Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Acts 26 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Agrippa told Paul, "You may speak for yourself." Then Paul stretched out his hand and began his defense. Ipapo Agiripa akati kuna Pauro, “Unotenderwa kuzvidavirira.” Saka Pauro akaninira noruoko rwake akatanga kuzvidavirira achiti,
2 King Agrippa, I count myself fortunate to defend myself before you today against all the Jews' accusations, “Mambo Agiripa, ndinoona kuti ndine rombo rakanaka kuti ndimire pamberi penyu nhasi ndichizvidavirira pamusoro pezvose zvandinopomerwa navaJudha,
3 especially since you know all Jewish customs and disputes well, so I ask you to hear me out patiently. uye zvikuru nokuti imi munonyatsoziva tsika dzavaJudha uye namakakatanwa avo. Naizvozvo ndinokukumbirai kuti munditeerere nomwoyo murefu chaizvo.
4 All Jews know my life from youth, spent from the start among my own nation and in Jerusalem. “VaJudha vose zvavo vanoziva nzira yandakararama nayo kubvira pandakanga ndiri mwana, kubva pakutanga kwoupenyu hwangu munyika yokwangu, nomuJerusaremawo.
5 They've long known me, and if willing to testify, that according to our religion's strictest sect I lived as a Pharisee. Vakandiziva kwenguva refu uye vanogona kupupura, kana vachida zvavo, kuti maererano nedzidziso yakasimba yechitendero chedu, ndakagara ini ndiri muFarisi.
6 And now I stand on trial for hope in the promise our Father made to our fathers. Uye zvino ndiri kutongwa pano nhasi nokuda kwetariro yangu mune zvakavimbiswa madzibaba edu naMwari.
7 Our twelve tribes hope to reach this promise, worshiping him fervently night and day. For this hope, king, I am accused by the Jews. Iyi ndiyo vimbiso yakamirirwa namarudzi edu gumi namaviri kuti isvike sezvavanoshumira Mwari kwazvo masikati nousiku. Imi mambo, vaJudha vari kundipa mhosva nokuda kwetariro iyi.
8 Why is it judged incredible by any of you that our Father raises the dead? Seiko zvisingagoni kutendwa pakati penyu kuti Mwari anomutsa vakafa?
9 I myself thought I must do many things against the name of Jesus of Nazareth. “Neniwo ndakanga ndichigutsikana ndichitoti ndinofanira kuita zvose zvandaigona kuti ndipikise zita raJesu weNazareta.
10 That's what I did in Jerusalem: with authority from the chief priests, I locked many of the holy ones in prison, and voted against them when they were being put to death. Uye ndizvo chaizvo zvandakaita muJerusarema. Nemvumo yandakanga ndapiwa navaprista vakuru, ndakaisa vazhinji vavatsvene mutorongo, uye pavainge vachiurayiwa, ndaitenderana nazvo.
11 In every synagogue I often punished them, trying to force them to speak against God; enraged against them, I hunted them even to foreign cities. Nguva zhinji ndaibva kune rimwe sinagoge ndichienda kune rimwe ndichiita kuti varangwe, uye ndakaedza kuvamanikidza kuti vamhure Mwari. Noruvengo rwandaiva narwo pamusoro pavo, ndakaenda kunyange kuna mamwe maguta avatorwa kundovatambudza.
12 On one such journey I went to Damascus with authority and commission from the chief priests. “Pane imwe yenzendo idzi ndakanga ndichienda kuDhamasiko ndine mvumo uye ndatumwa navaprista vakuru.
13 At midday, O king, I saw on the road a light from heaven, brighter than the sun, blazing around me and my fellow travelers. Nenguva dzinenge dzamasikati, mambo, ndiri mumugwagwa, ndakaona chiedza chakabva kudenga, chaipenya kupfuura zuva, chikavaima chakandipoteredza ini navandaiva navo.
14 We all fell to the ground, and I heard a voice speaking to me in Hebrew: 'Saul, Saul, why are you persecuting me? It's hard for you to kick against the goads.' Tose takawira pasi, uye ndakanzwa inzwi richiti kwandiri norurimi rwechiHebheru, ‘Sauro, Sauro, unonditambudzireiko? Zvakakuomera iwe kuti ukave zvibayiso.’
15 I asked, 'Who are you, Lord?' The Lord said, 'I am Jesus, whom you are persecuting.' “Ipapo ndakati, ‘Ndimi aniko, Ishe?’ “Ishe akapindura akati, ‘Ndini Jesu waunotambudza.
16 But get up, stand on your feet—I appeared to you for this reason: to appoint you a servant and witness both of what you have seen of me and of what I will yet appear to you, Zvino chisimuka umire netsoka dzako. Ndazviratidza kwauri kuti ndikugadze somuranda uye sechapupu chezvawaona kwandiri uye nezvandichakuratidza.
17 rescuing you from your people and from the Gentiles—to whom I am sending you, Ndichakununura kubva kuvanhu vokwako uye kubva kune veDzimwe Ndudzi. Ndiri kukutuma kwavari
18 to open their eyes, so they turn from darkness to light and from Satan's power to our Father, and receive forgiveness of sins and a place among those made holy by faith in me.' kuti usvinudze meso avo nokuvadzora kubva kurima kuti vauye kuchiedza, nokubva musimba raSatani kuti vauye kuna Mwari, kuti vagamuchire kanganwiro yezvivi uye vawane nzvimbo pakati paavo vakaitwa vatsvene nokutenda kwandiri.’
19 Therefore, King Agrippa, I was not disobedient to the heavenly vision, “Saka ipapo, Mambo Agiripa, handina kuramba kuteerera kuchiratidzo chakabva kudenga.
20 but I declared first to those in Damascus, then in Jerusalem and all the region of Judea, and to the Gentiles too, to repent and turn to our Father, doing deeds that match their repentance. Ndakatanga kuparidza kuna avo vaiva muDhamasiko, nokuna avo vaiva muJerusarema nomuJudhea yose, uye nokune veDzimwe Ndudziwo kuti vatendeuke vadzokere kuna Mwari vagoratidza kutendeuka kwavo namabasa avo.
21 For this reason the Jews seized me in the temple and tried to kill me. Ndizvo zvakaita kuti vaJudha vandibate mutemberi uye vaedze kundiuraya.
22 With help from our Father, I stand to this day testifying to both small and great, saying nothing beyond what the prophets and Moses said would happen: Asi ndakabatsirwa naMwari kusvikira nhasi uno, uye ndimire pano kuti ndipupure kuvaduku nokuvakuru zvimwe chetezvo. Handina kutaura zvinopfuura zvakataurwa navaprofita uye naMozisi kuti zvichaitika,
23 that the Christ must suffer, and, first to rise from the dead, proclaim light to both our people and the Gentiles. kuti Kristu achatambudzika, uye, saiye wokutanga kumuka kubva kuvakafa achaparidza chiedza kuvanhu vake uye nokune veDzimwe Ndudzi.”
24 As Paul defended himself, Festus shouted, "Paul, you're insane! Your vast learning is driving you mad." Ipapo Fesitasi akati kuna Pauro nenzwi guru, “Pauro, wava kupenga! Kudzidza kwako kukuru kwava kukupengesa.”
25 But Paul said, "I'm not insane, most excellent Festus; I speak words of truth and sound judgment. Pauro akapindura akati, “Handisi kupenga, changamire Fesitasi. Zvandiri kutaura ichokwadi uye zvinotendeka.
26 The king knows these things—I speak to him freely. I'm sure none of this escaped him, since it wasn't done in a corner. Mambo vanoziva zvinhu izvi, uye ndinogona kutaura ndakasununguka kwavari. Ndinogutsikana kuti hapana chimwe chezvinhu izvi chichavapunyuka, nokuti hazvina kuitwa pakavanda.
27 King Agrippa, do you believe the prophets? I know that you believe." Mambo Agiripa munotenda vaprofita here? Ndinoziva kuti munotenda.”
28 Agrippa said, "So quickly you'd persuade me to be a Christian?" Ipapo Agiripa akati kuna Pauro, “Unenge unoda kundiita muKristu nenguva duku.”
29 Paul said, "Whether short or long, I pray to our Father that not only you but all who hear me today might become as I am—except these chains." Pauro akapindura akati, “Nguva pfupi kana refu, ndinonyengetera kuna Mwari kuti murege kuva imi bedzi asi vose ava vakateerera kwandiri nhasi kuti vave seni, kunze kwengetani idzi chete.”
30 Then the king rose, and the governor and Bernice and those seated with them. Mambo akasimuka, pamwe chete nomubati naBhenisi uye navose vaakanga agere navo.
31 As they left, they told each other, "This man deserves neither death nor imprisonment." Vakabuda mumba, uye pavaitaurirana, vakati, “Munhu uyu haasi kuita chinhu chinofanira rufu kana kupfigirwa mutorongo.”
32 Agrippa told Festus, "This man could have been freed if he hadn't appealed to Caesar." Agiripa akati kuna Fesitasi, “Munhu uyu angadai asunungurwa dai akanga asina kuzviisa kuna Kesari.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]