Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Numbers 35 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Our Father spoke to Moses on the plains of Moab by the Jordan across from Jericho: Pamapani eMoabhu pedyo neJorodhani uchibva mhiri kuJeriko, Jehovha akati kuna Mozisi,
2 "Command the Israelites to give the Levites, from the inheritance they hold, cities to live in, and pastureland around them, for the Levites. “Rayira vaIsraeri kuti vape vaRevhi maguta okuti vagare kubva panhaka ichatorwa navaIsraeri. Uye muvape mafuro akapoteredza maguta avo.
3 The cities are theirs to live in; the pasturelands are for their cattle, livestock, and all their living creatures. Ipapo vachava namaguta okugara uye namafuro emombe dzavo, makwai nezvimwe zvipfuwo zvavo zvose.
4 "The pasturelands of the cities you give the Levites reach about 1,500 feet out from the city wall on every side. “Mafuro akapoteredza maguta amunopa vaRevhi achasvitsa makubhiti chiuru chimwe chete kubva pamasvingo eguta.
5 Measure outside the city: about 3,000 feet on the east side, 3,000 on the south side, 3,000 on the west side, 3,000 on the north side, with the city in the middle. This is the pastureland for their cities. Uyere makubhiti zviuru zviviri nechokunze kweguta, kurutivi rwokumabvazuva, kurutivi rwezasi uyere makubhiti zviuru zviviri, uye kurutivi rwokumavirira makubhiti zviuru zviviri, uye nechokumusoro, makubhiti zviuru zviviri, guta riri pakati. Nzvimbo iyi ichava mafuro amaguta.
6 "Of the cities you give the Levites, six are to be cities of refuge, for a killer to flee to; besides these, give forty-two cities. “Maguta matanhatu pane auchapa vaRevhi achava outiziro, kuti munhu anenge auraya mumwe atizireko. Pamusoro paiwayo, muvape mamwe maguta makumi mana namaviri.
7 "All the cities that you give the Levites are to be forty-eight cities, together with their pasturelands. Maguta ose amunopa vaRevhi anofanira kuva makumi mana namasere, pamwe chete namafuro avo.
8 From Israel's territory, give the Levites cities—more from large tribes, fewer from small; each gives in proportion to the inheritance it received." Maguta amunopa vaRevhi kubva munyika inotorwa navaIsraeri anofanira kupiwa zvakaenzanirana nenhaka yorudzi rumwe norumwe: Utore maguta akawanda kubva kurudzi rune akawanda, asi utore mashoma kubva kurudzi rune mashoma.”
9 Our Father spoke to Moses: Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,
10 "Speak to the Israelites and tell them: When you cross the Jordan into the land of Canaan, “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mayambuka Jorodhani mapinda muKenani,
11 choose cities for yourselves, cities of refuge, where anyone who kills a person unintentionally may flee there. musarudze mamwe maguta kuti ave outiziro, okuti munhu anenge auraya mumwe asingaiti nobwoni atizireko.
12 These cities are a refuge for you from the blood avenger, so the killer won't die until standing before the assembly for judgment. Achava nzvimbo dzoutiziro kubva kumutsivi, kuitira kuti munhu anopomerwa mhosva youmhondi arege kufa asati atongwa pamberi peungano.
13 The cities you give are to be six cities of refuge for you. Maguta matanhatu amunopa aya achava maguta enyu outiziro.
14 Give three cities beyond the Jordan and three cities in the land of Canaan; they are to be cities of refuge. Mupe maguta matatu mhiri kwaJorodhani uye mamwe matatu muKenani kuti ave maguta outiziro.
15 These six cities are a refuge for Israelites, the foreigner, and the temporary resident among them, so anyone who kills a person by accident may flee there. Maguta matanhatu aya achava nzvimbo youtiziro yavaIsraeri, vatorwa kana vamwe vanhu vagere pakati pavo, kuitira kuti ani naani anenge auraya mumwe asingaiti nobwoni atizireko.
16 "But if someone strikes another with an iron object and the victim dies, the attacker is a murderer—the murderer must be put to death. “ ‘Kana munhu akarova mumwe nesimbi akafa, iye imhondi; mhondi ichafanira kuurayiwa.
17 If he struck him with a stone in his hand that could kill, and he died, he is a murderer; the murderer must be put to death. Uye kana ani naani aine dombo muruoko rwake rinogona kuuraya, akarova mumwe munhu naro akafa, iye imhondi; mhondi inofanira kuurayiwa.
18 Or if he struck him with a deadly wooden tool in hand, and he died, he is a murderer; the murderer must be put to death. Uye kana ani naani akange ane danda muruoko rwake rinogona kuuraya, uye akarova mumwe munhu akafa, iye imhondi; mhondi ichaurayiwa.
19 The avenger of blood is to kill the murderer himself; when he meets him, he is to kill him. Mutsivi weropa achauraya mhondi iyo; paanosangana naye, achamuuraya.
20 If he pushed him from hatred, or threw something at him in ambush, so he died, Kana ani zvake anga ane ruvengo kare akasundidzira mumwe kana kupotsera chimwe chinhu kwaari nobwoni iye akafa,
21 or if he struck him with his hand out of hatred and he died, the striker must be put to death—he is a murderer. The avenger of blood is to kill the murderer when he finds him. uye kana akamurova nechibhakera achimuvenga munhu uyo akafa, munhu iyeye anofanira kuurayiwa; munhu iyeye imhondi. Mutsivi weropa achauraya mhondi iyo paanosangana naye.
22 "But if he shoved him suddenly without hostility, or threw anything at him without ambush, “ ‘Asi kana panga pasina ruvengo mumwe akakaruka asundidzira mumwe kana kupotsera chimwe chinhu kwaari asingaiti nobwoni,
23 or, without seeing him, dropped on him a stone able to kill, and he died—not his enemy, not seeking his harm, kana anga asingamuoni, akapotsera dombo kwaari rinogona kumuuraya, uye iye akafa, ipapo sezvo anga asiri muvengi wake uye anga asingafungi kumukuvadza,
24 then the assembly is to judge between the slayer and the avenger of blood according to these rules. ungano inofanira kutonga pakati pake nomutsivi weropa maererano nemitemo iyi.
25 The assembly must rescue the killer from the blood avenger's hand and return him to the city of refuge he fled to; he must stay there until the high priest anointed with holy oil dies. Ungano inofanira kudzivirira munhu anopomerwa umhondi kubva pamutsivi weropa uye vachamudzosera kuguta routiziro uko kwaakanga atizira. Anofanira kugara ikoko kusvikira muprista mukuru afa, uyo akanga akazodzwa namafuta matsvene.
26 "But if the killer ever leaves the border of his refuge city, where he fled, “ ‘Asi kana uyo anopomerwa akangobuda kunze akadarika muganhu weguta routiziro, uko kwaakatizira,
27 if the avenger of blood finds him outside his city of refuge's border and kills the killer, he incurs no bloodguilt. uye mutsivi weropa akamuwana ari kunze kweguta, mutsivi weropa achauraya muurayi uyu akasapiwa mhosva youmhondi.
28 The killer must stay in his city of refuge until the high priest dies; only after the high priest's death may he return to his own land. Muurayi anofanira kugara muguta rake routiziro kusvikira pakufa kwomuprista mukuru; anofanira kudzokera chete kunzvimbo yake kana muprista mukuru afa.
29 These are to be a permanent law for you throughout your generations, in every place where you live. “ ‘Izvi zvinofanira kuva murayiro wokutonga nawo kusvikira kumarudzi enyu ose anotevera, kwose kwamunogara.
30 "Anyone who kills a person is to be executed as a murderer, on witnesses' testimony; one witness alone cannot testify against a person to cause death. “ ‘Ani naani anouraya munhu anofanira kuurayiwa semhondi kana chete pane zvapupu. Asi hapafaniri kuva nomunhu anourayiwa kana pachingova nechapupu chimwe chete.
31 "Take no ransom for a murderer's life who deserves death—he must be executed. “ ‘Murege kugamuchira dzikinuro youpenyu hwemhondi, inofanira kufa. Anofanira kufa zvirokwazvo.
32 Take no ransom for someone who fled to his city of refuge, letting him return to live in the land before the priest dies. “ ‘Murege kugamuchira dzikinuro yomunhu upi zvake akatiza kuguta routiziro nokudaro muchimutendera kudzokera kuti andogarazve munyika yake muprista mukuru asati afa.
33 "Don't pollute the land you live in—blood pollutes the land, and the land can have no atonement for blood shed on it except by the blood of the one who shed it. “ ‘Murege kusvibisa nyika yamunogara. Kuteura ropa kunosvibisa nyika, uye nyika haingayananisirwi pamusoro peropa rakateurirwamo, asi chete neropa romunhu akariteura.
34 Don't make the land unclean—you live there, and I live among you; for I, your Father, live among Israel's people." Musasvibisa nyika yamugere uye yandinogara, nokuti ini Jehovha, ndigere pakati pavaIsraeri.’ ”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]