Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Acts 28 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Once we were brought safely through, we learned that the island was called Malta. Takati tasvika zvakanaka kumahombekombe, takazoziva kuti chitsuwa ichi chainzi Marita.
2 Local people showed us unusual kindness: they lit a fire and welcomed us all, since rain had started and it was cold. Vanhu vomuchitsuwa ichi vakatiitira tsitsi dzinoshamisa. Vakavesa moto vakatigamuchira tose nokuti kwakanga kuchinaya uye kuchitonhora.
3 When Paul gathered a bundle of sticks and put them on the fire, a viper came out from the heat and fastened onto his hand. Pauro akaunganidza svinga retutsotso. Paakanga ava kutuisa mumoto, nyoka, yanzwa kupisa kwomoto, yakanamatira paruoko rwake.
4 Seeing the creature hanging from his hand, the natives said to each other, "This man must be a murderer—though he escaped the sea, Justice won't let him live." Vanhu vomuchitsuwa ichi pavakaona nyoka yakarembera paruoko rwake, vakataurirana pakati pavo vakati, “Munhu uyu anofanira kuva mhondi; nokuti kunyange apunyuka hake mugungwa, kururamisira hakuna kumubvumira kuti ararame.”
5 But he shook the creature off into the fire and suffered no harm. Asi Pauro akazunzira nyoka mumoto uye haana kurwara.
6 They expected him to swell up or suddenly fall dead. But after watching a long time and seeing nothing wrong happen to him, they changed their minds, calling him a god. Vanhu vakanga vakatarisira kuti achazvimba kana kuwira pasi pakarepo ofa, asi vakati varindira kwenguva refu uye vakasaona chakaitika kwaari, vakashanduka vakati aiva mwari.
7 Near that place were estates belonging to the island's chief official, named Publius, who welcomed us and hosted us kindly for three days. Pakanga pano munda waiva pedyo ipapo wakanga uri waPabhuriosi, muchinda mukuru wechitsuwa icho. Akatigamuchira kumba kwake akatichengeta zvakanaka kwamazuva matatu.
8 Publius's father lay sick with fever and dysentery. Paul went in, prayed, laid hands on him, and healed him. Baba vake vakanga vachirwara vavete pamubhedha, vachirwadziwa nefivha uye vane manyoka aibudisa ropa. Pauro akapinda kuti andovaona, uye shure kwokunyengetera, akaisa maoko ake pamusoro pavo akavaporesa.
9 After this, the rest of the sick on the island came and were healed. Izvi zvakati zvaitika, vairwara vose vomuchitsuwa vakauya vakaporeswa.
10 They paid us many honors, and when we sailed, loaded us with everything we needed. Vakatikudza nenzira zhinji uye patakanga tagadzirira kukwira chikepe, vakatipa zvinhu zvataida.
11 After three months we sailed in an Alexandrian ship that had wintered at the island, marked with the Twin Brothers. Mwedzi mitatu yakati yapfuura, takaenda kugungwa tikakwira muchikepe chakanga chapedza mwaka wechando chiri pachitsuwa apa. Chakanga chiri chikepe chokuArekizandiria chakanga chine misoro miviri yavamwari mapatya, ivo Kasitori naPorukisi.
12 We put in at Syracuse and stayed there three days. Takaenda paSirakuse tikandogarapo kwamazuva matatu.
13 From there we sailed around and arrived at Rhegium. A day later a south wind rose, and on the second day we reached Puteoli. Takabvapo tikakwira chikepe tikandosvika kuRegiamu. Zuva rakatevera, mhepo yaibva zasi yakatanga kuvhuvhuta, uye pazuva rechipiri takazosvika paPuteori.
14 There we found brothers and sisters and were urged to stay with them seven days; so we came to Rome. Ipapo takawana hama uye dzakatikoka kuti tipedze vhiki imwe tinavo. Tichibva ipapo takaenda kuRoma.
15 The brothers and sisters there heard about us and came to meet us as far as the Forum of Appius and Three Taverns. Seeing them, Paul thanked our Father and took courage. Hama dzaikoko dzakanga dzanzwa kuti takanga tichiuya, naizvozvo vakafamba kusvikira kuMusika weApio napaMahotera Matatu kuti vazosangana nesu. Pauro, paakaona varume ava, akavonga Mwari uye akakurudzirwa.
16 When we entered Rome, Paul was allowed to stay by himself, with the soldier who guarded him. Takati tasvika kuRoma, Pauro akatenderwa kuti agare oga, ane murwi aimuchengeta.
17 Three days later he gathered the Jewish leaders. When they assembled, he said to them, "Brothers, though I'd done nothing against our people or our ancestors' customs, I was handed over as a prisoner from Jerusalem into Roman hands. Mazuva matatu akati apfuura, akakoka vatungamiri vavaJudha. Vakati vaungana, Pauro akati kwavari, “Hama dzangu, kunyange ndisina kuita chinhu chakaipa kuvanhu vokwedu kana pamusoro petsika dzamadzitateguru edu, ndakasungwa muJerusarema ndikaiswa mumaoko avaRoma.
18 After examining me, they wanted to release me, since I had no charge deserving death. Vakandibvunzisisa uye vakada kundisunungura, nokuti ndakanga ndisina mhosva ipi zvayo yaikodzera rufu.
19 When the Jews objected, I was forced to appeal to Caesar—though I had no charge to bring against my nation. Asi vaJudha vakati varamba ndakazvipira kuti ndizviise kuna Kesari, kwete kuti ndakanga ndine mhosva ipi zvayo nehama dzangu.
20 That's why I asked to see and speak with you—I wear this chain because of Israel's hope." Nokudaro ndakumbira hangu kuti ndikuonei uye nditaure nemi. Nokuda kwetariro yaIsraeri ndakasungwa nengetani iyi.”
21 They said to him: "We received no letters from Judea about you, nor has any brother who came reported or said anything bad about you. Ivo vakati, “Hatina kumbogamuchira kana tsamba zvadzo dzichibva kuJudhea maererano newe, uye hakuna mumwe wehama dzakabvako akatizivisa kana kutaura chinhu chipi zvacho chakaipa pamusoro pako.
22 We'd like to hear what you think, since we know this sect is spoken against everywhere." Asi tinoda kunzwa kuti pfungwa dzako ndedzei, nokuti tinoziva kuti kwose kwose vanhu vanotaura zvakaipa pamusoro peboka iri.”
23 They set a day and came to his lodging in greater numbers. From morning to evening he explained, testifying about the kingdom of our Father and trying to persuade them about Jesus from the Law of Moses and the Prophets. Vakaronga kuzosanganazve naPauro pane rimwe zuva, uye vakauya kwaakanga ari vari vazhinji kwazvo. Kubvira mangwanani kusvikira madekwana akavatsanangurira uye akavapupurira zvoumambo hwaMwari, uye achiedza kwazvo kuti vatende nezvaJesu kutanga paMurayiro waMozisi kusvikira kuvaprofita.
24 Some were convinced by what he said, but others would not believe. Vamwe vakatendeswa nezvaaireva, asi vamwe havana kutenda.
25 Disagreeing among themselves, they left after Paul added one final word: "The Holy Spirit spoke rightly to your ancestors through Isaiah the prophet, saying, Havana kutenderana pakati pavo ndokubva vatanga kuenda, shure kwokunge Pauro ataura mashoko okupedzisira okuti: “Mweya Mutsvene akataura chokwadi kumadzitateguru enyu paakataura nomuromo waIsaya muprofita achiti:
26 "'Go to this people and say: You will indeed hear but never understand, and you will indeed see but never perceive. “ ‘Enda kuvanhu ava uti, “Mucharamba muchinzwa asi musingatongonzwisisi; mucharamba muchiona asi musingaonesesi.”
27 For this people's heart has grown dull, and their ears are hard of hearing, and they have closed their eyes—otherwise they might see with their eyes, and hear with their ears, and understand with their heart, and turn, and I would heal them.' Nokuti mwoyo yavanhu ava yava mikukutu; havanzwisisi nenzeve dzavo, uye vakatsinzina meso avo. Zvimwe vangaona nameso avo, vanganzwa nenzeve dzavo, vakanzwisisa nemwoyo yavo, vagotendeuka, ndigovaporesa.’
28 So know: our Father's salvation was sent to the nations—they will listen." “Naizvozvo ndinoda kuti muzive kuti ruponeso rwaMwari rwatumirwa kune veDzimwe Ndudzi, uye vachanzwa!”
29 Not in this edition Shure kwokunge ataura izvi, vaJudha vakabva, vachikakavadzana zvikuru pakati pavo.
30 He stayed two whole years in his own rented place and welcomed all who came to him, Pauro akagara ikoko kwamakore maviri ose ari muimba yake yaairipira uye aigamuchira vose vaiuya kuzomuona.
31 proclaiming our Father's kingdom and teaching about the Lord Jesus Christ, boldly and unhindered. Akaparidza zvoumambo hwaMwari asingatyi, asingadziviswi uye akadzidzisa nezvaIshe Jesu Kristu.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]