Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Deuteronomy 3 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 We turned and took the road to Bashan, and Og king of Bashan, with all his people, came out to fight us at Edrei. Mushure maizvozvo takadzoka tikakwidza nenzira inoenda kuBhashani, uye Ogi mambo weBhashani nehondo yake yose vakauya kuzorwa nesu paEdhirei.
2 And our Father told me, "Don't fear him, for I've given him, all his people, and his land to you; do to him as you did to Sihon king of the Amorites, who lived at Heshbon." Jehovha akati kwandiri, “Usatya nokuda kwake, nokuti ndakamuisa kwauri uye nenyika yake. Muitire sezvamakaita kuna Sihani mambo wavaAmoni, akanga achitonga muHeshibhoni.”
3 So our Father also gave us Og king of Bashan and all his people, and we struck them down, leaving no survivor. Naizvozvo Jehovha Mwari wedu akaisawo Ogi mambo weBhashani nehondo yake yose mumaoko edu. Takavaparadza tikasasiya kana mumwe chete mupenyu.
4 At that time we captured all his cities—all sixty, none untaken—the whole region of Argob, Og's kingdom in Bashan. Panguva iyoyo takatora maguta ake ose. Hapana kana guta rimwe chete ratisina kuvatorera pamaguta makumi matanhatu, nyika yose yeArigobhu, noushe hwaOgi muBhashani.
5 All these were cities fortified with high walls and barred gates, besides a great many unwalled villages. Maguta ose iwaya akanga akapoteredzwa namasvingo marefu namasuo namazariro, uye kwakanga kunewo misha mizhinji kwazvo yakanga isina kukomberedzwa namasvingo.
6 We devoted them to destruction, as with Sihon king of Heshbon, devoting to destruction every city—its men, women, and children. Takaaparadza zvachose, sezvatakaitira Sihoni mambo weHeshibhoni, takaparadza guta rimwe nerimwe, varume, navakadzi uye navana.
7 But all the livestock and the plunder of the cities we took as spoil for ourselves. Asi zvipfuwo zvose nezvatakapamba kubva mumaguta avo takazvitora zvikava zvedu.
8 So at that time we took the land from these two Amorite kings across the Jordan, from the Arnon Valley to Mount Hermon. Saka nenguva iyoyo takatorera madzimambo maviri aya avaAmoni nyika yokumabvazuva kweJorodhani, kubva paMupata weArinoni kusvikira kuGomo reHerimoni.
9 (the Sidonians call Hermon Sirion, while the Amorites call it Senir), (Herimoni rinonzi Sirioni navaSidhoni; vaAmori vanoriti Seniri).
10 all plateau cities, all Gilead, all Bashan to Salecah and Edrei—Og's kingdom cities in Bashan. Takatora maguta ose enzvimbo yakakwirira neGireadhi yose, uye neBhashani yose kusvikira paSareka neEdhirei, maguta oushe hwaOgi muBhashani.
11 (Only Og king of Bashan was left of the Rephaim's remnant. His bed was an iron bed; isn't it in Rabbah of the Ammonites? It was about thirteen and a half feet long and six feet wide.). (Ogi mambo weBhashani ndiye chete akasara pane vakasara vevaRefaiti. Mubhedha wake wakanga wakagadzirwa nesimbi uye wakanga wakareba makubhiti mapfumbamwe uye makubhiti mana paupamhi. Uchiriko muRabha ravaAmoni.)
12 This land we took then: from Aroer on the Arnon Valley's edge, plus half the Gilead hill country and its cities, I gave to the Reubenites and Gadites. Panyika yatakatora panguva iyoyo, ndakapa vaRubheni navaGadhi nyika yokumusoro kweAroeri Mupata weArimoni, kusanganisira nehafu yenyika yamakomo yeGireadhi, pamwe chete namaguta ayo.
13 I gave the rest of Gilead and all Bashan—Og's kingdom—to the half-tribe of Manasseh: the whole region of Argob. (All that part of Bashan was called the land of the Rephaim. Imwe nyika yose yeGireadhi uyewo neBhashani yose, muumambo hwaOgi ndakapa kuhafu yorudzi rwaManase. (Nyika yose yeArigobhu muBhashani yaimbozivikanwa senyika yavaRefaimu.
14 Jair son of Manasseh took the whole region of Argob to the Geshurite and Maacathite border, and named Bashan after himself, Havvoth-jair, to this day.). Jairi mwana waManase, akatora nyika yose yeArigobhu, kusvikira kumuganhu wavaGeshuri navaMaakati, akaitumidza zita rake zvokuti nanhasi Bhashani inonzi Havhoti Jairi.)
15 And to Machir I gave Gilead. Uye ndakapa Gireadhi kuna Makiri.
16 To the Reubenites and Gadites I gave from Gilead to the Arnon Valley—its middle the border—to the Jabbok River, the Ammonites' border. Asi vaRubheni navaGadhi ndakavapa nyika inobva paGireadhi zvichidzika kusvikira paMupata weArinoni (pakati pemupata uriwo muganhu) uye kubuda kusvikira kuRwizi Jabhoki, unova ndiwo muganhu wavaAmoni.
17 Also the Arabah, the Jordan its border, from Chinnereth to the Sea of the Arabah (the Dead Sea), below Pisgah's slopes, eastward. Muganhu wayo wokumavirira waiva Jorodhani muArabha, kubva Kinereti kusvika kuGungwa reArabha (Gungwa roMunyu), mujinga mamawere ePisiga.
18 At that time I ordered you: "Your Father gave you this land to possess; all your fighting men must cross armed ahead of your brothers, the Israelites. Panguva iyo ndakakurayirai, ndikati, “Jehovha Mwari wenyu akakupai nyika iyi kuti ive yenyu. Asi varume vose vakasimba vanofanira kuyambuka pamberi pehama dzenyu vaIsraeri, vakashonga nhumbi dzokurwa.
19 Only your wives, children, and livestock—I know you have much livestock—stay in the cities I gave you, Asi, vakadzi venyu navana venyu uye nezvipfuwo zvenyu (ndinoziva kuti mune zvipfuwo zvakawanda) zvinosara mumaguta andakakupai,
20 until our Father gives your brothers rest as he has you, and they too take the land your Father is giving them beyond the Jordan. Then each of you returns to the possession I gave you." kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo sezvaakarayira kwamuri, uye naivowo vatora nyika yavanopiwa naJehovha Mwari wenyu mhiri kwaJorodhani. Shure kwaizvozvo mumwe nomumwe wenyu achadzoka kunhaka yandakakupai.”
21 I commanded Joshua then: "Your own eyes saw all your Father did to these two kings. Your Father will do so to all the kingdoms you're crossing into. Panguva iyo ndakarayira Joshua, ndikati, “Wakaona nameso ako zvose zvakaitwa naJehovha Mwari wako kumadzimambo maviri aya. Jehovha achaita zvimwe chetezvo kuushe hwose mhiri uko kwamunoenda.
22 Don't be afraid of them, for your Father himself fights for you." Usavatya; Jehovha Mwari wako pachake achakurwira.”
23 And I pleaded with our Father at that time, saying, Zvino ndakanyengetera kuna Jehovha panguva iyo, ndikati,
24 "My Sovereign Father, you've begun showing your servant your greatness and strong hand. What god in heaven or earth can do deeds and mighty acts like yours? “Imi Ishe Jehovha, makatanga kuratidza muranda wenyu ukuru hwenyu noruoko rwenyu rune simba. Nokuti ndoupiko Mwari kudenga kana panyika angaita zvakafanana namabasa enyu uye namabasa makuru amunoita?
25 Please let me cross over and see the good land beyond the Jordan, this good highland, and Lebanon." Nditenderei henyu kuti ndiyambuke ndinoona nyika yakanaka iri mhiri kwaJorodhani, iyo nyika yamakomo yakanaka neRebhanoni.”
26 But our Father was angry with me because of you and would not listen to me; our Father said to me, "Enough! Don't speak to me about this again. Asi nokuda kwenyu, Jehovha akanditsamwira akasandinzwa Jehovha akati kwandiri, “Zvaringana. Usataurazve kwandiri pamusoro peshoko iri.
27 Climb Pisgah's summit, raise your eyes west, north, south, and east, and see with your own eyes, for you won't cross this Jordan. Kwira pamusoro pegomo rePisiga ugotarisa kumadokero nokumusoro nezasi nokumabvazuva, uone nyika yacho nameso ako, sezvo usingazoyambuki Jorodhani urwu.
28 But commission Joshua, encourage and strengthen him, for he will cross ahead of this people and give them the land you will see as their inheritance." Asi rayira Joshua, ugomukurudzira nokumusimbisa nokuti achatungamirira vanhu ava pakuyambuka uye achaita kuti vagare nhaka yenyika yauchaona.”
29 So we remained in the valley opposite Beth-peor. Saka takagara mumupata uri pedyo neBheti Peori.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]