakaropafadzwa avo vakaregererwa zvakaipa zvavo, vakafukidzirwa zvivi zvavo.
8 blessed is the one whose sin our Father will never count against him." Akaropafadzwa munhu ane chivi chisingazombobvunzwi naIshe pamusoro pake.”
9 Is this blessing only for the circumcised, or also the uncircumcised? We say Abraham's faith was credited as righteousness. Ko, kuropafadzwa uku ndokwavakadzingiswa chete here? Kana kuti navasina kudzingiswawo? Nokuti tati kuna Abhurahama kutenda kwake kwakanzi kwaari ndiko kururama.
10 How then was it credited? While he was circumcised, or uncircumcised? Not while circumcised, but while uncircumcised. Zvino zvakanzarwo seiko? Akanga adzingiswa here, kana kuti asati? Haana kunzarwo adzingiswa, asi kuti asati adzingiswa!
11 He received circumcision as a sign, a seal of the righteousness he had by faith while still uncircumcised, so he would be father of all who believe though uncircumcised, with righteousness credited to them too, Uye akagamuchira chiratidzo chokudzingiswa, sechisimbiso chokururama kwaakawana nokutenda asati adzingiswa. Saka naizvozvo ndiye baba wavose vanotenda, asi vasina kudzingiswa, kuitira kuti kururama kugopiwa kwavari.
12 and father of the circumcised who are not only circumcised but also walk in the footsteps of the faith our father Abraham had while uncircumcised. Uye ndiyewo baba wavakadzingiswa, avo vasina kudzingiswa bedzi, asi vanofambawo mumakwara okutenda kwakanga kuna baba vedu Abhurahama vasati vadzingiswa.
13 For the promise to Abraham and his offspring that he would inherit the world did not come through the law, but through faith's righteousness. Nokuti Abhurahama, nezvizvarwa zvake, haana kupiwa chipikirwa chokuti achava mugari wenhaka yenyika, kubudikidza nomurayiro, asi kubudikidza nokururama kunobva pakutenda.
14 For if those who live by the law are heirs, faith is emptied and the promise nullified. Nokuti dai vaya vanorarama nomurayiro vari ivo vadyi venhaka, kutenda hakuna maturo uye nechipikirwa chinokoneswa,
15 Law brings wrath; where there is no law, there is no violation. nokuti murayiro unouyisa kutsamwa. Uye pasina murayiro hapanawo kudarika.
16 So it comes by faith, to be by grace, guaranteeing the promise to all the offspring—not only those tied to the law but also those who share Abraham's faith, father of us all, Naizvozvo chipikirwa chinouya nokutenda, kuitira kuti zvive zvenyasha uye kuti chisimbiswe kuzvizvarwa zvose zvaAbhurahama, kwete avo vari vomurayiro voga, asi nokuna avo vari vokutenda kwaAbhurahama. Ndiye baba vedu tose.
17 as it is written, "I have made you father of many nations"—before our Father, in whom he believed, who gives life to the dead and calls things that do not exist into being. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Ndakakuita baba vendudzi zhinji.” Ndiye baba vedu pamberi paMwari, uyo waakatenda kwaari, iye Mwari anopa upenyu kuvakafa uye anodana zvisipo sokunge zviripo.
18 Against hope, he believed in hope, becoming father of many nations, as he'd been told: "So will your offspring be." Pasina kana tariro, Abhurahama netariro akatenda uye akava baba vendudzi zhinji, sezvazvakanga zvarehwa kwaari zvichinzi, “Zvizvarwa zvako zvichadarowo.”
19 Not weak in faith, he considered his own body already as good as dead—he was about one hundred—and Sarah's womb lifeless. Haana kushayiwa simba mukutenda kwake, paakaona kuti muviri wake wakanga watofa hawo, sezvo akanga ava namakore anenge zana okuzvarwa, uye kuti chizvaro chaSara chakanga chafawo.
20 He did not doubt our Father's promise in lack of faith, but was strengthened in faith, giving glory to our Father, Asi haana kukahadzika nokuda kwokusatenda pamusoro pechipikirwa chaMwari, asi akasimbiswa mukutenda kwake uye akakudza Mwari,
21 fully convinced that what our Father had promised he was also able to do. achinyatsogutsikana kuti Mwari ane simba rokuita zvaakanga avimbisa.
22 That is why "it was credited to him as righteousness." Ndokusaka “zvakanzi kwaari ndiko kururama.”
23 But the words "it was credited to him" were written not for his sake alone, Mashoko okuti, “zvakanzi kwaari,” haana kunyorerwa iye oga,
24 and also for us who will be credited with it—those trusting the one who raised our Lord Jesus from the dead, asi kwatiriwo, kuna avo vachanzi naMwari vakarurama, kunesu vanotenda kwaari iye akamutsa Jesu Ishe wedu kubva kuvakafa.
25 who was delivered over for our sins and raised to make us right with our Father. Akaiswa kurufu nokuda kwezvivi zvedu uye akamutswa kuvapenyu nokuda kwokururamisirwa kwedu.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]