Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Acts 24 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Five days later the high priest Ananias came down with some elders and a lawyer, Tertullus, and they brought charges against Paul before the governor. Mazuva mashanu akati apfuura, Ananiasi muprista mukuru akaburuka kuKesaria navamwe vakuru nerimwe gweta rainzi Teturo, vakataura mhosva dzavo pamusoro paPauro pamberi pomubati.
2 When Paul was summoned, Tertullus began his accusation: "Through you we enjoy great peace, and reforms have come to this nation through your foresight, Pauro akati adaidzwa kuti apinde, Teturo akasvitsa nyaya yake kuna Ferikisi achiti, “Isu takafadzwa nenguva refu yorugare pasi poutongi hwenyu, uye kunzwisisa kwenyu kwakashandura rudzi urwu.
3 we acknowledge this in every way and everywhere, most excellent Felix, with all gratitude. Changamire Ferikisi, izvi tinozvigamuchira nomufaro mukuru uye nemitoo yose kwose kwose.
4 But so as not to detain you any further, I ask you to hear us kindly, in a few words. Asi kuti tisakunetsaizve, ndinokumbira hangu kuti mutinzwire ngoni mungotinzwa henyu kwenguva duku.
5 We found this man a plague, stirring up riots among all the Jews worldwide, and a ringleader of the Nazarene sect. “Takaona kuti murume uyu akaipa, anomutsa bope pakati pavaJudha munyika yose. Ndiye mutungamiri weboka ravaNazareta
6 He even tried to desecrate the temple, so we seized him. uye akaedza kunyange kushatisa temberi; ndokusaka takamubata.
7 Not in this edition Asi Risiasi mukuru wavarwi akauya akamutakanura mumaoko edu nechisimba.
8 By examining him yourself, you can learn all we accuse him of." Mukamubvunzisisa imi pachenyu muchakwanisa kuziva chokwadi chemhosva dzatiri kumupomera.”
9 The Jews also joined in the attack, insisting that these things were so. VaJudha vakabvumirana nezvaakanga achipomerwa, vachisimbisa kuti zvinhu izvi zvaiva zvechokwadi.
10 The governor motioned him to speak. Paul answered: "Knowing you've judged this nation for many years, I gladly defend myself. Mubati akati amuninira kuti ataure, Pauro akapindura, akati, “Ndinoziva kuti manga muri mutongi worudzi urwu kwamakore mazhinji; saka ndinofara kuti ndizvidavirire.
11 You can confirm it's no more than twelve days since I went up to worship in Jerusalem. Imi munogona kuziva nyore nyore kuti mazuva gumi namaviri haasati atombopera kubva pandakaenda kundonamata kuJerusarema.
12 They found me arguing with no one, stirring up no crowd—not in the temple, the synagogues, or anywhere in the city. Vapomeri vangu havana kundiwana ndichiita nharo naani zvake mutemberi, kana kumutsa bope musinagoge kana papi zvapo muguta.
13 Nor can they prove to you the charges they are now bringing against me. Uye havagoni kukubudisirai chokwadi chemhosva yavanondikwirira.
14 But I confess to you: following the Way—they call it a sect—I worship the God of our ancestors, believing all that agrees with the Law and is written in the Prophets. Zvisinei hazvo, ndinobvuma kuti ndinonamata Mwari wamadzibaba edu somuteveri weNzira, yavanoti yakatsauka. Ini ndinotenda zvinhu zvose zvinobvumirana nomutemo uye nezvakanyorwa muVaprofita,
15 I have hope in our Father—one these men also hold—that the righteous and unrighteous alike will rise. uye ndine tariro imwe cheteyo muna Mwari savarume ava, kuti kuchava nokumuka kwavakafa vose zvavo vakarurama navakaipa.
16 So I always strive to keep my conscience clear before our Father and before people. Saka ndinoshingairira nguva dzose kuti hana yangu ive yakachena pamberi paMwari navanhu.
17 After several years I came to bring charitable gifts for my nation's poor, and offerings. “Shure kwamakore mazhinji ndisipo, ndakauya kuJerusarema kuti ndizopa vanhu vokwangu zvipo zvavarombo uye kuti ndizopa zvipiriso zvangu.
18 Amid this, they found me purified in the temple—no crowd, no uproar. Ndakanga ndakazvinatsa pavakandiwana ndiri mutemberi ndichiita izvi. Pakanga pasina vanhu vazhinji vaiva neni, uye handina kumboita nyonganyonga.
19 Some Jews from Asia should be here before you to accuse, if they have anything against me. Asi pane vaJudha vanobva kuEzhia, vaifanira kunge vari pano pamberi penyu, ndivo vaifanira kundipa mhosva kana vainge vane mhosva ipi zvayo neni.
20 Or let these men themselves say what wrongdoing they found when I stood before the council, Kana ivava vari pano vanofanira kutaura mhaka yavakawana mandiri pandakamira pamberi peDare Guru ravaJudha,
21 except this one thing I shouted standing among them: 'It's over the resurrection of the dead that I'm on trial before you today.'" kunze kwechinhu chimwe chete ichi chandakadanidzira pandakanga ndimire pamberi pavo kuti, ‘Ndiri kutongwa maererano nokumuka kwavakafa; ndizvo zvaita kuti ndive pamberi penyu nhasi.’ ”
22 Felix, who knew the Way fairly well, adjourned the hearing: "When Lysias the commander arrives, I will decide your case." Ipapo Ferikisi uyo akanga achizivisisa nezveNzira iyo, akambomisa dare. Akati, “Kana Risiasi mukuru wavarwi auya, ndichatonga mhosva yenyu.”
23 He ordered the centurion to guard Paul but allow him some freedom, not stopping any of his friends from serving him. Akarayira mukuru wezana kuti Pauro achengetwe navarindi asi ave akasununguka uye shamwari dzake dzibvumirwe kuti dzimuvigire zvaanoda.
24 Some days later, Felix came with his wife Drusilla, a Jew, sent for Paul, and heard him about faith in Christ Jesus. Mushure mamazuva mazhinji, Ferikisi akauya nomukadzi wake Dhurusira, uyo akanga ari muJudha. Akadana Pauro kuti auye vagozomunzwa sezvo aitaura pamusoro pezvokutenda muna Kristu Jesu.
25 As Paul discussed righteousness, self-control, and the coming judgment, Felix grew frightened and said, "That's enough for now; go. When I find time, I'll call for you." Pauro paakanga achidzidzisa pamusoro pokururama, kuzvidzora, nokutongwa kuchauya, Ferikisi akatya akati, “Zvakwana kwazvino! Ungaenda hako. Ndikange ndawana mukana, ndichazokudana.”
26 He also hoped Paul would give him money, so he sent for him often and talked with him. Panguva yacho iyoyo aifunga kuti Pauro achamupa fufuro, saka aidana Pauro nguva nenguva achitaura naye.
27 After two years, Porcius Festus succeeded Felix. Wanting to please the Jews, Felix left Paul in prison. Makore maviri akati apfuura, Poshiasi Fesitasi akatora nzvimbo yaFerikisi, asi nokuda kwokuti Ferikisi aida kufadza vaJudha, akasiya Pauro ari mutorongo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]