Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Acts 23 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Paul stared at the council: "Brothers, I have lived my life before our Father in all good conscience until today." Pauro akatarisisa kuDare Guru ravaJudha akati kwavari, “Hama dzangu, ini ndakaita basa rangu kuna Mwari nehana yakanaka kusvikira zuva ranhasi.”
2 The high priest Ananias ordered those standing near him to strike Paul on the mouth. Ipapo muprista mukuru ainzi Ananiasi akarayira vaya vakanga vamire pedyo naye kuti vamurove pamuromo.
3 Paul said to him, "Our Father will strike you, you whitewashed wall! You sit there to judge me by the law, yet you break the law by ordering me struck?" Ipapo Pauro akati kwaari, “Mwari achakurova, iwe chidziro chakacheneswa nependi! Ugere ipapo kuti unditonge maererano nomurayiro, asi iwe pachako unodarika murayiro nokurayira kuti ndirohwe!”
4 Those standing nearby said, "Do you dare to insult our Father's high priest?" Vaya vakanga vamire pedyo naPauro vakati, “Iwe uri kutotuka muprista mukuru waMwari nhai?”
5 Paul said, "Brothers, I didn't know he was high priest; for Scripture says, 'Don't speak evil of your people's ruler.'" Pauro akapindura akati, “Hama dzangu, ndanga ndisingazivi kuti ndiye muprista mukuru; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: ‘Usataura zvakaipa pamusoro pomubati wavanhu vako.’ ”
6 Paul, knowing some were Sadducees, others Pharisees, cried out in the council, "Brothers, I am a Pharisee, son of Pharisees. I am on trial over the hope and resurrection of the dead!" Ipapo Pauro, achiziva kuti vamwe vavo vakanga vari vaSadhusi uye kuti vamwe vakanga vari vaFarisi, akadanidzira kuDare Guru akati, “Hama dzangu, ini ndiri muFarisi, mwanakomana womuFarisi. Ndimire pano ndichitongwa nokuda kwetariro yangu yokumuka kwavakafa.”
7 When he said this, a dispute arose between the Pharisees and Sadducees, and the assembly was split. Akati ataura izvozvo, nharo dzakamuka pakati pavaFarisi navaSadhusi, nokudaro ungano yakapesana.
8 For the Sadducees say there is no resurrection, and neither angel nor spirit, but the Pharisees acknowledge them all. VaSadhusi vanoti hakuna kumuka kwavakafa, uye kuti hakuna mutumwa kana mweya, asi vaFarisi vanotenda izvozvo zvose.
9 A loud uproar broke out. Some scribes from the Pharisees' side stood and argued sharply: "We find nothing wrong in this man. What if a spirit or an angel spoke to him?" Pakava nebope guru, uye vamwe vadzidzisi vomurayiro vainge vari vaFarisi vakasimuka vakaita nharo zvikuru. Vakati, “Hatina chakaipa chatinoona pamunhu uyu. Ko, kana ari mweya kana mutumwa akataura kwaari?”
10 As the dispute grew violent, the commander, fearing Paul would be torn apart by them, ordered the soldiers to go down, seize him from among them, and bring him into the barracks. Kupesana kwakava nemhirizhonga zvokuti mukuru wamauto akatya kuti Pauro angangobvamburwa-bvamburwa navo. Akarayira varwi kuti vaburuke vandomutora vamubvise kwavari nechisimba vagomuendesa kudzimba dzavarwi.
11 The next night our Lord Jesus stood beside him and said, "Take courage! As you testified about me in Jerusalem, so you must testify in Rome too." Usiku hwakatevera, Ishe akamira pedyo naPauro akati kwaari, “Tsunga mwoyo! Sezvawapupura pamusoro pangu muJerusarema, saizvozvo unofanira kundopupurawo muRoma.”
12 At daybreak the Jews conspired and swore not to eat or drink until they killed Paul. Fume mangwana, vaJudha vakaita rangano vakazvisunga nemhiko kuti varege kudya kana kunwa kusvikira vauraya Pauro.
13 There were more than forty who had joined in this plot. Varume vaipfuura makumi mana ndivo vakaita rangano iyi.
14 They went to the chief priests and elders and said, "We have bound ourselves under a solemn oath to taste nothing until we kill Paul. Vakaenda kuvaprista vakuru navakuru vakati, “Isu tazvisunga nemhiko kuti tirege kudya kana chinhu kusvikira tauraya Pauro.
15 So now, you and the council, ask the commander to bring him down to you, as if to examine his case more closely. We're ready to kill him before he arrives." Zvino imi neDare Guru ravaJudha kumbirai mukuru wavarwi kuti amuuyise pamberi penyu muchiita somunoda kubvunzisisa pamusoro penyaya iyi. Isu takagadzirira kumuuraya asati asvika kuno.”
16 But Paul's sister's son, hearing of the ambush, went and entered the barracks and told Paul. Asi, mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akati anzwa rangano iyi, akapinda mudzimba dzavarwi akandoudza Pauro.
17 Paul called a centurion and said, "Take this young man to the commander—he has something to report." Ipapo Pauro akadana mumwe wavakuru vezana akati kwaari, “Tora jaya iri uende naro kumukuru wavarwi; ane zvaari kuda kumutaurira.”
18 So he took him to the commander and said, "The prisoner Paul called me and asked me to bring this young man to you; he has something to tell you." Saka akaenda naye kumukuru wavarwi. Mukuru wezana akati, “Pauro, musungwa uya, andidaidza akandikumbira kuti ndiuye nejaya iri, kwamuri nokuti rine zvarinoda kukuudzai.”
19 The commander took his hand, led him aside privately, and asked, "What do you have to tell me?" Mukuru wavarwi akabata ruoko rwejaya, akaenda naye padivi akamubvunza akati, “Chii chauri kuda kundiudza?”
20 He said, "The Jews have agreed to ask you to bring Paul down to the council tomorrow, pretending to inquire more precisely about him. Iye akati, “VaJudha vakatenderana kukukumbirai kuti muuyise Pauro pamberi peDare Guru ravaJudha mangwana vachiita sevanoda kunyatsobvunzisisa pamusoro pake.
21 Don't listen to them—more than forty of their men are waiting in ambush for him. They've bound themselves by oath not to eat or drink until they kill him, and now they're ready, waiting for your agreement." Musavanzwa, nokuti pane vamwe vavo vanopfuura makumi mana vakamuvandira. Vakatozvisunga nemhiko kuti varege kudya kana kunwa kusvikira vamuuraya. Vakatogadzirira izvozvi, vakamirira kubvuma kwenyu chikumbiro chavo.”
22 The commander sent the young man off, ordering him, "Tell no one you reported this to me." Mukuru wavarwi akaita kuti jaya iri riende uye akamuyambira achiti, “Usaudza munhu kuti wataura izvi kwandiri.”
23 Then he called two centurions: "Ready 200 soldiers for Caesarea, and seventy horsemen, and 200 spearmen, by nine tonight." Ipapo akadana vakuru vezana vaviri akavarayira achiti, “Gadzirirai mazana maviri avarwi, navanotasva mabhiza makumi manomwe uye mazana maviri avarume vane mapfumo kuti vaende kuKesaria nenguva dzepfumbamwe manheru.
24 He told them to provide mounts for Paul, to bring him safely to Governor Felix. Mutsvakirewo Pauro bhiza rokutasva kuitira kuti andosvika zvakanaka kuMubati Ferikisi.”
25 And he wrote a letter that read as follows:" Akanyora tsamba yaiti:
26 "Claudius Lysias, to his Excellency Governor Felix: Greetings. Kiraudhiyo Risiasi, kuna Changamire, Mubati Ferikisi: Kwaziwai.
27 The Jews seized this man and were about to kill him when I came with my troops and rescued him, having learned he was a Roman citizen. Murume uyu akabatwa navaJudha uye vakanga voda kumuuraya, asi ini ndakabva ndasvika navarwi vangu ndikamununura, nokuti ndakanga ndanzwa kuti muRoma.
28 Wanting to know the charge they were bringing against him, I brought him down to their council. Ndakada kuziva kuti sei vakanga vachimupomera mhosva, saka ndikamuendesa kuDare ravo Guru.
29 I found him accused over questions of their law, with no charge deserving death or imprisonment. Ndakaona kuti aipomerwa mhosva pamusoro pamashoko omurayiro wavo, asi pakanga pasina mhosva ingafanira rufu kana kupfigirwa mutorongo.
30 Told of a plot against the man, I sent him to you at once, also ordering his accusers to state their case against him before you." Pandakanyeverwa pamusoro perangano yaakanga arongerwa, ndakabva ndamutumira kwamuri pakarepo. Ndakazivisawo vapomeri vake kuti vazosvitsa kwamuri mhosva yavanomupomera.
31 So the soldiers, following their orders, took Paul and brought him by night to Antipatris. Saka varwi vakaita sezvavakanga varayirwa, vakatora Pauro vakaenda naye usiku vakandosvika naye kuAndipatirisi.
32 The next day they let the horsemen go on with him while they returned to the barracks. Zuva rakatevera, vakarega vamabhiza vachienda naye, ivo vachibva vadzokera kudzimba dzavarwi.
33 The horsemen reached Caesarea, delivered the letter to the governor, and presented Paul to him. Vatasvi vamabhiza vakati vasvika kuKesaria, vakapa tsamba kumubati ndokubva vaisa Pauro mumaoko ake.
34 After reading it, the governor asked what province he was from, and learned he was from Cilicia, Mubati akaverenga tsamba akamubvunza kuti akanga achibva kudunhu ripi. Akati aziva kuti akanga achibva kuSirisia,
35 "I'll hear you," he said, "once your accusers arrive." He ordered him held under guard in Herod's headquarters. akati kwaari, “Ndichazonzwa nyaya yako kana vanokupomera vasvika.” Ipapo akarayira kuti Pauro achengetwe navarindi vomumuzinda waHerodhi.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]