Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Romans 14 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Now accept the one who is weak in faith, but not to argue about their opinions. Mugamuchire uyo asina kusimba pakutenda kwake, musingamutongi kana kuita gakava naye pamusoro penyaya dzisingapindirani.
2 One person has faith to eat anything, while the one who is weak eats only vegetables. Kutenda kwomumwe kunomutendera kudya zvose, asi mumwe munhu ano kutenda kusina kusimba, anodya muriwo bedzi.
3 The eater must not look down on the non-eater, and the non-eater must not judge the eater, for our Father has accepted him. Munhu anodya zvose ngaarege kuzvidza asingadyi, uye munhu asingadyi zvose ngaarege kupa mhosva munhu anodya, nokuti Mwari akamugamuchira.
4 Who are you to judge another's servant? Before his own master he stands or falls; he will stand—the Lord can make him stand. Iwe ndiwe aniko unopa muranda womumwe mhosva? Iye anomira kana kuti anowa pamberi patenzi wake. Uye achamira, nokuti Ishe anokwanisa kuita kuti amire.
5 One judges a day above another; another, every day alike. Each must be fully convinced in his own mind. Mumwe munhu anokoshesa rimwe zuva kupfuura rimwe: mumwe munhu anoti mazuva ose akafanana. Mumwe nomumwe ngaazvizivire kwazvo mumwoyo make.
6 Whoever observes the day observes it for the Lord. Whoever eats, eats for the Lord, since he thanks our Father; whoever abstains, abstains for the Lord, and thanks our Father. Uyo anokoshesa zuva rimwe, anozviitira Ishe. Uyo anodya nyama, anodya nokuda kwaShe, nokuti anovonga Mwari; uye naiye anorega kudya, anorega nokuda kwaShe, uye anovonga Mwari.
7 For none of us lives for himself, and none of us dies for himself. Nokuti hakuna mumwe wedu anozviraramira pachake, uye hakuna mumwe wedu anozvifira iye pachake.
8 If we live, we live for the Lord; if we die, we die for the Lord. Living or dying, we belong to the Lord. Kana tichirarama, tinoraramira Ishe; uye kana tichifa tinofira Ishe. Saka, kana tichirarama kana kufa tiri vaShe.
9 Christ died and lived again for this: to be Lord of both the dead and the living. Nokuda kwaizvozvo, Kristu akafa uye akamuka kuti ave Ishe wavose vakafa navapenyu.
10 But you—why do you judge your brother? Or you—why do you despise your brother? We'll all stand before our Father's judgment seat. Naizvozvo, iwe, unopireiko hama yako mhosva? Kana newewo unozvidzireiko hama yako? Nokuti tose tichamira pamberi pechigaro chokutonga chaMwari.
11 For it's written: "As I live, says our Father, every knee bows to me, every tongue confesses to me." “Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “ ‘Zvirokwazo noupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaura Ishe, ‘ibvi rimwe nerimwe richapfugama pamberi pangu; rurimi rumwe norumwe ruchareurura kuna Mwari.’ ”
12 So then, each of us will give an account of himself to our Father. Saka, naizvozvo mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.
13 So stop judging each other. Instead decide never to put a stumbling block or trap before your brother. Naizvozvo ngatiregei kuramba tichipana mhosva. Asi munhu ngaarege kuisa chigumbuso kana chipinganidzo munzira yehama yake.
14 I know, persuaded in the Lord Jesus, that nothing is unclean in itself; but to one who thinks it unclean, it is unclean. Somunhu ari muna Ishe Jesu, ndinoziva kwazvo kuti hakuna chokudya chine tsvina. Asi kana mumwe munhu akati chakasvibiswa, naizvozvo hachina kuchena kwaari.
15 If food hurts your brother, you're no longer walking in love. Don't destroy someone Christ died for with your food. Kana hama yako ichikanganiswa nokuda kwezvaunodya, iwe hauchafambi murudo. Usaparadza hama yako, iyo yakafirwa naKristu, nokuda kwezvokudya.
16 So do not let what you regard as good be spoken of as evil. Usatendera kuti zvaunoti zvakanaka zvinzi zvakaipa.
17 The kingdom of our Father isn't eating and drinking, but righteousness and peace and joy in the Holy Spirit. Nokuti umambo hwaMwari hahuzi zvokudya kana zvokunwa, asi kururama norugare uye nomufaro muMweya Mutsvene,
18 Whoever serves Christ in this way is pleasing to our Father and approved by people. nokuti ani naani anoshumira Kristu nenzira iyi anofadza Mwari, uye anotendwa navanhu.
19 So then, let us pursue whatever brings peace and builds each other up. Naizvozvo ngatishingairirei kutsvaga izvo zvinouyisa rugare uye zvatingasimbisana nazvo.
20 Don't destroy our Father's work over food. All things are clean, but eating that makes someone stumble is wrong. Musaparadza basa raMwari nokuda kwezvokudya. Zvokudya zvose zvakachena, asi hazvina kunaka kuti munhu adye chinhu chipi zvacho chingagumbusa mumwe munhu.
21 Good is not eating meat, drinking wine, or anything that makes your brother stumble. Zviri nani kusadya nyama kana kusanwa waini kana kusaita chimwe chinhu chinoita kuti hama yako iwe.
22 Keep your faith to yourself before our Father. Blessed is the one who doesn't judge himself by what he approves. Saka zvose zvaunotenda pamusoro pezvinhu izvi ngazvive pakati pako naMwari. Akaropafadzwa munhu asingazvipi mhosva pazvinhu zvaanotenda.
23 Whoever doubts is condemned if he eats, since not from faith; whatever isn't from faith is sin. Asi munhu anonyunyuta ava nemhosva kana akadya nokuti kudya kwake hakusi kwokutenda; uye zvinhu zvose zvisingabvi pakutenda chivi.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]