Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Romans 12 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 So brothers and sisters, by our Father's mercies I urge you: offer your bodies as a living sacrifice, holy and pleasing to him—your true, reasonable worship. Naizvozvo, ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene uye chinofadza Mwari, uku ndiko kunamata kwenyu kwomweya.
2 Don't be shaped by this age, but be transformed by renewing your mind, so you can discern our Father's will—good, pleasing, and perfect. Musaramba muchizvienzanisa namaitiro enyika ino, asi mushandurwe nokuvandudzwa kwepfungwa dzenyu. Ipapo muchakwanisa kuti muedze uye mugoziva kuti kuda kwaMwari ndokupi, kuda kwake kwakanaka, kunomufadza uye kwakakwana.
3 By the grace given me, I tell each of you: don't think of yourself more highly than you should, but think with sound judgment, each according to the measure of faith our Father assigned. Nokuti nenyasha dzandakapiwa ndinoti kuno mumwe nomumwe wenyu: Usazviisa pamusoro kupfuura paunofanira kunge uri, asi ufunge nokufunga kwakachenjera, maererano nechiyero chokutenda chawakapiwa naMwari.
4 Just as one body has many parts, and the parts do not all have the same function, Nokuti sezvatino muviri mumwe une mitezo mizhinji, uye mitezo iyi yose haina basa rimwe chete,
5 so we, though many, are one body in Christ, and each of us belongs to the others. saizvozvowo muna Kristu isu tiri vazhinji, tinoumba muviri mumwe chete, uye mutezo mumwe nomumwe mutezo wavamwe.
6 Our gifts differ according to the grace given us: if prophecy, use it in proportion to our faith; Tine zvipo zvakasiyana-siyana, maererano nepatakapiwa napo nyasha. Kana chipo chomunhu kuri kuprofita, ngaachishandise maererano nokutenda kwake.
7 if service, in our serving; the one who teaches, in his teaching; Kana kuri kushumira ngaashumire; kana kuri kudzidzisa, ngaadzidzise;
8 the encourager, in encouragement; the giver, with generosity; the leader, with diligence; the merciful, with cheerfulness. kana kuri kukurudzira, ngaakurudzire; kana kuri kupa kuna vanoshayiwa, ngaape nomwoyo wose; kana kuri kutungamirira, ngaabate nokushingaira; kana kuri kunzwira ngoni, ngaaite nomufaro.
9 Let love be genuine. Hate what is evil; hold fast to what is good. Rudo ngaruve rwechokwadi. Vengai zvakaipa; namatirai pane zvakanaka.
10 Love one another with brotherly affection. Outdo one another in showing honor. Ivai norudo rukuru mumwe kuno mumwe savadikani. Mumwe nomumwe wenyu ngaakudze mumwe kupfuura kuzvikudza kwaanozviita iye.
11 Do not be lacking in zeal, but be fervent in spirit, serving the Lord. Musatomborega kushingaira, asi pisai pamweya, muchishumira Ishe.
12 Rejoice in hope, be patient in affliction, be devoted to prayer. Farai mutariro, tsungirirai pakutambudzika, rambai muchinyengetera.
13 Share with our Father's people in their needs; pursue hospitality. Goveranai navanhu vaMwari vanoshayiwa. Itirai vaeni rudo.
14 Bless those who persecute you; bless, and do not curse. Ropafadzai vanokutambudzai; ropafadzai musatuka.
15 Rejoice with those who rejoice; weep with those who weep. Farai navanofara; chemai navanochema.
16 Live in harmony with one another. Don't be arrogant, but associate with the lowly. Don't be wise in your own eyes. Garai zvakanaka mumwe nomumwe. Musazvikudza, asi muve nechido chokufambidzana navanhu vapasi pasi. Musazviita vakachenjera.
17 Repay no one evil for evil; think ahead to do what is honorable before everyone. Musatsiva munhu chakaipa nechakaipa. Chenjererai kuti muite zvakanaka pamberi pavanhu vose.
18 If possible, so far as it depends on you, live at peace with everyone. Kana zvichibvira, napamunogona napo, ivai norugare navanhu vose.
19 Beloved, don't avenge yourselves; leave room for our Father's wrath. As it's written: Vengeance is mine, I will repay, says our Father. Musatsiva, vadikani vangu, asi siyirai kutsamwa kwaMwari mukana, nokuti kwanyorwa kuchinzi, “Kutsiva ndokwangu; ini ndicharipira,” ndizvo zvinotaura Ishe.
20 Instead: "If your enemy is hungry, feed him; if thirsty, give him a drink; doing this, you'll heap burning coals on his head." Asi: “Kana muvengi wako ane nzara mupe zvokudya, kane ane nyota mupe chokunwa. Mukuita izvi, uchatutira mazimbe anopisa pamusoro wake.”
21 Do not be overcome by evil, but overcome evil with good. Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]