Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Numbers 34 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 And our Father spoke to Moses, saying, Jehovha akati kuna Mozisi,
2 "command the Israelites: when you enter the land of Canaan, this is the land that will fall to you as inheritance—the land of Canaan, within its borders. “Rayira vaIsraeri uti kwavari: ‘Kana mapinda muKenani, nyika ichagoverwa kwamuri senhaka, ichava nemiganhu iyi:
3 Your south side runs from the Zin wilderness along Edom's edge; your south border starts at the Dead Sea's end, eastward. “ ‘Rutivi rwenyu rwezasi ruchasanganisira chikamu cheGwenga reZini chinotevedzana nomuganhu weEdhomu. Muganhu wenyu wezasi, uchatangira kumagumo eGungwa roMunyu nechokumabvazuva,
4 Your border will turn south of the Ascent of Akrabbim, cross to Zin, reach south of Kadesh-barnea, go on to Hazar-addar, and pass to Azmon. uchiyambukira zasi kweAkirabhimu, uchipfuurira nokuZini uye uchienda nezasi kweKadheshi Bharinea. Ipapo uchazoenda nokuHazari Adhari uchindosvika kuAzimoni,
5 From Azmon the border turns to Egypt's Brook, ending at the Sea. kwaunondopota, wobatana noRukova rweIjipiti uchindogumira paGungwa.
6 "Your western border will be the Mediterranean Sea and its coast. Muganhu wenyu wokumavirira uchange uri mahombekombe eGungwa Guru. Ndiwo uchava muganhu wenyu nechokumavirira.
7 "This will be your north border: from the Mediterranean Sea draw your line to Mount Hor. Pamuganhu wenyu wokumusoro, munofanira kutara mutaro unobva kuGungwa Guru uchisvika kuGomo reHori
8 From Mount Hor mark a line to Lebo-hamath, ending at Zedad; uye kubva paGomo reHori uchisvika kuRebho Hamati. Ipapo muganhu uchaenda kuZedhadhi,
9 then the border will extend to Ziphron and end at Hazar-enan. This will be your northern border. wopfuurira kuZifurani uchindogumira paHazari Enani. Ndiwo uchava muganhu wenyu nechokumusoro.
10 "You will mark out your eastern border from Hazar-enan to Shepham. Pamuganhu wenyu wokumabvazuva, munofanira kutara mutaro unobva kuHazari Enani uchisvika kuShefami.
11 The border will go down from Shepham to Riblah, east of Ain, then go down and reach the slope east of the Sea of Chinnereth. Muganhu uchadzika uchibva nokuShefami uchisvika kuRibhura nechokumabvazuva kweZini ugopfuurira wakatevedza materu ari kumabvazuva kweGungwa reKinereti.
12 The border goes down to the Jordan, ending at the Dead Sea. This will be your land, with its borders all around." Ipapo muganhu uchadzika uchitevedza Jorodhani uchindoguma paGungwa roMunyu. “ ‘Iyi ndiyo ichava nyika yenyu, nemiganhu yayo kumativi ose.’ ”
13 Moses commanded the Israelites: This is the land you will inherit by lot, which our Father commanded to give to the nine tribes and the half-tribe. Mozisi akarayira vaIsraeri akati, “Goverai nyika iyi nomujenya wenhaka yenyu. Jehovha akarayira kuti ipiwe kumarudzi mapfumbamwe nehafu,
14 The tribe of Reuben's sons, by their fathers' houses, and the tribe of Gad's sons, by their fathers' houses, have already taken their inheritance; so has the half-tribe of Manasseh. nokuti mhuri dzorudzi rwaRubheni, norudzi rwaGadhi uye nehafu yorudzi rwaManase vakagamuchira nhaka yavo.
15 The two and a half tribes received their inheritance across the Jordan from Jericho, eastward toward the sunrise. Marudzi maviri aya nehafu vakagamuchira nhaka yavo kumabvazuva kweJorodhani reJeriko, kwakatarisana nokumabudazuva.”
16 And our Father spoke to Moses, saying, Jehovha akati kuna Mozisi,
17 "names of the men who will divide the land for you as inheritance: Eleazar the priest and Joshua son of Nun. “Aya ndiwo mazita avarume vanofanira kukugoverai nyika senhaka yenyu: Ereazari muprista naJoshua mwanakomana waNuni.
18 And you will take one leader from each tribe to divide the land for inheritance. Uye ugadze mutungamiri mumwe chete kubva kurudzi rumwe norumwe kuti vabatsire pakugova nyika.
19 These are the names of the men: from the tribe of Judah, Caleb the son of Jephunneh; “Aya ndiwo mazita avo: “Karebhu mwanakomana waJefune, kubva kurudzi rwaJudha;
20 from the tribe of the sons of Simeon, Shemuel the son of Ammihud; Kubva kurudzi rwaSimeoni, Shemueri mwanakomana waAmihudhi;
21 from the tribe of Benjamin, Elidad the son of Chislon; Kubva kurudzi rwaBhenjamini, Eridhadhi mwanakomana waKisironi;
22 from the tribe of the sons of Dan, a leader, Bukki the son of Jogli; Kubva kurudzi rwaDhani mutungamiri Bhuki mwanakomana waJogiri;
23 from Joseph's sons: from Manasseh's tribe, leader Hanniel son of Ephod, Mutungamiri kubva kurudzi rwaManase mwanakomana waJosefa, Hanieri mwanakomana waEfodhi;
24 and from the tribe of the sons of Ephraim, a leader, Kemuel the son of Shiphtan; Mutungamiri kubva kurudzi rwaEfuremu mwanakomana waJosefa, Kemueri mwanakomana waShifutani;
25 from the tribe of the sons of Zebulun, a leader, Elizaphan the son of Parnach; Mutungamiri kubva kurudzi rwaZebhuruni, Erizafani mwanakomana waParanaki;
26 from the tribe of the sons of Issachar, a leader, Paltiel the son of Azzan; Mutungamiri kubva kurudzi rwaIsakari, Paritieri mwanakomana waAzani;
27 from the tribe of the sons of Asher, a leader, Ahihud the son of Shelomi; Mutungamiri kubva kurudzi rwaAsheri, Ahihudhi mwanakomana waSheromi;
28 and from the tribe of the sons of Naphtali, a leader, Pedahel the son of Ammihud." Mutungamiri kubva kurudzi rwaNafutari, Pedhaheri mwanakomana waAmihudhi.”
29 These are the ones our Father commanded to divide the inheritance among the children of Israel in the land of Canaan. Ava ndivo varume vakarayirwa naJehovha kuti vagovere nhaka kuvaIsraeri munyika yeKenani.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]