Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Romans 13 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Everyone must submit to ruling authorities, since no authority exists except from our Father, and those that exist are placed there by our Father. Munhu wose anofanira kuzviisa pasi pavatungamiri venyika, nokuti hakuna simba risina kubva kuna Mwari. Vane simba rokutonga vakaiswapo naMwari.
2 So whoever opposes authority opposes what our Father has established, and opposers bring judgment on themselves. Saka naizvozvo, anoramba kuteerera vari kutonga, ari kumukira zvakaiswapo naMwari, uye vanoita izvi vanozvitsvagira kutongwa.
3 Rulers aren't a threat to good actions, only bad ones. Want to not fear authority? Do good, and you'll earn its approval. Nokuti vatongi havatyisi vaya vanoita zvakanaka, asi vanotyisa vaya vanoita zvakaipa. Unoda kusunungurwa here kuti usatya ane simba rokutonga? Ipapo ita zvakanaka uye achakurumbidza.
4 He is our Father's servant, for your good. But if you do wrong, be afraid—he doesn't carry the sword for nothing. He is our Father's servant, an avenger who brings wrath on the wrongdoer. Nokuti iye muranda waMwari anofanira kuti akuitire zvakanaka. Asi kana ukaita zvakaipa, itya, nokuti iye haabati munondo pasina. Nokuti iye ndiye muranda waMwari, mutumwa wokutsamwa, anoranga vaiti vezvakaipa.
5 Therefore you must submit, not only to avoid punishment but also for the sake of conscience. Naizvozvo, zvinokosha kuzviisa pasi pavabati, kwete nokuti tinotya kurangwa chete, asi nokuda kwehanawo.
6 That's also why you pay taxes, for the authorities are our Father's ministers, devoted to this very thing. Ndokusaka muchiripawo mitero, nokuti vabati varanda vaMwari, vanopa nguva yavo yose pakutonga.
7 Pay all what's owed: tax to whom tax, tolls to whom tolls, respect to whom respect, honor to whom honor. Ripirai vose vamunofanira kuripira: Kana uri mutero, ripai mutero; kana iri miripo, ngairipwe, kana kuri kutya, kuna vanofanira kutyiwa, kana rwuri rukudzo, kuna vanofanira kukudzwa.
8 Owe no one anything except to love one another, for loving another fulfills the law. Musava nechikwereti kumunhu, kunze kwechikwereti chorudo mumwe kuno mumwe, nokuti anoda mumwe azadzisa murayiro.
9 For the commandments—"Don't commit adultery, don't murder, don't steal, don't covet"—and any other commandment, are summed up in one word: "Love your neighbor as yourself." Nokuti mirayiro inoti, “Usaita upombwe,” “Usauraya,” “Usaba”, “Usachiva,” uye kana mumwe murayiro upi noupi zvawo ungavako, zvakaunganidzwa pamutemo unoti, “Ida muvakidzani wako sezvaunozvida iwe.”
10 Love does no wrong to a neighbor; therefore love is the fulfillment of the law. Rudo haruitiri muvakidzani zvakaipa. Naizvozvo rudo runozadzisa murayiro.
11 Do this, knowing the time: the hour has already come for you to wake from sleep—salvation is nearer now than when we first believed. Uye itai izvi, muchinzwisisa nguva ino. Nguva yasvika zvino yokuti mupepuke kubva kuhope, nokuti ruponeso rwedu rwava pedyo zvino kupfuura zuva ratakatanga kutenda.
12 Night is nearly gone, day is near. So let's shed the deeds of darkness and put on the armor of light. Usiku hwava kutopfuura; kwava kutoedza. Saka ngatirasei mabasa edu erima uye tipfeke nhumbi dzokurwa dzechiedza.
13 Let us live decently, as in daylight: not in orgies and drunkenness, not in sexual sin and indecency, not in conflict and envy. Ngatiraramei zvakafanira mararamiro apamasikati, tisingaiti kutamba kwakaipa uye nokudhakwa, kana upombwe, kana utere, kana gakava kana godo.
14 Instead, dress yourselves in the Lord Jesus Christ; make no plan to satisfy the sinful nature's desires. Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, uye musatsvaka kufadza nyama pakuchiva kwayo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]