Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Romans 10 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Brothers and sisters, my heart's desire and prayer to our Father for Israel is for their salvation. Hama, kuda kwomwoyo wangu nokunyengetera kwangu kuna Mwari pamusoro pavaIsraeri ndekwokuti vaponeswe.
2 I testify about them: they have zeal for our Father, but not according to knowledge. Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi kushingairira kwavo havakuiti nokuziva.
3 Ignorant of our Father's righteousness, seeking to establish their own, they did not submit to our Father's righteousness. Nokuti, sezvo vakanga vasingazivi kururama kunobva kuna Mwari uye vakatsvaka kumisa kururama kwavo pachavo, havana kuzviisa pasi pokururama kwaMwari.
4 For Christ is the law's goal, so all who believe receive righteousness. Nokuti Kristu ndiye mugumo womurayiro, kuitira kuti mumwe nomumwe anotenda aruramiswe.
5 For Moses writes about the righteousness that is based on the law: "The one who does these things will live by them." Mozisi anonyora pamusoro pokururama kwomurayiro, achiti, “Munhu anoita zvinhu izvi achararamiswa nazvo.”
6 But faith-based righteousness says: "Don't say in your heart, 'Who will go up to heaven?'" (that is, to bring Christ down). Asi kururama kunobva pakutenda kunoreva kudai, “Usati mumwoyo mako, ‘Ndianiko achakwira kudenga’ (ndiko kuburutsa Kristu)
7 "or 'Who will descend into the abyss?'" (that is, to bring Christ up from the dead). kana, kuti, ‘Ndianiko achaburukira kwakadzika?’ (ndiko, kubudisa Kristu kubva kuvakafa).”
8 But what does it say? "The word is near you, in your mouth and in your heart"—meaning the word of faith we proclaim: Asi iwo unoti chiiko? “Shoko riri pedyo newe, mumuromo mako uye nomumwoyo mako,” ndiro shoko rokutenda ratinoparidza:
9 If you confess with your mouth Jesus is Lord and believe in your heart that our Father raised him from the dead, you will be saved. Kuti kana ukapupura nomuromo wako kuti, “Jesu ndiye Ishe” uye ukatenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa.
10 For with the heart you believe and are made right with our Father, with the mouth you confess and are saved. Nokuti unotenda nomwoyo wako ugoruramisirwa, uye unopupura nomuromo wako ugoponeswa.
11 For the Scripture says, "Everyone who believes in him will not be put to shame." Sezvinorehwa noRugwaro ruchiti: “Ani naani anotenda kwaari haanganyadziswi.”
12 No difference between Jew and Greek: the same Lord is Lord of all, generous to all who call on him. Nokuti hapana musiyano pakati pomuJudha noweDzimwe Ndudzi, nokuti Ishe mumwe ndiye Ishe wavose uye anovaropafadza kwazvo vose vanodana kwaari,
13 For "everyone who calls on the name of our Lord Jesus will be saved." nokuti “Ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa.”
14 So how can they call on one they haven't believed in? How can they believe in one they haven't heard of? How can they hear without someone preaching? Zvino, vachagodana seiko kuna iye wavasina kutenda kwaari? Uye vangatenda sei kuna iye wavasina kumbonzwa? Vanganzwa seiko kana kusina anovaparidzira?
15 How can they proclaim him unless they're sent? As written: "How beautiful are the feet of those bringing good news!" Uye vangaparidza seiko kana vasina kutumwa? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko akanaka!”
16 But not all obeyed the good news, for Isaiah says, "Our Father, who believed our message?" Asi havasi vaIsraeri vose vakagamuchira mashoko akanaka. Nokuti Isaya anoti, “Ishe, ndianiko akatenda zvatakaparidza?”
17 So faith comes from hearing, and hearing through the word about Christ. Naizvozvo, kutenda kunouya nokunzwa, uye kunzwa neshoko raKristu.
18 But I ask: did they not hear? Yes, they did: "Their sound went out to all the earth, their words to the ends of the world." Asi ndinobvunza kuti: Havana kunzwa here? Zvirokwazvo vakanzwa, nokuti: “Inzwi ravo rakasvika kunyika yose, namashoko avo kumigumo yenyika.”
19 But I ask, did Israel not know? First Moses says: "I will make you jealous by those not a nation, angry by a nation without understanding." Ndinobvunzazve kuti: Israeri haina kunzwa here? Pakutanga Mozisi anoti, “Ndichamutsa godo renyu norudzi rusati rwuri rudzi; ndichamutsa kutsamwa kwenyu norudzi rusinganzwisisi.”
20 Isaiah is bold enough to say, "I was found by those not seeking me; I appeared to those not asking for me." Uye Isaya, asingatyi anoti, “Ndakawanikwa navasina kunditsvaka; ndakazviratidza kuna vaya vasina kunditsvaka.”
21 But about Israel he says, "All day long I stretched out my hands to a disobedient, defiant people." Asi pamusoro peIsraeri anoti, “Zuva rose ndakatambanudza maoko angu kuvanhu vasingateereri, uye vanokakavara.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]