Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Romans 9 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 I speak truth in Christ, not lying—my conscience testifies with me in the Holy Spirit, Ndinotaura chokwadi muna Kristu, handirevi nhema, hana yangu inondipupurira muMweya Mutsvene
2 that I have great sorrow and unceasing anguish in my heart. ndino kusuwa kukuru kwazvo neshungu dzisingaperi mumwoyo mangu.
3 I could wish myself cursed, cut off from Christ, for my brothers and sisters, my own people by blood. Nokuti ndinoshuva kuti dai ini pachangu ndaiva munhu akatukwa uye ndakaparadzaniswa naKristu nokuda kwehama dzangu, ivo vorudzi rwangu,
4 They are Israelites: theirs the full rights as sons, the glory, the covenants, the lawgiving, the worship, the promises. ivo vanhu veIsraeri. Kuva vana ndokwavo; nokubwinya ndokwavo, nesungano, nokupiwa kwomurayiro, nokunamata Mwari mutemberi uye zvipikirwa ndezvavo.
5 The ancestors are theirs; from them, by human descent, comes the Christ, who is God over all, blessed forever. Amen. Madzibaba ndeavo, uye naKristu akabva kwavari panyama, ari Mwari pamusoro pazvose, anokudzwa nokusingaperi! Ameni.
6 This doesn't mean our Father's word has failed, for not all descended from Israel are Israel. Hazvirevi kuti shoko raMwari rakakundikana. Nokuti havasi vose vari zvizvarwa zvaIsraeri vanova vaIsraeri.
7 Not all Abraham's offspring are his children; rather, "Your offspring will be named through Isaac." Uye nokuti zvavari vorudzi rwake, vose vana vaAbhurahama. Asi zvinonzi, “Kuna Isaka ndiko kuchatumidzwa rudzi rwako.”
8 That is, the children of the flesh are not children of our Father, but children of the promise count as offspring. Namamwe mashoko, havasi vana panyama vanova vana vaMwari, asi vana vechipikirwa ndivo vanonzi vana vaAbhurahama.
9 For the promise says: "At this time next year I will come, and Sarah will have a son." Nokuti aya ndiwo mashoko echipikirwa: “Panguva yakatarwa ndichauya, uye Sara achava nomwanakomana.”
10 Not only that, but Rebekah too conceived by one man, our father Isaac, Kwete izvozvo zvoga, asi kuti naRabhekawo akava navana vomunhu mumwe uye baba vamwe, baba vedu Isaka.
11 though not yet born, having done nothing good or bad—so our Father's purpose by election might stand, Asi mapatya asati azvarwa, vasati vaita chakanaka kana chakaipa, kuitira kuti kuda kwaMwari pakusarudza kwake kusimbiswe,
12 not from works, but from him who calls, she was told: "the older will serve the younger." kwete nokuda kwamabasa asi nokuda kwake iye anodana, akaudzwa kuti, “Mukuru achava muranda womuduku.”
13 As it is written, "Jacob I loved, but Esau I hated." Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.”
14 What should we say then? Is there injustice with our Father? By no means! Zvino tichatiiko? Mwari haaruramisiri here? Kwete napaduku!
15 For he tells Moses, "I will have mercy on whom I have mercy, and I will have compassion on whom I have compassion." Nokuti anoti kuna Mozisi: “Ndichanzwira ngoni wandichanzwira ngoni, uye ndichaitira tsitsi wandichaitira tsitsi.”
16 So then it depends not on human will or exertion, but on our Father, who has mercy. Naizvozvo, hazvibvi pashungu kana pamabasa omunhu, asi patsitsi dzaMwari.
17 For the Scripture says to Pharaoh: "I raised you up for this very reason, to show my power in you, and to have my name proclaimed in all the earth." Nokuti Rugwaro runoti kuna Faro, “Ndakakumutsira chikonzero ichochi, kuti ndiratidze simba rangu mauri uye kuti zita rangu rigoparidzwa panyika yose.”
18 So then he has mercy on whomever he wills, and he hardens whomever he wills. Naizvozvo Mwari anonzwira ngoni waanoda kunzwira ngoni, uye anoomesa mwoyo wouyo waanoda kuomesa.
19 So you'll ask me, "Why does he still find fault? Who resists his will?" Mumwe wenyu angati kwandiri, “Zvino sei Mwari achiramba achitipa mhosva? Nokuti ndianiko acharamba kuda kwake?”
20 But who are you, mere human, to argue with our Father? Does the molded say to its molder, "Why did you make me like this?" Zvino iwe munhu, ndiwe aniko, kuti upindure Mwari? “Chakaumbwa chingati kune akachiumba, ‘Wakandiitirei zvakadai?’ ”
21 Does the potter not have authority over the clay, making from one lump a vessel for honor, another for dishonor? Muumbi wehari haana simba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe chetero aite mimwe midziyo inokudzwa nemimwe midziyo isingakudzwi?
22 What if our Father, wanting to show his wrath and make known his power, patiently endured vessels of wrath prepared for destruction, Ko, kana Mwari akasarudza kuratidza kutsamwa kwake, uye kuti azivise simba rake, akaita nomwoyo murefu zvikuru pamusoro pemidziyo yokutsamwira kwake, yakagadzirirwa kuparadzwa?
23 to reveal his glory's riches for vessels of mercy he prepared beforehand for glory, Kana akaita izvi kuti azivise kupfuma kwokubwinya kwake kumidziyo yengoni, avo vaakagadzirira kare kubwinya,
24 even us whom he has called, not from the Jews only but also from the Gentiles? kunyange isu, vaya vaakadana, kwete kubva kuvaJudha chete asi nokubva kune veDzimwe Ndudziwo?
25 As he says in Hosea, "I will call those not my children, my children, and her not beloved, beloved." Sezvaanotaura mubhuku raHosea achiti: “Ndichavati ‘vanhu vangu’ vaya vakanga vasiri vanhu vangu; uye ndichamuti, ‘mudikanwi wangu’ iye akanga asiri mudikanwi wangu,”
26 "And in the very place where it was said to them, 'You are not my people,' there they will be called 'children of the living Father.'" uye, Zvichaitika kuti paya painzi kwavari, “Hamusi vanhu vangu; vachanzi ‘vanakomana vaMwari mupenyu.’ ”
27 Isaiah cries out about Israel: "Though Israel's children number like sand of the sea, only a remnant will be saved, Uye Isaya anodanidzira pamusoro peIsraeri, achiti: “Kunyange kuwanda kwavaIsraeri kwakaita sejecha regungwa, vakasara chete ndivo vachaponeswa.
28 for our Father will carry out his sentence upon the earth, fully and without delay." Nokuti Ishe achaisa mutongo wake panyika nokukurumidza uye achaupedzisa.”
29 And as Isaiah predicted: "Had the Father of heaven's armies not left us offspring, we'd have become like Sodom, made like Gomorrah." Zvakaita sezvakarehwa kare naIsaya achiti: “Dai asiri Jehovha Wamasimba Ose akatisiyira zvizvarwa, tingadai takaita seSodhomu tingadai takaita seGomora.”
30 What then should we say? Gentiles not pursuing righteousness attained righteousness, righteousness by faith; Zvino tichatiiko? Tichati veDzimwe Ndudzi vasina kutsvaka kururama, ndivo vakakuwana, iko kururama kwokutenda;
31 but that Israel, who pursued a law of righteousness, did not reach that law. asi vaIsraeri vakatevera murayiro wokurarama, havana kukuwana.
32 Why? Because they pursued it not through faith but as though through works. They stumbled on the stumbling stone, Seiko zvakadaro? Nokuti havana kuutevera nokutenda asi sokunge namabasa avo. Vakagumburwa neibwe “rinogumbusa.”
33 as it is written, "See, I am placing in Zion a stumbling stone, a rock that offends; whoever trusts him won't be put to shame." Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Tarira, ndinoisa paZioni ibwe rinogumbusa kuvanhu, nedombo rinovapinganidza kuti vawe, uye uyo anotenda kwaari haazonyadziswi.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]