Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Deuteronomy 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Moses spoke these words to all Israel across the Jordan, in the wilderness, in the Arabah opposite Suph, between Paran and Tophel, Laban, Hazeroth, and Dizahab. Aya ndiwo mashoko akataurwa naMozisi kuvaIsraeri vose murenje kumabvazuva kweJorodhani, mumupata weArabha wakatarisana neSufi, pakati peParani neToferi, Rabhani, Hazeroti neDhizahabhi.
2 It is eleven days' journey from Horeb by the way of Mount Seir to Kadesh-barnea. (Zvinotora mazuva gumi nerimwe kubva paHorebhi kuenda kuKadheshi Bharinea nenzira yokuGomo reSeiri.)
3 In the fortieth year, on the eleventh month's first day, Moses told Israel all our Father had commanded him for them, Mugore ramakumi mana, nezuva rokutanga romwedzi wegumi nomumwe, Mozisi akazivisa vaIsraeri zvose izvo Jehovha akamurayira pamusoro pavo.
4 after he defeated Sihon king of the Amorites, who lived in Heshbon, and Og king of Bashan, who lived in Ashtaroth and Edrei. Izvi zvakaitika mushure mokunge akunda Sihoni mambo wavaAmori, akanga achitonga paHeshibhoni, uye paEdhirei akanga akunda Ogi mambo weBhashani, akanga achitonga muAshitaroti.
5 Beyond the Jordan, in the land of Moab, Moses began to explain this instruction, saying: Mozisi akatanga kududzira murayiro uyu, vari nechokumabvazuva kweJorodhani munzvimbo yeMoabhu, achiti:
6 Our Father spoke to us at Horeb, saying, "You have stayed long enough at this mountain. Jehovha Mwari wedu akataura kwatiri paHorebhi akati, “Magara nguva yakakwana pagomo rino.
7 Turn and travel to the Amorite hills and all their neighbors—the Arabah, hills, lowland, Negev, seacoast—the Canaanite land, Lebanon, as far as the great Euphrates River. Putsai musasa mugoenda kunyika yezvikomo yavaAmori; muende kumarudzi ose akavakidzana muArabha, mumakomo, nemuzasi mezvikomo zvokumadokero, nomuNegevhi uye kumahombekombe egungwa, nokunyika yavaKenani uye nokuRebhanoni, kusvikira kurwizi rukuru, irwo Yufuratesi.
8 Look, I have set the land before you. Go possess the land I swore to give your fathers—Abraham, Isaac, and Jacob—and their descendants after them." Tarirai, ndakupai nyika iyi. Endaimo mundotora nyika iyo Jehovha akapika kuti achaipa kumadzibaba enyu, kuna Abhurahama, naIsaka, naJakobho, uye nokuzvizvarwa zvavo zvaizovatevera.”
9 At that time I said to you, "I am not able to carry you by myself. Panguva iyoyo ndakati kwamuri, “Mava mutoro unorema kwazvo kuti ndikutakurei ndiri ndoga.
10 Your Father has multiplied you, and today you are as numerous as the stars of heaven. Jehovha Mwari wenyu akawedzera kuwanda kwenyu zvokuti nhasi mawanda senyeredzi dzokudenga.
11 May our Father multiply you 1,000 times over and bless you, as he promised you. Jehovha Mwari wamadzibaba enyu, ngaakuwedzerei rune chiuru uye ngaakuropafadzei sezvaakavimbisa!
12 How can I bear by myself the weight and burden of you and your strife? Asi ini ndingatakure seiko matambudziko enyu nemitoro yenyu uye nokupokana kwenyu ndiri ndoga?
13 Choose for your tribes wise, understanding, and experienced men, and I will appoint them as your heads." Zvisarudzirei varume vakachenjera, vanonzwisisa uye vanokudzwa kubva kurudzi rumwe norumwe rwamarudzi enyu, ndingovagadza pamusoro penyu.”
14 And you answered me, "The thing that you have spoken is good for us to do." Makandipindura muchiti, “Izvo zvamataura kuti zviitwe zvakanaka.”
15 So I took your tribal heads—wise, experienced men—and made them leaders over you: commanders of thousands, hundreds, fifties, tens, and officers for your tribes. Saka ndakatora varume vaitungamirira marudzi enyu, varume vakachenjera uye vaikudzwa, ndikavagadza kuti vave vakuru pamusoro penyu, vave vakuru vezviuru, navakuru vamazana, navakuru vamakumi mashanu, navakuru vevane gumi uye navatariri vamarudzi.
16 At that time I instructed your judges: "Hear cases between your brothers, and judge justly between a man, his brother, or the foreigner with him. Zvino panguva iyoyo ndakarayira vatongi venyu, ndikati: Inzwai kupokana kuri pakati pehama dzenyu mugovatonga zvakanaka, ingava mhaka iri pakati pavaIsraeri voga kana pakati pomumwe wavo nomutorwa.
17 Show no favoritism in judgment; hear small and great alike. Fear no one, for judgment belongs to our Father. Bring me any case too hard for you; I will hear it." Musaita rusarura pakutonga; inzwai vose muduku kana mukuru zvakaenzanirana. Musatya munhu upi zvake, nokuti kutonga ndokwaMwari. Uyisai kwandiri mhaka yakanyanya kukuomerai, ndigoinzwa.
18 And I commanded you at that time all the things that you should do. Uye panguva iyoyo ndakakurayirai zvose zvamaifanira kuita.
19 We left Horeb and went through that whole vast, frightening wilderness you saw, toward the Amorite hill country, as our Father commanded us, and came to Kadesh-barnea. Ipapo takasimuka kubva paHorebhi tikafamba takananga kunyika yamakomo yavaAmori tikapfuura nomurenje iro rose guru rinotyisa ramakaona, uye tikasvika paKadheshi Bharinea, sezvatakarayirwa naJehovha Mwari wedu.
20 I said to you: You have reached the Amorites' hill country, which our Father is giving us. Ipapo ndakati kwamuri, “Masvika munyika yamakomo yavaAmori, yatinopiwa naJehovha Mwari wedu.
21 See, your Father has put the land before you. Go up, take it, as our Father promised. Don't fear or lose heart. Tarirai, Jehovha Mwari wenyu akupai nyika iyo. Kwirai munoitora, sezvamakaudzwa naJehovha, Mwari wamadzibaba enyu. Musatya; musaora mwoyo.”
22 All of you came to me and said, "Let's send men ahead to scout the land for us and bring back word on the route to take and the cities we'll reach." Ipapo imi mose makauya kwandiri mukati, “Ngatitumei varume vanofanotungamira kuti vatisorere nyika vagodzoka kuzotiudza pamusoro penzira yatingafamba nayo uye namaguta atichandosvika kwaari.”
23 The plan seemed good to me, so I took twelve of your men, one from each tribe. Pfungwa iyoyo yakanga yakandinakira; nokudaro ndakasarudza varume vane gumi navaviri pakati penyu, murume mumwe kubva kurudzi rumwe norumwe.
24 They turned and went up into the hill country, reached the Valley of Eshcol, and explored it. Ivo vakabva vakaenda munyika yamakomo, vakasvika kumupata weEshikori vakaisora.
25 They took some of the land's fruit in their hands, brought it down to us, and reported: "The land our Father is giving us is good." Vakatora mimwe yemichero yenyika iyoyo, vakauya nayo kwatiri, vakati, “Inyika yakanaka yatiri kupiwa naJehovha Mwari wedu.”
26 Yet you would not go up, and you rebelled against the command of your Father. Asi makanga musingadi kuenda; mukamukira kurayira kwaJehovha Mwari wenyu.
27 And you grumbled in your tents and said, "Because God hates us, he brought us out of the land of Egypt to put us in the Amorites' hands, to destroy us. Makanyunyuta muri mumatende enyu, mukati, “Jehovha anotivenga; naizvozvo akatibudisa muIjipiti kuti azotiisa mumaoko avaAmori kuti vatiparadze.
28 Where are we going up? Our brothers melted our hearts, saying, 'A people bigger and taller than us; huge cities walled to the sky; and we saw Anakim's sons there too.'" Tichaendepiko? Hama dzedu dzatiita kuti tiore mwoyo. Dzinoti, ‘Vanhu vacho vanotikunda pasimba napakureba; maguta acho makuru uye ane masvingo akareba zvokusvika kudenga. Takaona kunyange navaAnaki ikoko.’ ”
29 Then I said to you, "Do not be terrified or afraid of them. Ipapo ini ndakati kwamuri, “Musavhunduka; musavatya.
30 Your Father, going before you, will himself fight for you, as he did for you in Egypt, before your eyes, Jehovha Mwari wenyu, iye anokutungamirirai, achakurwirai, sezvaakakuitirai muIjipiti, pamberi penyu chaipo,
31 and in the wilderness, where you saw your Father carry you, as a father carries his son, all the way you traveled until you reached this place." uye nomurenje. Imomo makaona kuti Jehovha Mwari wenyu akakutakurai sei, sezvinoita baba kana vachitakura mwanakomana wavo, nzira dzose dzamakafamba nadzo kudzamara muchisvika panzvimbo ino.”
32 Yet in spite of this word you did not believe your Father, Kunyange zvakadaro, hamuna kuvimba naJehovha Mwari wenyu,
33 going ahead of you on the road to scout your campsite—fire by night, cloud by day—showing you the way to go. iye akakutungamirirai parwendo rwenyu, mumoto usiku nomugore pamasikati kuti akutsvagirei nzvimbo dzokudzika matende enyu uye kuti akuratidzei nzira yamunofanira kufamba nayo.
34 And our Father heard what you said, and he was angry, and he swore, Jehovha paakanzwa zvamakataura, akatsamwa akapika, achiti,
35 "None of these men, this evil generation, will see the good land I swore to give your fathers, “Hakungavi nomunhu mumwe wechizvarwa ichi achaona nyika yakanaka yandakapika ndichiti ndichaipa kumadzibaba enyu,
36 except Caleb son of Jephunneh. He will see it, and I will give him the land he walked on, and his children, because he fully followed our Father.' kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune achaiona, uye ndichamupa iye nezvizvarwa zvake nyika yaakatsika netsoka dzake nokuti akateerera Jehovha nomwoyo wose.”
37 "our Father was angry with me too because of you, saying, 'You also will not enter there.' Nokuda kwenyu Jehovha akanditsamwira neniwo, akati, “Newewo hauchazoipindi.
38 Joshua son of Nun, who stands before you, will enter there. Strengthen him; he will give Israel its inheritance. Asi mutevedzeri wako, Joshua, mwanakomana waNuni, ndiye achapindamo.
39 Your little ones, who you said would be plunder, and your children, who today don't know good from evil—they will enter it. I will give it to them; they will possess it. Asi vaduku venyu avo vamakati vachatapwa, vana venyu vasati vaziva zvakanaka kubva pane zvakaipa ndivo vachapinda munyika iyi. Ndichaipa kwavari uye vachaitora.
40 But you—turn and set out into the wilderness by the road to the Red Sea." Asi kana murimi, dzokai mufambe makananga kurenje nenzira yokuGungwa Dzvuku.”
41 Then you answered me, "We sinned against our Father. We will go up and fight, as our Father commanded us." Each of you strapped on his weapons, thinking it easy to go up into the hill country. Ipapo imi makapindura mukati, “Takatadzira Jehovha. Tichaenda tigondorwa, sezvatakarayirwa naJehovha Mwari wedu.” Nokudaro makashonga mumwe nomumwe nhumbi dzokurwa, muchifunga kuti zvaiva nyore kukwidza kunyika yamakomo.
42 Our Father said to me, "Tell them: 'Don't go up or fight, for I'm not among you, or you'll be struck down before your enemies.'" Asi Jehovha akataura kwandiri, akati, “Vaudze kuti, ‘Musakwidza kundorwa, nokuti handiendi nemi. Muchakundwa navavengi venyu.’ ”
43 I spoke to you, but you didn't listen. You rebelled against our Father's command, acted arrogantly, and went up into the hill country. Naizvozvo ndakakutaurirai, asi imi hamuna kuda kuteerera. Makamukira murayiro waJehovha uye mukuzvikudza kwenyu makafamba mukapinda munyika yamakomo.
44 The Amorites living in that hill country came out against you, chased you like bees, and crushed you in Seir as far as Hormah. VaAmori vakanga vagere mumakomo iwayo vakauya kuzokurwisai; vakakudzinganisai sezvinoita nyuchi uye vakakurovai kubva paSeiri kusvikira paHoma.
45 You returned and wept before our Father, but our Father didn't hear your voice or listen to you. Makadzoka mukachema pamberi paJehovha, asi iye haana kuteerera kuchema kwenyu uye haana kurerekera nzeve yake kwamuri.
46 So you stayed at Kadesh many days, the many days that you remained there. Naizvozvo makagara paKadheshi mazuva mazhinji, nguva yose yamakagarapo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]