Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Deuteronomy 2 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Then we turned and traveled toward the wilderness by way of the Red Sea, as our Father told me, and circled Mount Seir for many days. Zvino takadzoka tikafamba takananga kurenje nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku, sezvandakanga ndarayirwa naJehovha. Kwenguva yakareba takafamba nenzira yaipoterera nenyika yamakomo yeSeiri.
2 Then our Father said to me, Ipapo Jehovha akati kwandiri,
3 "You have gone around this hill country long enough. Turn northward. “Mafamba nenzira yokupoterera nyika iyi yamakomo kwenguva yakakwana, zvino chidzokai muende nechokumusoro.
4 Command the people: You are crossing the territory of your brothers, Esau's descendants, who live in Seir. They will fear you—be very careful. Rayira vanhu uti, ‘Mava pedyo kuti mupfuure nomunyika yehama dzenyu zvizvarwa zvaEsau, vagere paSeiri. Ivo vachakutyai, asi muchenjere kwazvo.
5 Do not provoke them; I will not give you any of their land, not even a footstep's width, since I have given Mount Seir to Esau as his possession. Musavatanga kuti murwe, handingakupei chikamu chipi zvacho chenyika yavo, kunyange pangakwana kuisa rutsoka rwenyu. Ndakapa Esau nyika yamakomo yeSeiri kuti ive yake.
6 Buy food from them for silver to eat, and also buy water from them for silver to drink. Munofanira kuvaripa nesirivha zvokudya zvamuchadya nemvura yamuchanwa.’ ”
7 "For your Father has blessed you in all the work of your hands. He has known your journey through this great wilderness. These forty years your Father has been with you; you have lacked nothing." Jehovha Mwari wenyu akakuropafadzai pamabasa ose amaoko enyu. Akakutarirai parwendo rwenyu murenje iri guru. Jehovha Mwari wenyu akava nemi, makore makumi mana aya, uye hapana chinhu chamakashayiwa.
8 So we passed by our brothers, the descendants of Esau who live in Seir, away from the Arabah road that comes up from Elath and Ezion-geber. Then we turned and went on toward the wilderness of Moab. Naizvozvo takapfuura hama dzedu zvizvarwa zvaEsau, vanogara muSeiri. Takasiya nzira inoenda kuArabha, yeArabha, inobva kuErati neEzioni Gebheri, ndokufamba nenzira yomurenje reMoabhu.
9 And our Father said to me, "Do not harass Moab or provoke them to battle, for I will not give you any of their land as a possession, since I have given Ar to Lot's descendants as a possession." Ipapo Jehovha akataura kwandiri, akati, “Musafurusa vaMoabhu kana kuvadenha, nokuti handizokupai chikamu chipi zvacho chenyika yavo. Ndakapa Ari kuzvizvarwa zvaRoti kuti ive yavo.”
10 (The Emim formerly lived there, a large and powerful people, as tall as the Anakim. (VaEmi vaisigarako vaiva vanhu vakasimba, vakawanda uye vakareba savaAnaki.
11 Like the Anakim, they too are counted as Rephaim, but the Moabites call them Emim. SavaAnaki ivowo vaionekwa savaRefaimu, asi vaMoabhu vaivadana nezita rokuti vaEmi.
12 Horites once lived in Seir, but Esau's descendants drove out and destroyed them, settling in their place—just as Israel did in the land our Father gave them.). VaHori vaimbogarawo muSeiri, asi vana vaEsau vakavadzinga kubva imomo. Vakaparadza vaHori vakanga varimo ivo vasati vavamo vakagara munzvimbo yavo, sezvakangoitawo Israeri munyika yavakapiwa naJehovha kuti ive yavo).
13 Now get moving and cross the Wadi Zered." So we crossed the Wadi Zered. Uye Jehovha akati, “Zvino chisimukai muyambuke Mupata weZeredhi.” Saka takayambuka mupata.
14 From Kadesh-barnea to crossing the Wadi Zered took thirty-eight years, until the whole generation of fighting men had died out of the camp, as our Father had sworn to them. Makore makumi matatu namasere akanga apfuura kubva panguva yatakabva paKadheshi Bharinea kusvikira patakazoyambuka Mupata weZeredhi. Panguva iyoyi chizvarwa chose chavarume vezera rokurwa chakanga chaparara kubva pamisasa, sezvakanga zvapikirwa naJehovha kwavari.
15 Indeed, the hand of our Father was against them, rooting them out from the camp until they perished. Ruoko rwaJehovha rwakaramba ruchivarwisa kusvikira rwavaparadza zvachose.
16 So when all the fighting men had finally perished and died from among the people, Zvino wokupedzisira pakati pavarume ava vokurwa akati afa,
17 our Father said to me, Jehovha akati kwandiri,
18 "Today you are to cross the boundary of Moab at Ar. “Nhasi unofanira kupfuura nomunyika yeMoabhu, paAri.
19 When you come near the Ammonites, do not attack or provoke them, for I will not give you any of their land as a possession—I gave it to Lot's descendants as their possession." Kana woswedera pedyo navaAmoni, usavafurusa kana kuvadenha kuti murwisane, nokuti handingakupei kuti mutore nyika ipi zvayo yavaAmori. Ndakaipa kuti ive yezvizvarwa zvaRoti.”
20 (That too counts as Rephaim land—Rephaim lived there before, though Ammonites call them Zamzummim, (Naiyowo yainzi inyika yevaRafaimu, vaisimbogaramo; asi vaAmoni vaivadaidza kuti vaZamuzumi.
21 a large and powerful people, tall as the Anakim. But our Father destroyed them before the Ammonites, who drove them out and settled in their place, Vaiva vanhu vakasimba, vakawanda, uye vakareba savaAnaki. Jehovha akavaparadza pamberi pavaAmoni, avo vakavadzinga ndokugara munzvimbo yavo.
22 as he did for Esau's descendants living in Seir, when he destroyed the Horites before them; they drove them out and settled in their place, remaining to this day. Jehovha akanga aitira zvimwe chetezvo kuzvizvarwa zvaEsau, vaigara muSeiri, paakaparadza vaHori pamberi pavo. Vakavadzinga ndokugara munzvimbo yavo kusvikira nhasi.
23 The Avvim lived in villages as far as Gaza; Caphtorim, who came from Caphtor, destroyed them and settled in their place.). Uye kana vari vaAvhi vakanga vagere mumisha kusvikira kuGaza, vaKafitori vaibva Kafitori vakavaparadza ndokugara munzvimbo yavo.)
24 "Set out and cross the Wadi Arnon. Look, I have given Sihon the Amorite, king of Heshbon, and his land into your hand. Begin to take possession—engage him in battle. Budai zvino muende, muyambuke mupata weArinoni. Tarirai ndakaisa muruoko rwenyu Sihoni muAmori, mambo weHeshibhoni, nenyika yake. Tangai kuitora mugorwa naye.
25 Today I will begin putting dread and fear of you on every people under heaven. They will hear the report of you, tremble, and writhe in anguish because of you." Nhasi chaiye ndichatanga kuvhundutsa nokutyisa ndudzi dzose dziri pasi pedenga nokuda kwenyu. Ivo vachanzwa guhu pamusoro penyu vagodedera nokutya kwazvo pamusoro penyu.
26 I sent messengers from the wilderness of Kedemoth to Sihon king of Heshbon with words of peace, saying, Ndakatuma nhume kubva murenje reKedhemoti kuna Sihoni mambo weHeshibhoni ndichikumbira rugare, uye ndikati,
27 "Let me pass through your land. I will stay only on the road, turning aside neither right nor left. “Titenderei kuti tipfuure nomunyika yenyu. Tichafamba nemugwagwa mukuru; hatizotsauki kurudyi kana kuruboshwe.
28 Sell me food for money to eat, give me water for money to drink—only let me pass through on foot, Mutitengesere zvokudya nemvura yokunwa nomutengo wazvo wesirivha. Chingotitenderai henyu kuti tipfuure netsoka,
29 as Esau's descendants who live in Seir and the Moabites who live in Ar did for me, until I cross the Jordan into the land our Father is giving us." sezvatakaitirwa nezvizvarwa zvaEsau vagere muSeiri, nevaMoabhu vagere muAri. Kusvikira tayambuka Jorodhani tichipinda munyika iyo yatinopiwa naJehovha Mwari wedu.”
30 But Sihon king of Heshbon refused to let us pass, for our Father hardened his spirit and stiffened his heart, to hand him over to you, as he has done this day. Asi Sihoni mambo weHeshibhoni akaramba kutitendera kuti tipfuure nomo. Nokuti Jehovha Mwari wenyu akanga aomesa mweya wake uye akanga arambidza mwoyo wake, kuti agomuisa mumaoko enyu, sezvaaita iye zvino.
31 And our Father said to me, "Look, I've begun giving you Sihon and his land. Begin now taking possession—possess his land." Jehovha akati kwandiri, “Tarira ndatanga kuisa Sihoni nenyika yake kwauri. Zvino chitanga kuikunda ugotora nyika yake.”
32 Then Sihon came out against us, he and all his people, to fight at Jahaz. Sihoni nehondo yake yose akati auya kuzorwa nesu paJahazi,
33 And our Father gave him to us, and we struck him down, his sons, and all his people. Jehovha Mwari wedu akamuisa kwatiri uye takamuparadza, iye pamwe chete navanakomana vake nehondo yake yose.
34 At that time we captured all his cities and completely destroyed every city—men, women, children—leaving no survivor. Panguva iyoyo takatora maguta ake ose tikaaparadza chose, varume navakadzi uye navana. Hapana watakasiya ari mupenyu.
35 We plundered only the livestock for ourselves, plus the spoil of the cities we captured. Asi zvipfuwo nezvatakapamba kubva mumaguta takazvitora kuti zvive zvedu.
36 From Aroer on the Wadi Arnon's edge, and from the town in the valley, to Gilead, no town was too strong for us; Our Father gave them all to us. Kubva paAroeri pamahombekombe oMupata weArinoni, nokubva kuguta rokumupata, kunyange kusvikira kuGireadhi, hakuna kumbova kana neguta rimwe chete rakatikunda. Jehovha Mwari wedu akatipa vose.
37 But you did not go near the Ammonites' land, all along the banks of the Wadi Jabbok and the hill country's towns, just as our Father commanded us. Asi maererano nokurayira kwaJehovha Mwari wedu hamuna kuswedera kunyika ipi zvayo yavaAmoni, kunyange kunyika iri kurutivi rweJabhoki kana kunyika yakapoteredza maguta ari mumakomo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]