Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Numbers 36 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 The family heads of Gilead's clan—descendants of Machir son of Manasseh, from Joseph's clans—approached and spoke before Moses and the leaders, heads of Israel's family clans. Vakuru vemhuri yeimba yaGireadhi mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, vaibva kudzimba dzezvizvarwa zvaJosefa, vakauya vakataura pamberi paMozisi navatungamiri, ivo vakuru vemhuri dzavaIsraeri.
2 They said, "Our Father commanded my lord to give the land as an inheritance by lot to Israel's people, and my lord was commanded by our Father to give our brother Zelophehad's inheritance to his daughters. Vakati, “Jehovha paakarayira ishe wangu kuti ape nyika kuvaIsraeri nomujenya ive nhaka yavo, akakurayirai kuti mupe nhaka yehama yedu Zerofehadhi kuvanasikana vake.
3 If they marry men from other Israelite tribes, their inheritance will be removed from our fathers' inheritance and added to their new tribe's, shrinking our allotted inheritance. Zvino ivo kana vakawanikwa navarume vanobva kuna mamwe marudzi aIsraeri, ipapo nhaka yavo ichabviswa panhaka yamadzitateguru edu ikawedzerwa kurudzi urwo rwavawanikwa narwo. Nokudaro chikamu chenhaka yakagoverwa kwatiri nemijenya chichabviswa.
4 When Israel's jubilee comes, their inheritance joins the inheritance of the tribe they marry into, taken from our fathers' tribe's inheritance." Gore reJubhiri ravaIsraeri parinosvika, nhaka yavo ichawedzerwa kunhaka yorudzi urwo rwavakawanikwa kwarwuri, uye pfuma yavo ichatorwa kubva kunhaka yorudzi rwamadzibaba edu.”
5 So Moses commanded the Israelites at our Father's word, saying, "The tribe of Joseph speaks rightly. Ipapo Mozisi akarayira murayiro uyu kuvaIsraeri sezvaakarayirwa naJehovha achiti, “Zvinotaurwa norudzi rwezvizvarwa zvaJosefa ndizvozvo.
6 This is what our Father commands about Zelophehad's daughters: they may marry whoever they think best, only within their father's tribal clan. Uku ndiko kurayira kwaJehovha kuvanasikana vaZerofehadhi: Vangawanikwa havo naani zvake anovafadza kana chete ari worudzi rweimba yamadzibaba avo.
7 No Israelite inheritance may pass from tribe to tribe; each Israelite must keep their ancestral tribe's inheritance. Hakuna nhaka muvaIsraeri inofanira kubva kuno rumwe rudzi ichienda kuno rumwe rudzi, nokuti muIsraeri wose anofanira kuchengeta nyika yorudzi rwake iri nhaka inobva kumadzibaba avo.
8 Every daughter who inherits in an Israelite tribe must marry within her father's tribal clan, so every Israelite keeps his ancestral inheritance. Mwanasikana mumwe nomumwe anogara nhaka yenyika murudzi rupi zvarwo rwavaIsraeri anofanira kuwanikwa nomunhu anobva muimba yorudzi rwababa vake, kuitira kuti muIsraeri wose awane nhaka yamadzibaba ake.
9 No inheritance may pass from one tribe to another; each tribe of Israel must hold to its own inheritance." Hakuna nhaka inobva kuno rumwe rudzi ichienda kuno rumwe rudzi, nokuti rudzi rwose rwavaIsraeri runofanira kuchengeta nyika yavakapiwa senhaka.”
10 Just as our Father commanded Moses, so the daughters of Zelophehad did. Saka vanasikana vaZerofehadhi vakaita sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.
11 Mahlah, Tirzah, Hoglah, Milcah, and Noah, the daughters of Zelophehad, married their cousins on their father's side. Vanasikana vaZerofehadhi, Mara, Tiza, Hogira, Mirika naNoa vakawanikwa navanakomana vababamunini vavo.
12 They married into the clans of Manasseh son of Joseph's descendants, and their inheritance stayed in their father's tribal clan. Vakawanikwa mukati medzimba dzezvizvarwa zvaManase mwanakomana waJosefa, uye nhaka yavo yakaramba iri mumba yorudzi rwababa vavo.
13 These are the commands and rulings our Father commanded through Moses to Israel's people on the plains of Moab, by the Jordan at Jericho. Iyi ndiyo mirayiro nemitemo yakapiwa kuvaIsraeri naJehovha kubudikidza naMozisi pamapani eMoabhu pedyo neJorodhani uchibva mhiri kuJeriko.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]