Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Romans 11 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 So I ask: has our Father rejected his people? Never—I too am an Israelite, from Abraham's line, tribe of Benjamin. Zvino ndinobvunza ndichiti: Mwari akarasa vanhu vake here? Kwete napaduku pose! Nokuti ini pachangu ndiri muIsraeri, chizvarwa chaAbhurahama, ndiri worudzi rwaBhenjamini.
2 Our Father didn't reject his people, whom he foreknew. Or don't you know what Scripture says of Elijah, how he pleads with our Father against Israel? Mwari haana kurasa vanhu vake, avo vaakaziva pakutanga. Hamuzivi here zvinorehwa noRugwaro pandima inotaura nezvaEria, kuti akakumbira sei kuna Mwari pamusoro peIsraeri achiti,
3 "Father, they killed your prophets, tore down your altars; I alone remain, and they seek my life." “Ishe vakauraya vaprofita venyu uye vakaputsa aritari dzenyu; ndini ndoga ndasara, uye vari kuedza kundiuraya”?
4 God's reply: "I've kept 7,000 men for myself who haven't bowed the knee to Baal." Uye Mwari akamupindura achiti kudiniko? “Ndakazvichengetera varume zviuru zvinomwe vasina kupfugamira Bhaari.”
5 So too at the present time there is a remnant, chosen by grace. Saizvozvowo, panguva ino varipo vakasara, vakasanangurwa nenyasha.
6 But if by grace, no longer by works; otherwise grace would no longer be grace. Uye kana zvava zvenyasha, saka hazvichisiri zvamabasa; kana dai zvaiva zvakadaro, nyasha hadzaizova nyasha.
7 What then? Israel didn't get what it sought; the chosen did, but the rest were hardened. Zvino tichatiiko? Zvakatsvakwa navaIsraeri nokushingaira havana kuzviwana, asi vasanangurwa ndivo vakazviwana. Vamwe vakaomeswa mwoyo,
8 As it is written: "Our Father gave them a dulled spirit, eyes that can't see and ears that can't hear, to this day." sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Mwari akavapa mweya wehope, meso kuti vasaona, nzeve kuitira kuti vasanzwa, kusvikira nanhasi uno.”
9 And David says, "Let their table become a snare, a trap, a stumbling block, and payback for them. Uye Dhavhidhi anoti: “Tafura yavo ngaive musungo neriva, nechigumbuso uye nechinotsiva kwavari.
10 Let their eyes be darkened so that they cannot see, and bend their backs forever." Meso avo ngaasvibirwe kuti vasaona; uye mukotamise misana yavo nokusingaperi.”
11 So I ask: did they stumble to fall completely? By no means! Rather, their failure brought salvation to the Gentiles, to make Israel jealous. Zvakare ndinobvunza ndichiti: Ko, vakagumbuswa vakawa zvokusazomukazve here? Kwete napaduku pose! Asi kuti nokuwa kwavo ruponeso rwakauya kune veDzimwe Ndudzi kuti Israeri ive negodo.
12 If their sin enriches the world, and their failure enriches the Gentiles, how much more their full inclusion! Zvino kana kudarika kwavo kuchipfumisa nyika, uye kurasikirwa kwavo kuchireva pfuma kune veDzimwe Ndudzi, kuzara kwavo kuchauyisa pfuma yakakura zvakadii!
13 I say this to you Gentiles: since I am apostle to the Gentiles, I honor my ministry, Ndiri kutaura kwamuri imi veDzimwe Ndudzi. Sezvandiri mupostori weveDzimwe Ndudzi, ndinokudza ushumiri hwangu
14 in the hope that I may somehow make my own people jealous and save some of them. netariro yokuti zvimwe ndingamutsa godo kuvanhu vangu uye ndiponese vamwe vavo.
15 If their rejection reconciled the world, what will their acceptance bring but life from the dead? Nokuti kana kuraswa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, ko, kugamuchirwa kwavo kuchagoveiko, asi upenyu kubva kurufu?
16 If the firstfruit is holy, so is the batch; if the root is holy, so are the branches. Zvino kana chikamu chechikanyiwa chakapiwa sechibereko chokutanga chiri chitsvene, saka chikanyiwa chose chitsvene; kana mudzi uri mutsvene namatavi acho akadarowo.
17 If some branches were broken off, and you, a wild olive shoot, were grafted in among them, sharing the olive tree's rich root, Kana mamwe matavi akavhuniwa, uye imi, kunyange muri muorivhi wokudondo, wakabatanidzwa pakati pamamwe, zvino mava nomugove pamwe chete nawo kubva pamudzi womuorivhi,
18 don't boast over the branches. If you do, you don't support the root—the root supports you. musazvikudza pamusoro pamatavi ayo. Kana muchizvikudza murangarire izvi: Hamuzimi makatakura mudzi, asi kuti mudzi ndiwo wakakutakurai.
19 Then you will say, "Branches were broken off so that I might be grafted in." Zvino iwe uchati, “Matavi akavhuniwa kuti ini ndibatanidzwe.”
20 True. They were broken off for lack of faith; you stand by faith. Don't be proud—fear instead. Ndizvozvo. Asi akavhuniwa nokuda kwokusatenda, uye iwe unomira nokutenda kwako. Usazvikudza, asi uve nokutya.
21 For if our Father did not spare the natural branches, neither will he spare you. Nokuti kana Mwari asina kurega matavi okutanga, haangakuregi newewo.
22 So see our Father's kindness and severity: severity to the fallen, kindness to you—if you continue in it; otherwise you too will be cut off. Naizvozvo nyatsofunga pamusoro pounyoro nokukasharara kwaMwari; kukasharara kuna vakawa, asi unyoro kwauri, kana ukaramba uchifamba muunyoro hwake. Kana zvikasadaro newewo uchatemwa.
23 And if they don't remain in lack of faith, they too will be grafted in—our Father can graft them in again. Uye kana vakasarambirira pakusatenda, vachabatanidzwa, nokuti Mwari anogona kuvabatanidza zvakare.
24 If you were cut from an olive wild by nature and grafted, against nature, into a cultivated one, how much more will natural branches be grafted back into their own olive tree? Nokuti, kana iwe wakatemwa kubva pamuorivhi womumunda pakusikwa kwawo, uye ukabatanidzwa pamuorivhi womumunda zvichipesana namasikirwo azvo, ko, kuzoti ayo agara ari epo achazofara sei kuti abatanidzwezve mumuti wawo womuorivhi?
25 Brothers and sisters, I don't want you unaware of this mystery, so you aren't wise in your own eyes: Israel is partly hardened, until the full number of Gentiles comes in. Hama dzangu, handidi kuti musaziva, chakavanzika ichi, kuti murege kuva namanyawi: vaIsraeri vakaomeswa mwoyo kusvikira veDzimwe Ndudzi vakakwana vapinda.
26 So all Israel will be saved, as it is written: "The rescuer will come from Zion and remove evil from Jacob, Naizvozvo Israeri yose ichaponeswa, sezvazvakanyorwa zvichinzi: “PaZioni pachabuda musununguri; achabvisa kusada Mwari kuna Jakobho.
27 and this will be my covenant with them, when I take away their sins." Uye iyi ndiyo sungano yangu navo kana ndabvisa zvivi zvavo.”
28 In the gospel, they are enemies for your sake; in election, beloved because of the fathers. Kana zviri zvevhangeri, ivo vavengi nokuda kwenyu; asi kana kuri kusanangurwa, vadikanwi nokuda kwamadzibaba,
29 For the gifts and the calling of our Father are irrevocable. nokuti zvipo zvaMwari nokudana kwake hazvishandurwi.
30 For just as you once disobeyed our Father, but now have received mercy through their disobedience, Nokuti sezvo imi makanga musingateereri Mwari pane imwe nguva magamuchira ngoni zvino nokuda kwokusateerera kwavo,
31 so they too now disobeyed, so that by the mercy shown you, they too may now receive mercy. saizvozvo naivowo zvino havachateereri kuitira kuti vagamuchire ngoni nokuda kwengoni dzaMwari kwamuri.
32 For our Father has bound everyone over to disobedience, that he may have mercy on all. Nokuti Mwari akapfigira vanhu vose pakusateerera kwavo, kuti avanzwire ngoni vose.
33 Oh, the depth of the riches and the wisdom and the knowledge of our Father! How unsearchable are his judgments and how untraceable his ways! Haiwa, udzamu hwokupfuma kwouchenjeri noruzivo rwaMwari! Kutonga kwake hakunganzverwi, uye makwara ake haangarondwi!
34 "For who has known the mind of our Father, or who has been his counselor? “Ndianiko akaziva pfungwa dzaShe? Kana akava mupi wake wamazano?”
35 Or who has given a gift to him that he might be repaid?" “Ndianiko akambopa kuna Mwari kuti Mwari angamuripirazve?”
36 For from him and through him and to him are all things. To him be the glory forever. Amen. Nokuti zvose zvinobva kwaari uye zviripo kubudikidza naye uye zvose ndezvake. Ngaave nokubwinya nokusingaperi! Ameni.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]