Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Romans 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Paul, a servant of Christ Jesus, called to be an apostle, set apart for the gospel of our Father, Pauro, muranda waJesu Kristu, akadanwa kuti ave mupostori uye akatsaurirwa vhangeri raMwari,
2 the gospel he promised beforehand through his prophets in the holy Scriptures, vhangeri raakavimbisa kare kubudikidza navaprofita vake muMagwaro Matsvene
3 concerning his Son, who in his earthly life was descended from David, pamusoro poMwanakomana wake, uyo pakuberekwa kwake somunhu akanga ari chizvarwa chaDhavhidhi,
4 and was declared to be the Son of our Father in power according to the Spirit of holiness by his resurrection from the dead—Jesus Christ our Lord. uye akaratidzwa nesimba kubudikidza naMweya Mutsvene kuti ndiye Mwanakomana waMwari, nokumuka kwake kubva kuvakafa: Jesu Kristu Ishe wedu.
5 Through him we received grace and apostleship for the obedience of faith among all the nations, for his name's sake, Kubudikidza naye uye nokuda kwezita rake, takagamuchira nyasha noupostori, kuti tidane vanhu kubva pakati pavaHedheni vose kuti vave nokuteerera kunobva pakutenda.
6 and you also are among those called to belong to Jesus Christ. Uye nemiwo muri pakati paavo vakadanwa kuti muve vaJesu Kristu.
7 To all in Rome, loved by our Father and called his holy people: Grace to you and peace from our Father and the Lord Jesus Christ. Kuna vose vari muRoma vanodiwa naMwari uye vakadanwa kuti vave vatsvene: Nyasha norugare ngazvive nemi zvinobva kuna Mwari Baba vedu, nokuna Ishe Jesu Kristu.
8 First, I thank my Father through Jesus Christ for all of you, since your faith is reported worldwide. Pakutanga, ndinovonga Mwari wangu muna Jesu Kristu pamusoro penyu mose, nokuti kutenda kwenyu kunoparidzwa panyika yose.
9 For our Father is my witness, whom I serve with my spirit in the gospel of his Son, that I constantly remember you in my prayers, Mwari, wandinoshumira nomwoyo wangu wose mukuparidza vhangeri roMwanakomana wake, ndiye chapupu changu kuti ndinoramba sei ndichikurangarirai
10 asking that somehow by our Father's will I may now at last succeed in coming to you. muminyengetero yangu nguva dzose; uye ndinonyengeterera kuti zvino pakupedzisira nokuda kwaMwari ndizarurirwe mukana wokuti ndiuye kwamuri.
11 For I long to see you, to share a spiritual gift that strengthens you, Ndinoshuva zvikuru kuti ndikuonei kuti ndigokupai chipo chomweya kuti mugova makasimbiswa,
12 that is, that we may be mutually encouraged by each other's faith, both yours and mine. ndiko kuti, imi neni tikurudzirwe pamwe chete nokutenda kwomumwe nomumwe wedu.
13 I want you to know, brothers and sisters: I often planned to visit you, but was kept from it until now—to reap some harvest among you too, as among the rest of the nations. Handidi kuti musaziva, hama, kuti ndakaronga kazhinji kuti ndiuye kwamuri (asi ndakatadziswa kuita saizvozvo kusvikira zvino) kuti ndive nezvibereko pakati penyu, sezvandakaita pakati pavamwe veDzimwe Ndudzi.
14 I'm obligated to Greeks and non-Greeks, to wise and foolish. Ndine mungava kuna vose vaGiriki navasiri vaGiriki, vose vakachenjera navasina kuchenjera.
15 So I am eager to preach the gospel to you also who are in Rome. Ndokusaka ndichida zvikuru kwazvo kuti ndiparidze vhangeri kwamuriwo imi vari kuRoma.
16 I'm not ashamed of the gospel—it is our Father's power for salvation to everyone who believes, to the Jew first, and also the Greek. Handina nyadzi pamusoro pevhangeri, nokuti isimba raMwari rokuponesa munhu wose anotenda: Kutanga kumuJudha, zvichizotevera weDzimwe Ndudzi.
17 For in it our Father's righteousness is revealed, from faith to faith, as it is written: "The righteous will live by faith." Nokuti muvhangeri, kururama kwaMwari kunoratidzwa kuchibva pakutenda kuchienda kukutenda, sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Akarurama achararama nokutenda.”
18 For our Father's wrath is revealed from heaven against all human godlessness and injustice, people who suppress the truth by injustice. Kutsamwa kwaMwari kunoratidzwa kuchibva kudenga pamusoro pokusada Mwari kwose nokusarurama kwose kwavanhu vanodzivisa chokwadi nokusarurama kwavo.
19 What can be known about our Father is evident to them, for he has made it evident to them. Nokuti izvo zvose zvingazivikanwa pamusoro paMwari zviri pachena kwavari, nokuti Mwari akazviisa pachena kwavari.
20 Since the world's creation, his invisible qualities—eternal power and divine nature—are clearly seen, understood from what he made. So they have no excuse. Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika izvo zvisingaonekwi zvaMwari, iro simba rake rinogara nokusingaperi nouMwari hwake, zvakanyatsoonekwa kwazvo, zvichizivikanwa kubva pazvinhu zvakaitwa, kuitira kuti vanhu varege kuva nepembedzo.
21 Though they knew our Father, they didn't honor him as God or thank him—instead their thinking became empty, and their senseless hearts grew dark. Nokuti kunyange zvavo vaiziva Mwari, havana kumukudza saMwari kana kumuvonga, asi kufunga kwavo kwakava kusina maturo uye mwoyo yavo, isina zivo, yakasvibiswa.
22 Claiming to be wise, they became fools, Kunyange zvavo vachizviti vakachenjera, vakava mapenzi
23 and exchanged our immortal Father's glory for images shaped like mortal man and birds and animals and reptiles. uye vakashandura kubwinya kwaMwari asingafi vakakuita mifananidzo yakaitwa somunhu anofa, shiri, mhuka nezvinokambaira.
24 So our Father gave them over to their hearts' desires, to impurity, dishonoring their bodies among themselves, Naizvozvo Mwari akavaisa kuzvishuvo zvakaipa zvemwoyo yavo, zvokuzvisvibisa noupombwe kuti vazvidze miviri yavo pakati pavo.
25 because they traded the truth about our Father for a lie, worshiping and serving the creation instead of the Creator, who is blessed forever. Amen. Vakatsinhanisa zvokwadi yaMwari nenhema, vakanamata uye vakashumira zvisikwa panzvimbo yoMusiki, iye anokudzwa nokusingaperi. Ameni.
26 Because of this, our Father gave them over to shameful desires. Their women exchanged natural relations for unnatural ones. Nokuda kwaizvozvo, Mwari akavaisa pakuchiva kwavo kunonyadzisa. Kunyange navakadzi vavo vakashandura zvavakasikirwa kuti vaite, vakaita zvavasina kusikirwa.
27 Likewise, men too abandoned natural relations with women, burning with lust for each other—men committing indecency with men, and receiving in themselves the penalty their error deserved. Navarume vavo vakaitawo zvimwe chetezvo vakasiya zvavakasikirwa paukama hwavo navakadzi uye vakatsva noruchiva mumwe kuno mumwe murume. Varume vakaita zvisakafanira navamwe varume, uye vakazviwanira mukati mavo mubayiro wakafanira kurasika kwavo.
28 Since they refused to keep our Father in their knowledge, he handed them over to an unfit mind, to do improper things. Pamusoro pezvo, sezvavasina kufunga kuti zvakakodzera kuva noruzivo rwaMwari, akavaisa kumurangariro wokurasika, kuti vaite zvisakafanira.
29 They were filled with all injustice, evil, greed, and malice; full of envy, murder, conflict, deceit, and spite; they are gossips, Vakazadzwa nokusarurama kworudzi rwose, kuipa, makaro nokurasika. Vakazara negodo, umhondi, nokukakavara, unyengeri nokuvenga. Vane makuhwa,
30 slanderers, haters of our Father, insolent, arrogant, boastful, inventors of evil, disobedient to their parents, vanochera vamwe, vanovenga Mwari, vanodada, vanozvikudza uye vanozvirumbidza; vanovamba nzira dzokuita zvakaipa; havateereri vabereki vavo;
31 foolish, faithless, heartless, ruthless. havafungi, havana kutenda, vane mwoyo wakaipa, havana tsitsi.
32 Though they know our Father's righteous decree that those who do such things deserve death, they not only do them but applaud those who do them. Kunyange zvavo vachiziva mutemo wakarurama waMwari kuti avo vanoita zvakadai vakafanirwa norufu, havarambi vachiita zvinhu izvi bedzi, asi kuti vanotenderanawo navanozviita.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]