Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Acts 25 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Now three days after Festus had arrived in the province, he went up to Jerusalem from Caesarea. Kwakati kwapera mazuva matatu mushure mokusvika kwake munyika iyo, Fesitasi akakwira kubva kuKesaria akaenda kuJerusarema,
2 There the chief priests and Jewish leaders presented their case against Paul and kept urging him, vaprista vakuru navakuru vavaJudha vakamira pamberi pake vakapira mhosva yaPauro kwaari.
3 requesting a favor against him—that he summon Paul to Jerusalem. They were setting an ambush to kill him on the road. Vakakumbira zvikuru kuna Fesitasi, sechinhu chinofadza kwavari, kuti Pauro aendeswe kuJerusarema, nokuti vakanga vachigadzirira kumuvandira kuti vagomuuraya munzira imomo.
4 Festus replied that Paul was held at Caesarea, and he himself would leave shortly. Fesitasi akapindura akati, “Pauro akachengetwa paKesaria, uye ini pachangu ndichaendako nokukurumidza.
5 "So," he said, "let those among you who are able go down with me and accuse the man, if there is anything wrong with him." Vamwe vavakuru venyu ngavaende neni vagondokwirira munhu uyu ikoko, kana akaita chinhu chipi zvacho chakaipa.”
6 Festus stayed with them no more than eight or ten days, then went down to Caesarea. The next day he took the judge's seat and ordered Paul brought in. Akati apedza mazuva masere kana gumi navo, akaburuka akaenda kuKesaria, uye zuva rakatevera akaunganidza vedare akarayira kuti Pauro auyiswe pamberi pake.
7 When Paul arrived, the Jews from Jerusalem surrounded him, bringing many serious charges they couldn't prove. Pauro akati asvika, vaJudha vakanga vabva kuJerusarema vakamira vakamukomberedza, vachimupomera mhosva dzakaipisisa, dzavakanga vasingakwanisi kusimbisa.
8 Paul answered in his defense: "I have done no wrong against the Jewish law, the temple, or Caesar." Ipapo Pauro akazvidavirira achiti, “Ini handina kuita chinhu chakaipa pamusoro pomurayiro wavaJudha kana temberi kana Kesari.”
9 But Festus, wanting to please the Jews, asked Paul, "Will you go up to Jerusalem and be tried there before me on these charges?" Fesitasi achida kufadza vaJudha, akati kuna Pauro, “Unoda here kuenda kuJerusarema kuti undomira pamberi pangu uchitongwa neni ikoko pamusoro pemhosva dzaunopomerwa idzi?”
10 Paul said, "I stand before Caesar's tribunal, where I must be judged. I've done the Jews no wrong, as you yourself know very well. Pauro akapindura akati, “Iye zvino ndimire pamberi pedare raKesari, munova ndimo mandinofanira kutongwa. Handina kuita chinhu chakaipa kuvaJudha, sezvamunonyatsoziva imi pachenyu.
11 If I've done wrong, done something deserving death, I won't refuse to die. But if these men's charges against me are groundless, no one can hand me over to them. I appeal to Caesar." Kunyange zvakadaro hazvo, kana ndine mhosva yokuita chinhu chipi zvacho chinokodzera rufu, handingarambi kufa. Asi kana mhosva dzandinopomerwa navaJudha dzisina chokwadi, hakuna munhu ane mvumo yokundiisa kwavari. Ndinozviisa kuna Kesari!”
12 After consulting his council, Festus answered, "You appealed to Caesar; to Caesar you will go." Shure kwokunge Fesitasi ataurirana namakurukota ake, akati, “Wazviisa kuna Kesari. Kuna Kesari uchaenda!”
13 Some days later, King Agrippa and Bernice came to Caesarea and greeted Festus. Shure kwamazuva mashoma, Mambo Agiripa naBhenisi vakasvika paKesaria kuti vandopa ruremekedzo rwavo kuna Fesitasi.
14 As they spent many days there, Festus presented Paul's case to the king: "Felix left a man here as a prisoner. Sezvo vakanga vachipedza mazuva mazhinji ikoko, Fesitasi akakurukura nyaya yaPauro namambo. Akati, “Pane murume ari pano akasiyiwa ari musungwa naFerikisi.
15 While I was in Jerusalem, the chief priests and elders of the Jews accused him, asking me for his conviction. Pandakaenda kuJerusarema, vaprista vakuru navakuru vavaJudha vakauya vachimupomera mhosva vakakumbira kuti atongwe.
16 I told them it's not Roman custom to hand over anyone before the accused faces his accusers in person and gets a chance to defend himself against the charge. “Ndakavaudza kuti haisi tsika yavaRoma, yokuendesa munhu upi zvake kuti andofa asati asangana navapomeri vake, uye apiwa mukana wokuzvidavirira pamusoro pemhosva yavanomupomera.
17 So when they gathered here, I delayed nothing—next day I sat on the judgment seat and ordered the man brought in. Pavakauya pano neni, handina kunonotsa nyaya iyi, asi ndakadana dare pazuva rakatevera ndikarayira kuti munhu uyu apinzwe mudare.
18 When his accusers stood up, they raised none of the criminal charges I had expected. Vaimupomera vakati vasimuka kuti vataure, havana kumupomera mhosva ipi zvayo yandaitarisira.
19 Instead, they had some disputes with him about their own religion and a dead man named Jesus, whom Paul kept claiming was alive. Asi, vaingova namashoko okukakavadzana naye pamusoro pechitendero chavo uye napamusoro pomurume akafa anonzi Jesu, uyo anonzi naPauro mupenyu.
20 Unsure how to investigate this, I asked if he was willing to go to Jerusalem and be tried there on these charges. Ndakashaya ruzivo rwokuferefeta nyaya dzakadai; saka ndakabvunza kana aida hake kuenda kuJerusarema kuti andotongwa ikoko pamusoro pemhosva idzi.
21 But since Paul appealed to be held for the Emperor's decision, I ordered him held until I could send him to Caesar." Pauro akati azvisarudzira kuti achengetwe kuti azotongwa pamberi paMambo Kesari, ndakarayira kuti achengetwe kusvikira ndazomutumira kuna Kesari.”
22 Agrippa told Festus, "I'd like to hear the man myself." "Tomorrow," Festus said, "you will hear him." Ipapo Agiripa akati kuna Fesitasi, “Ndingada kunzwa munhu uyu pachangu.” Akapindura akati, “Muchamunzwa mangwana.”
23 The next day Agrippa and Bernice arrived with great show and entered the hall with the military commanders and the city's prominent men. On Festus's order, Paul was brought in. Zuva rakatevera, Agiripa naBhenisi vakauya nokukudzwa kukuru vakapinda mumba maitambirwa mhaka vane machinda ezvigaro zvapamusoro uye navarume vaitungamirira guta. Varayirwa naFesitasi, Pauro akapinzwa mukati.
24 Festus said, "King Agrippa, and all here with us—you see this man. The whole Jewish community petitioned me about him, both in Jerusalem and here, shouting he must not live any longer. Fesitasi akati, “Mambo Agiripa nemi mose muri pano nesu, muri kuona murume uyu! Ungano yose yavaJudha yakandikumbira pamusoro pake muJerusarema uye nomuno muKesaria, vachidanidzira vachiti haafaniri kutongoramba ari mupenyu.
25 But finding nothing deserving death, and since he himself appealed to the Emperor, I decided to send him. Ini ndakawana asina kuita chinhu chingafanira rufu, asi nokuda kwokuti akazviisa kuna Kesari, ndakafunga kumutumira kuRoma.
26 I have nothing definite to write my lord about him, so I brought him before you all, especially before you, King Agrippa, so that after this examination I may have something to write. Asi handina chinhu chandinganyatsorondedzera chokuti ndinyorere kuna Changamire pamusoro pake. Naizvozvo ndamuuyisa pamberi penyu iyemi mose, kunyanya pamberi penyu, Mambo Agiripa, kuitira kuti zvichabuda pakuferefeta uku zvigondiwanisa zvokunyora.
27 For it seems unreasonable to me to send a prisoner without indicating the charges against him." Nokuti ndinofunga kuti hazvina ungwaru kutumira musungwa pasina rondedzero chaiyo yemhosva yake.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]