Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Acts 27 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Once it was decided we would sail to Italy, they handed Paul and some other prisoners to a centurion named Julius of the Imperial Cohort. Kwakati kwarongwa kuti tiende nechikepe kuItari, Pauro navamwe vasungwa vakaiswa mumaoko omukuru wezana ainzi Juriasi akanga ari wehondo yaAgasito.
2 We boarded a ship from Adramyttium bound for the ports along the coast of Asia and put out to sea. Aristarchus, a Macedonian from Thessalonica, was with us. Takakwira chikepe chaibva kuAdhiramitiami chakanga chava kuenda nomunzvimbo dzaiva kumahombekombe enyika yeEzhia, ndokubva taenda kugungwa. Takanga tiina Aristakusi, muMasedhonia aibva kuTesaronika, pamwe chete nesu.
3 The next day we docked at Sidon. Julius treated Paul kindly, letting him go to friends for care. Zuva rakatevera takasvika paSidhoni; uye Juriasi akanzwira Pauro tsitsi akamutendera kuti aende kushamwari dzake kuti zvimwe vangamupa zvaaishayiwa.
4 From there we put to sea and sailed along Cyprus's sheltered side, since the winds opposed us. Tichibva ipapo takaendazve kugungwa tikapfuura nezasi kweSaipurasi, nokuti mhepo yakanga ichitidzivisa.
5 Having sailed across the open sea off Cilicia and Pamphylia, we came to Myra in Lycia. Takati tayambuka gungwa reSirisia nePamufiria, takandomira paMira muRisia.
6 There the centurion found an Alexandrian ship sailing for Italy and put us aboard it. Mukuru wezana akawana chikepe cheArekizandiria ipapo chaienda kuItari akatikwidzamo.
7 Sailing slowly for many days, we barely reached Cnidus. Since the wind blocked us, we sailed along the sheltered side of Crete, off Salmone. Takafamba zvishoma zvishoma mazuva mazhinji uye zvakanga zvakatiomera kusvikira paNidhasi. Sezvo mhepo yakanga ichitidzivisa kuti tifambe mugwara redu, takabva taenda nezasi kweKirete, kwakatarisana neSarimone.
8 Barely coasting along, we reached Fair Havens, a place near the town of Lasea. Takafamba nokumahombekombe tichitambudzika tikasvika panzvimbo yainzi Zororo Rakanaka, pedyo neguta reRasea.
9 Much time was lost—even the Fast had passed, making sailing dangerous now. So Paul warned them, Takarasikirwa nenguva yakawanda kwazvo, uye kufambisa chikepe kwakanga kwava nenjodzi nokuti zvino Nguva Yokutsanya yakanga yatopfuura. Saka Pauro akavayambira akati,
10 "Men, I see this voyage will bring disaster and heavy loss—not only to the cargo and ship, but also to our lives." “Varume, ndinoona kuti rwendo rwedu ruchava nenjodzi uye ruchauyisa kurasikirwa kukuru kuchikepe nokunhumbi, uyewo nokuupenyu hwedu chaihwo.”
11 But the centurion trusted the pilot and shipowner more than Paul's words. Asi mukuru wezana, pachinzvimbo chokuti ateerere kune zvakanga zvataurwa naPauro, akatevera zano romuchairi wechikepe uye neromuridzi wechikepe.
12 Since the harbor was unfit for winter, most decided to sail on, hoping somehow to reach Phoenix, a Crete harbor facing southwest and northwest, and winter there. Sezvo panomira chikepe pakanga pasina kunaka kuti vanhu vagarepo munguva yechando, voruzhinji vakasarudza kuti tirambe tichifamba, vachitarisira kusvika kuFonisia tigogarako panguva yechando. Iyi ndiyo yaiva nzvimbo yomuKirete yaimirira chikepe, yakatarisa kwose zasi kwakadziva kumavirira nokumusoro kwakadziva kumavirira.
13 When a south wind blew gently, thinking they'd gained their purpose, they weighed anchor and sailed close along Crete. Mhepo yakadzikama yaibva zasi yakati yotanga kuvhuvhuta, vakafunga kuti vawana zvavaida; saka vakakanga chimiso mumvura tikafamba takatevedza mahombekombe eKirete.
14 But before long, a hurricane-force wind called the Northeaster swept down from the island. Kusati kwambopera nguva huru, mhepo huru ine simba, yainzi “Yurakuro,” yakavhuvhuta ichibva nokuchitsuwa.
15 The ship was caught and couldn't face the wind, so we gave way and drifted. Chikepe chakabatwa nedutu chikatadza kupinda nomumhepo; saka takarega zvakadaro uye tikaramba tichingosairirwa.
16 Running under a small island called Cauda, we barely managed to secure the ship's lifeboat. Takati tapfuura nezasi kwechitsuwa chiduku chainzi Kaudha, takanga tisisagoni kuchengetedza igwa rokununura upenyu.
17 Once hoisted aboard, they used ropes to brace the hull. Fearing they'd run aground on Syrtis's sandbars, they lowered the sea anchor and were driven along. Varume vakati varikwidza pamusoro pechikepe, vakapinza tambo napasi pechikepe kuti zvibate zvakasimba. Vachitya kuti vangasairirwa kujecha rokuSiritisi, vakaderedza zvimiso zvomugungwa ndokubva varega chikepe chichisairirwa.
18 The storm battered us so violently that the next day they began throwing cargo overboard. Takanga tava kuvhungwa-vhungwa nedutu raiva nesimba zvokuti mangwana acho vakatanga kubudisa nhumbi muchikepe vachidzikanda mugungwa.
19 On the third day, with their own hands they threw the ship's gear overboard. Pazuva retatu, vakakanda mimwe midziyo yaishandiswa muchikepe mugungwa namaoko avo.
20 For many days sun and stars didn't appear, the fierce storm kept raging, and we finally lost all hope of being saved. Zuva kana nyeredzi pazvisina kuonekwa kwamazuva mazhinji, uye dutu parakaramba richipenga, takagumisira tarasikirwa netariro yose yokuponeswa kwedu.
21 After they had gone a long time without food, Paul stood among them and said, "Men, you should have obeyed me and not sailed from Crete; then you would have spared yourselves this disaster and loss. Shure kwokunge vanhu vagara nguva refu vasina zvokudya, Pauro akamira pamberi pavo akati, “Varume, maifanira kunge makateerera zano rangu rokuti murege kubva paKirete; ipapo mungadai makazviponesa pakuparadza nokurasikirwa uku.
22 Now I urge you to stay encouraged: none of you will lose your life, only the ship will be lost. Asi zvino ndinokukurudzirai kuti mutsunge, nokuti hakuna mumwe wenyu acharasikirwa noupenyu hwake; asi chikepe ichi bedzi ndicho chichaparadzwa.
23 Last night an angel of our Father—the one I belong to and serve—stood beside me, Madeko mutumwa waMwari uyo wandiri wake uye wandinoshumira akamira neni
24 and said, 'Don't be afraid, Paul. You must stand before Caesar, and look—our Father has given you the lives of all sailing with you.' akati kwandiri, ‘Usatya, Pauro. Unofanira kutongwa pamberi paKesari; uye nenyasha Mwari akupa upenyu hwavose vanofamba newe muchikepe.’
25 So take courage, men—I trust our Father: it will be just as I was told. Saka tsungai mwoyo, varume, nokuti ndino kutenda muna Mwari kuti zvichaitika sezvaakandiudza.
26 But we must run aground on some island." Kunyange zvakadaro tichandokandwa hedu pane chimwe chitsuwa.”
27 On the fourteenth night, still driven across the Adriatic Sea, the sailors sensed near midnight that land was approaching. Nousiku hwegumi nechina, takanga tichiri kungosundwa nemhepo tichiyambuka Gungwa reAdhiria, panenge pakati pousiku vafambisi vechikepe vakaona kuti vakanga voswedera kunyika.
28 They sounded and found 120 feet; going a little farther, they sounded again and found ninety feet. Vakashandisa zvokuyera kudzika kwemvura vakaona kuti pakanga pakadzika mamita makumi mana. Shure kwenguva pfupi, vakayerazve vakawana kuti pakanga padzika namamita makumi matatu.
29 Afraid of hitting rocks, they dropped four anchors from the stern and prayed for daylight. Vachitya kuti vangabondera pamatombo, vakadzikisa zvimiso zvina shure, ndokunyengetera kuti dai kwaedza.
30 The sailors tried to escape from the ship, lowering the lifeboat into the sea, pretending to run out anchors from the bow. Vachida kuedza kutiza kubva muchikepe, vafambisi vechikepe vakaburutsa igwa rokununura upenyu ndokurikanda mugungwa, vachiita sokunge vaizodzikisa zvimiso mberi kwechikepe.
31 Paul told the centurion and soldiers, "Unless these men stay in the ship, you can't be saved." Ipapo Pauro akati kumukuru wezana nokuvarwi, “Kana vanhu ava vakasagara muchikepe, hamungararami.”
32 So the soldiers cut the ropes holding the lifeboat and let it drift away. Saka varwi vakadambura tambo dzakanga dzakabata igwa rokununura upenyu vakarirega richiwira mumvura.
33 Just before dawn, Paul urged everyone to eat, saying, "This is the fourteenth day you've waited anxiously, without food, having eaten nothing. Kwava kuda kuedza, Pauro akavakurudzira kuti vadye achiti, “Mazuva gumi namana apfuura, manga makangogara musingadyi, hamuna kutongodya kana chinhu.
34 So I urge you to eat—this is for your survival. Not a hair from any of your heads will be lost." Zvino ndinokukurudzirai kuti mudye. Munofanira kudya kuti murarame. Hakuna mumwe pakati penyu acharasikirwa nebvudzi romusoro wake.”
35 Saying this, he took bread, thanked our Father before them all, broke it, and began to eat. Shure kwokutaura kwake izvozvo, akatora chingwa akavonga kuna Mwari pamberi pavo vose. Ipapo akachimedura akatanga kudya.
36 They were all encouraged and ate some food themselves. Vose vakakurudzirwa uye vakadya zvokudya.
37 Altogether there were 276 of us on board. Tose takanga tiri mazana maviri namakumi manomwe navatanhatu.
38 Once satisfied with food, they lightened the ship by tossing the grain into the sea. Vakati vadya pavaida napo, vakarerutsa chikepe nokukanda gorosi mugungwa.
39 At daylight they did not recognize the land, but noticed a bay with a sandy beach, and planned, if possible, to run the ship aground there. Kunze kwakati kwaedza, havana kuziva nyika iyo, asi vakaona nzvimbo yaiva nejecha, apo pavakasarudza kuti vamise chikepe kana zvaigona.
40 They cut the anchors loose, leaving them in the sea, and at the same time untied the rudder ropes. Then they hoisted the foresail to the wind and headed for the beach. Vakadambura zvimiso, vakazvisiya mugungwa uye nenguva yakare iyoyo vakadamburawo tambo dzakanga dzakasunga zvokudzoresa chikepe. Ipapo vakasimudza sairi rechikepe kumhepo kuti risairirwe panodira makungwa maviri.
41 But hitting a sandbar where two currents met, they ran the ship aground—the bow stuck fast, unmoving, while the waves' force broke the stern apart. Asi chikepe chakarovera pajecha. Muromo wacho wakabatirira kwazvo uye ukasagona kubvapo, nokudaro shure kwacho kwakapwanyika kukaita zvimedu zvimedu nokuda kwokurova kwamasaisai.
42 The soldiers planned to kill the prisoners so that none of them could swim away and escape. Varwi vakaronga kuuraya vasungwa kuti vatadzise kana mumwe chete wavo kushambira kuti apunyuke.
43 But the centurion, wanting to save Paul, stopped them from their plan, and ordered those who could swim to jump in first and get to shore, Asi mukuru wezana akanga achida kuponesa Pauro, akavadzivisa kuita zvavakanga varonga. Akarayira vaya vaigona kushambira kuti vashambire havo vatange kubuda muchikepe vaende kumahombekombe.
44 and the rest—some on planks, some on ship debris. So everyone reached land safely. Vakasara vavo vainge vachizoyambutswa vari pamapuranga kana pazvidimbu zvechikepe. Nenzira iyi, mumwe nomumwe akasvika pavhu rakaoma zvakanaka.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]