Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Romans 3 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 What advantage, then, does the Jew have? Or what is the value of circumcision? Ko, muJudha anopfuura vamwe pakudii, uye kudzingiswa kunobatsireiko?
2 Much in every way. First of all, they were entrusted with the very words of our Father. Zvizhinji nemitoo yose! Pakutanga, ndivo vakapiwa mashoko aMwari chaiwo.
3 What then? If some were unfaithful, will their unfaithfulness nullify the faithfulness of our Father? Ko, kana vamwe vasina kutenda? Kusatenda kwavo kungakonesa kutendeka kwaMwari here?
4 No! Let our Father be true, though every person is a liar. As it is written: "You are proven right in your words, and win when judged." Kwete, kwete! Mwari ngaave wechokwadi, asi vanhu vose vave venhema. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Kuitira kuti munzi makarurama pamunotaura, uye mukunde pakutonga kwenyu.”
5 But if our wrongdoing highlights our Father's righteousness, what do we say? Is our Father unjust to bring wrath on us? (I speak in human terms.). Asi kana kusarurama kwedu kuchiratidza kururama kwaMwari zvinonyatsoonekwa, tichatiiko? Kuti Mwari haana kururama here kana achiisa hasha dzake pamusoro pedu? (Ndiri kutaura namatauriro avanhu).
6 Certainly not! For then how could our Father judge the world? Kwete kwete! Dai zvanga zviri izvo, Mwari aizotonga nyika seiko?
7 But if my lie makes our Father's truth overflow to his glory, why am I still judged as a sinner? Mumwe anogona kuti, “Zvino kana nhema dzangu dzichiita kuti chokwadi chaMwari chionekwe uye zvichizowedzera kukudzwa kwake, ko, sei ndichizotongwa somutadzi?”
8 Why not say, as some slander us as saying, "Let's do evil so good may come"? Their judgment is deserved. Ticharegerereiko kutaura sezvatinopomerwa, uye sezvinoreva vamwe vachiti tinoti, “Ngatiitei zvakaipa kuti zvakanaka zvibudepo”? Kutongwa kwavo kwakavafanira.
9 What then? Are we better off? Not at all—we've already charged that Jews and Greeks alike are all under sin's grip, Zvino tichatiiko? Tinovapfuura here? Kwete napaduku pose! Nokuti tambopa vose mhosva, vaJudha neveDzimwe Ndudzi, yokuva pasi pechivi.
10 as it is written: "There is no one righteous, not even one; Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Hakuna akarurama, kunyange nomumwe;
11 no one understands; no one seeks our Father. hakuna anonzwisisa, hakuna anotsvaka Mwari.
12 All have turned away; together they have become worthless; no one does good, not even one. Vose vakatsauka, vose pamwe chete vakava vasina maturo; hakuna kana mumwe anoita zvakanaka, kana mumwe zvake.”
13 Their throat is an open grave; they use their tongues to deceive." "The venom of snakes is under their lips. “Huro dzavo makuva akashama; ndimi dzavo dzinotaura unyengeri.” “Uturu hwenyoka huri pamiromo yavo.”
14 Their mouth is full of cursing and bitterness. “Miromo yavo izere nokutuka nokuvava.”
15 Their feet are swift to shed blood; “Tsoka dzavo dzinokurumidza kuteura ropa;
16 ruin and misery mark their ways, kuparadza nenhamo zviri panzira dzavo,
17 and the way of peace they have not known. Uye nzira yorugare havaizivi.”
18 There is no fear of our Father before their eyes." “Kutya Mwari hakupo pamberi pavo.”
19 We know whatever the law says applies to those under it, so every mouth is silenced and the whole world stands accountable to our Father. Zvino tinoziva kuti zvose zvinorehwa nomurayiro, unozvitaura kuna avo vari pasi pomurayiro, kuitira kuti miromo yose ishayiswe chokutaura uye kuti nyika yose ive nemhosva pamberi paMwari.
20 No one is made right before him by works of the law; the law brings awareness of sin. Naizvozvo hapana achanzi akarurama pamberi pake nokuda kwokuchengeta murayiro; asi kuti, kubudikidza nomurayiro tichaziviswa chivi.
21 But now, apart from the law, our Father's righteousness has been revealed, testified to by the Law and the Prophets. Asi zvino kururama kwaMwari, kwakaratidzwa kunze kwomurayiro, kuchipupurirwa nomurayiro navaprofita.
22 This righteousness of our Father comes through faith in Jesus Christ, to all who believe, for there's no distinction, Kururama uku kunobva kuna Mwari kunouya kubudikidza nokutenda muna Jesu Kristu kuna vose vanotenda. Hapana musiyano,
23 since all have sinned and fall short of the glory of our Father, nokuti vose vakatadza uye vakasasvika pakubwinya kwaMwari,
24 and are justified freely by his grace through the redemption that is in Christ Jesus. uye vanoruramisirwa nenyasha dzake kubudikidza nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu.
25 Our Father presented him as the atoning sacrifice, through faith in his blood, to show his righteousness, since in his patience he had passed over sins committed before, Mwari akamupa iye sechibayiro chokuyananisa kubudikidza nokutenda muropa rake. Akaita izvi kuti aratidze kururamisira kwake, nokuti mukuita mwoyo murefu kwake akaregerera hake zvivi zvakaitwa kare.
26 to show his righteousness now, so he is both just and the justifier of whoever trusts in Jesus. Akazviita kuti aratidze kururamisira kwake panguva ino, kuitira kuti ave akarurama uye anoruramisira vaya vanotenda muna Jesu.
27 Where then is boasting? Excluded. By what law? Of works? No—by the law of faith. Zvino kuzvikudza kuripiko? Kwabviswa. Nomurayiro upiko? Wokuchengetedza murayiro here? Kwete, asi nomurayiro wokutenda.
28 For we maintain that a person is justified by faith apart from works of the law. Naizvozvo tinomira pakuti munhu anoruramisirwa nokutenda kwete nokuchengeta murayiro.
29 Or is our Father the Father of Jews only? Not the Father of Gentiles too? Yes, of Gentiles too, Ko, Mwari ndiMwari wavaJudha voga here? Ko, haazi Mwari weveDzimwe Ndudziwo here? Hongu ndoweveDzimwe Ndudziwo,
30 since our Father is one, he will justify the circumcised by faith and the uncircumcised through faith. sezvo kuna Mwari mumwe chete uyo acharuramisira vakadzingiswa nokutenda uye vasina kudzingiswa kubudikidza nokutenda kumwe cheteko.
31 Do we cancel the law through this faith? Never—we confirm the law. Zvino tinobvisa murayiro nokutenda uku here? Kwete napaduku! Asi, tinosimbisa murayiro.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]