Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Acts 22 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 "Brothers and fathers, listen now to my defense before you." “Hama nemi madzibaba, teererai kuzvidavirira kwangu zvino.”
2 When they heard him speaking to them in Hebrew, they grew even more quiet. And he said: Pavakanzwa achitaura kwavari nechiHebheru, vakanyanya kunyarara. Ipapo Pauro akati,
3 "I am a Jew, born in Tarsus of Cilicia, raised in this city, trained at Gamaliel's feet in the strict law of our ancestors, as eager for God as all of you are today. “Ini ndiri muJudha, akaberekerwa kuTasasi yeSirisia, asi ndakarerwa muguta rino. Pasi paGamarieri ndakanyatsodzidziswa mutemo wamadzibaba edu uye ndakanga ndichishingairira Mwari sezvamunoita imi nhasi.
4 I persecuted this Way to the death, binding and delivering to prison both men and women, Ndakatambudza vateveri veNzira iyi kusvikira pakufa kwavo, ndichisunga zvose varume navakadzi ndichivaisa mutorongo,
5 as the high priest and the whole council of elders can testify. From them I received letters to the brothers in Damascus, and went to bring those there as prisoners to Jerusalem for punishment." sezvandingapupurirwawo nomuprista mukuru namakurukota ose. Ndakapiwa matsamba aibva kwavari okuenda nawo kuhama dzavo dzaiva muDhamasiko, ndikaenda ikoko kuti ndinouya navanhu ava kuJerusarema savasungwa kuti vazorangwa.
6 "Traveling and nearing Damascus about noon, a great light from heaven suddenly flashed around me." “Nenguva dzinenge dzamasikati pandakanga ndoswedera pedyo neDhamasiko, pakarepo chiedza chakabva kudenga chikandipenyera kumativi ose.
7 I fell to the ground and heard a voice say to me, "Saul, Saul, why are you persecuting me?" Ndakawira pasi ndikanzwa inzwi richiti kwandiri, ‘Sauro! Sauro! Unonditambudzireiko?’
8 I answered, "Who are you, Lord?" He replied, "I am Jesus of Nazareth, whom you're persecuting." “Ndakati, ‘Ndimi aniko, Ishe?’ “Iye akati, ‘Ndini Jesu weNazareta, wauri kutambudza.’
9 "Those with me saw the light but didn't understand the voice of the one speaking to me." Shamwari dzangu dzakaona chiedza, asi hadzina kunzwa inzwi raiye akanga achitaura neni.
10 I said, "What should I do, Lord?" The Lord replied, "Get up and go into Damascus. There you'll be told all you've been appointed to do." “Ndakabvunza ndikati, ‘Munoda kuti ndiiteiko Ishe?’ “Ishe akati, ‘Simuka, upinde muDhamasiko. Imomo ndimo mauchandoudzwa zvose zvawakatarirwa kuti uite.’
11 "Since that light's brightness blinded me, my companions led me by the hand into Damascus." Shamwari dzangu dzakandisesedza pakupinda kwangu muDhamasiko, nokuti kuvaima kwechiedza kwakanga kwandipofumadza.
12 "A man named Ananias, devout by the law, well spoken of by all the Jews living there, “Murume ainzi Ananiasi akauya kuzondiona. Akanga akazvipira pakunamata Mwari nokucherechedza murayiro uye aikudzwa zvikuru navaJudha vose vaigaramo.
13 came and stood by me and said, 'Brother Saul, receive your sight.' At that very hour I looked up and saw him." Akamira neni akati, ‘Hama Pauro, chiona!’ uye nenguva yakare iyoyo ndakakwanisa kumuona.
14 "He said, 'The God of our fathers appointed you to know his will, to see the Righteous One, and to hear a voice from his mouth; “Ipapo akati, ‘Mwari wamadzibaba edu akusarudza iwe kuti uzive kuda kwake uone Iye Akarurama uye unzwe mashoko anobva mumuromo make.
15 for you will be his witness to everyone of what you have seen and heard. Uchava chapupu chake kuvanhu vose, chezvawakaona nezvawakanzwa.
16 And now, why wait? Get up, be baptized, wash away your sins, calling on his name." Saka zvino wakamirireiko? Simuka ubhabhatidzwe usukwe zvivi zvako, udane kuzita rake.’
17 "When I had returned to Jerusalem and was praying in the temple, I fell into a trance," “Pandakadzokera kuJerusarema, uye ndichinyengetera ndiri mutemberi, ndakabatwa nomweya
18 and saw him saying to me, "Hurry and leave Jerusalem quickly, because they won't accept your testimony about me." ndikaona Ishe achitaura kwandiri achiti, ‘Kurumidza kubva muJerusarema izvozvi, nokuti vanhu havangagamuchiri uchapupu hwako.’
19 I said, "Lord, they themselves know that I went from synagogue to synagogue imprisoning and beating those who believed in you. “Ndakapindura ndikati, ‘Ishe, vanhu ava vanoziva kuti ndakanga ndichienda musinagoge rimwe nerimwe kuti ndinosunga uye ndirove vaya vaitenda kwamuri.
20 When the blood of your witness Stephen was being shed, I stood by, approving and guarding the cloaks of those killing him.'" Uye pavakateura ropa raSitefani chapupu chenyu, ndakanga ndimirepo ndichitenderana nazvo uye ndakachengeta nhumbi dzaivo vaimuuraya.’
21 "And he said to me, 'Go, for I will send you far away to the Gentiles.'" “Ipapo Ishe akati kwandiri, ‘Enda, nokuti ndichakutuma kure kune veDzimwe Ndudzi.’ ”
22 Up to that point they listened, then they raised their voices and shouted, "Erase such a man from the earth! He shouldn't be allowed to live!" Vanhu vakamuteerera kusvikira ataura izvi. Ipapo vakadanidzira vachiti, “Mubvisei panyika! Haafaniri kurarama!”
23 And as they were shouting and throwing off their cloaks and flinging dust into the air, Pavakanga vachiita mheremhere vachikanda nguo dzavo pasi, uye vachikushira ivhu mudenga,
24 the commander ordered him taken into the barracks and whipped, to learn why they were shouting against him like this. mukuru wavarwi akarayira kuti Pauro aendeswe kudzimba dzavarwi. Akarayira kuti arohwe uye abvunzwe kuitira kuti vazive kuti nemhaka yei vanhu vakanga vachimupopotera kudai.
25 As they stretched him out for the straps, Paul said to the centurion standing there, "Is it legal for you to whip a Roman citizen who hasn't been condemned?" Pavakamusunga kuti vamurove, Pauro akati kumukuru wezana akanga amirepo, “Munotenderwa here nomutemo kuti murove muRoma, asina kana kutombowanikwa ane mhosva?”
26 Hearing this, the centurion went to the commander and reported it: "What are you about to do? This man is a Roman citizen." Mukuru wezana akati anzwa izvi, akaenda kumukuru wavarwi akandomuzivisa izvozvo, akati, “Muchaita seiko zvino? Munhu uyu muRoma.”
27 So the commander came and asked, "Tell me, are you a Roman citizen?" "Yes," he said. Mukuru wavarwi akaenda kuna Pauro akati, “Nditaurire, uri muRoma here iwe?” Akapindura akati, “Hongu, ndiri muRoma.”
28 The commander said, "I paid a large sum for this citizenship." But Paul said, "I was born a citizen." Mukuru wehondo akati, “Ini ndakaita zvokutenga nomutengo mukuru kuti ndive muRoma.” Pauro akati, “Ini ndakaberekwa ndiri muRoma.”
29 So those about to question him withdrew at once; the commander was afraid, realizing he had bound a Roman citizen. Vaya vakanga voda kumubvunza vakabva varega pakarepo. Mukuru wamauto pachake akatya paakaona kuti akanga asunga Pauro, muRoma, nengetani.
30 The next day, wanting to know exactly why the Jews accused him, the commander freed Paul, ordered the chief priests and the whole council to assemble, brought Paul down, and set him before them. Zuva rakatevera, sezvo mukuru wavarwi aida kuziva chaizvoizvo kuti sei Pauro akanga achipomerwa mhosva navaJudha, akamusunungura akarayira kuti vaprista vakuru neDare Guru ravaJudha vaungane. Ipapo akatora Pauro akamumisa pamberi pavo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]