Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Romans 2 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 So you have no excuse, whoever you are, when you judge another—in judging them you condemn yourself, since you do the same things. Naizvozvo, iwe unotonga mumwe munhu hauna pembedzo, nokuti pachinhu chipi nechipi chaunotonga mumwe nacho, unozvipa mhosva iwe, nokuti iwe unotonga, unoita zvinhu zvimwe chetezvo.
2 Now we know that our Father's judgment rightly falls on those who do such things. Zvino tinoziva kuti kutonga kwaMwari ndokwezvokwadi kuna vanoita zvinhu zvakadai.
3 Do you think, whoever judges others for such things while doing them yourself, that you'll escape our Father's judgment? Saka kana iwe munhuwo zvake uchitonga vamwe asi uchiita zvinhu zvimwe chetezvo, unofunga kuti ungapunyuka kutonga kwaMwari here?
4 Or do you despise the riches of his kindness and restraint and patience, not realizing that our Father's kindness is meant to lead you to repentance? Kana kuti unozvidza pfuma younyoro hwake, mwoyo munyoro wake, nomwoyo murefu wake, usingazivi kuti unyoro hwaMwari hunokuisa pakutendeuka?
5 But because of your hard, unrepentant heart, you are storing up wrath for yourself, for the day of wrath when our Father's righteous judgment will be revealed. Asi nokuda kwoukukutu hwako uye nomwoyo wako usingadi kutendeuka, uri kuzviunganidzira kutsamwa pazuva rokutsamwa kwaMwari, pacharatidzwa kutonga kwake kwakarurama.
6 He will repay each person according to what they have done. Mwari “achapa mumwe nomumwe maererano nezvaakaita.”
7 To those who through persistent good work seek glory, honor, and immortality, he will give eternal life. Kuna avo vakatsungirira kuita zvakanaka vachitsvaka kubwinya nokukudzwa uye nokusafa, achavapa upenyu husingaperi.
8 But those who are self-seeking, reject the truth, and follow wickedness face wrath and rage. Asi kuna avo vanotsvaka zvavo uye vanoramba chokwadi uye vachitevera zvakaipa, kuchavapo kutsamwa nehasha.
9 Trouble and distress for everyone who does evil—the Jew first, then the Greek, Kuchavapo kutambudzika nokudzungaira kumunhu mumwe nomumwe anoita zvakaipa: kutanga kumuJudha, tevere weDzimwe Ndudzi;
10 but glory, honor, and peace for all who do good—Jew first, then Greek too. asi kubwinya, nokukudzwa uye norugare kuna vose vanoita zvakanaka: kutanga kumuJudha tevere weDzimwe Ndudzi.
11 For our Father shows no favoritism. Nokuti Mwari haasi mutsauri wavanhu.
12 Sinners without the law also perish without it; sinners under the law will be judged by it. Vose vakatadza vasina murayiro vachaparadzwawo vasina murayiro, uye vose vakatadza vano murayiro vachatongwa nomurayiro.
13 For not those who hear the law are righteous before our Father, but those who obey it will be justified. Nokuti havasi vaya vanonzwa murayiro vakarurama pamberi paMwari, asi vaya vanoita murayiro ndivo vachanzi vakarurama.
14 Indeed, when Gentiles, who do not have the law, do by nature what the law requires, the law is at work within them, even though they do not have the law. Zvirokwazvo, kana veDzimwe Ndudzi, vasina murayiro vachiita sokuberekwa kwavo zvinhu zvinodiwa nomurayiro, wava murayiro wavo pachavo kunyange zvazvo vasina murayiro.
15 They show the law's work written on their hearts, their conscience bearing witness, and their conflicting thoughts accusing or defending them. Sezvo vachiratidza kuti zvinodiwa nomurayiro zvakanyorwa pamwoyo yavo, hana dzavo dzichipupuriranawo nazvo, nezvavanofunga pakati pavo zvichivapa mhosva kana kuvapembedza.
16 This happens on the day our Father judges everyone's secrets through Jesus Christ—so my gospel says. Izvi zvichaitika pazuva iroro, Mwari raachazotonga zvakavanzika zvavanhu kubudikidza naJesu Kristu, sezvinoreva vhangeri rangu.
17 But if you call yourself a Jew, rely on the law, and boast in our Father, Zvino iwe, kana uchiti uri muJudha; kana uchivimba nomurayiro uye uchizvirumbidza pamusoro poukama hwako naMwari;
18 if you know our Father's will and approve what is excellent because you are instructed by the law, kana uchiziva kuda kwake uye uchiziva kuti zvakanaka ndezvipi zvaunodzidziswa nomurayiro;
19 if you're convinced you are a guide for the blind, a light for those in darkness, kana uchiti uri mutungamiri wamapofu, chiedza chaavo vari murima,
20 a corrector of the foolish, teacher of the immature, holding in the law the shape of knowledge and truth. murairidzi wamapenzi, mudzidzisi wavacheche, nokuti zvauine, mumurayiro, mufananidzo woruzivo nechokwadi,
21 You teach others—do you not teach yourself? You preach against stealing—do you steal? zvino iwe, unodzidzisa vamwe, hauzvidzidzisewo here? Iwe unoparidza kuti vanhu vasaba, unoba here?
22 You who tell others not to commit adultery—do you commit it? You who detest idols—do you rob temples? Iwe unoti vanhu havafaniri kuita upombwe, unoita upombwe here? Iwe unosema zvifananidzo, unoba mutemberi dzavo here?
23 You who boast in the law, do you dishonor our Father by breaking the law? Iwe unozvirumbidza pamusoro pomurayiro, unoshora Mwari nokudarika murayiro here?
24 As it is written: "Our Father's name is blasphemed among the nations because of you." Nokuti, sezvazvakanyorwa: “Zita raMwari rinomhurwa pakati peveDzimwe Ndudzi nokuda kwenyu.”
25 Circumcision helps if you keep the law; break it, and your circumcision becomes being uncircumcised. Kudzingiswa kunokosha kana uchichengeta murayiro, asi kana uchidarika murayiro, wakangoita sousina kudzingiswa.
26 So if the uncircumcised keep the law's requirements, won't their uncircumcision be counted as circumcision? Kana vaya vasina kudzingiswa vakachengeta zvinodiwa nomurayiro, havangaonekwi savakadzingiswa here?
27 The physically uncircumcised who keep the law will judge you who, with the letter and circumcision, break the law. Uyo asina kudzingiswa panyama asi achichengeta murayiro achakutonga iwe, kunyange zvako une murayiro wakanyorwa uye wakadzingiswa, asi uchidarika murayiro.
28 For being a Jew isn't merely about the outside, nor circumcision merely about the body. Munhu haasi muJudha kana ari muJudha anoonekwa kunze chete, uye kudzingiswa hakuzi kwokunze kana kwapanyama chete.
29 Rather, one is a Jew inwardly, circumcision being of the heart, by the Spirit, not the written code; that one's praise is not from people but from our Father. Kwete, munhu anova muJudha kana ari muJudha mukati, uye kudzingiswa kwomwoyo, noMweya, kwete kwezvakanyorwa. Kurumbidzwa kwomunhu akadaro hakubvi kuvanhu, asi kunobva kuna Mwari.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]