Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Numbers 30 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Moses told Israel's tribal heads: This is what our Father commanded. Mozisi akati kuvakuru vamarudzi avaIsraeri, “Izvi ndizvo zvarayirwa naJehovha:
2 When a man vows a vow to our Father, or swears an oath binding himself with a pledge, he must not break his word; he must do all his mouth has spoken. Kana munhu akaita mhiko kuna Jehovha kana kuzvisunga nokupika, haafaniri kuputsa shoko rake asi anofanira kuita zvose zvaakareva.
3 If a woman vows a vow to our Father and binds herself by a pledge while young, living in her father's house, “Kana musikana achiri kugara mumba mababa vake akaita mhiko kuna Jehovha kana kuti akazvisunga nokupika,
4 when her father hears her vow and pledge binding her, and says nothing to her, all her vows and every pledge binding her stand. uye baba vake vakanzwa pamusoro pezvaapika, vakasataura chinhu kwaari, ipapo zvose zvaapika uye nezvose zvaazvisunga kupika zvichasimbiswa.
5 But if her father forbids her the day he hears, none of her vows or bonds she bound herself with will stand; our Father will forgive her, because her father forbade her. Asi kana baba vake vakamudzivisa pavanonzwa nezvazvo, zvaapika zvose nezvaazvisunga nazvo achipika hazvingavi nesimba; Jehovha achamusunungura nokuti baba vake vamudzivisa.
6 If she marries while under her vows, or under a rash promise she has made, “Kana akawanikwa mushure mokunge aita mhiko, kana mushure mokunge muromo wake wakurumidza kutaura achivimbisa nokuzvisunga,
7 and her husband hears of it and stays silent to her on the day he hears, her vows stand, and the bonds she bound herself with stand. uye murume wake akazvinzwa asi akasataura chinhu kwaari, ipapo mhiko dzake kana zvaakazvisunga nazvo zvichasimbiswa.
8 But if her husband forbids her the day he hears, he cancels the vow binding her and the rash promise she made; and our Father will forgive her. Asi kana murume wake amudzivisa paanenge anzwa nezvazvo, anokonesa mhiko iya inomusunga, kana vimbiso yaangazvisunga nayo, uye ipapo Jehovha achamusunungura.
9 But a widow's or divorced woman's vow—everything she bound herself to—stands against her. “Mhiko ipi zvayo kana chisungo chaitwa nechirikadzi kana mukadzi akarambwa chichava nesimba kwaari.
10 If she vowed in her husband's house, or bound herself by a pledge under oath, “Kana mukadzi agere nomurume wake akaita mhiko kana kuti akazvisunga nemhiko
11 and her husband heard it, said nothing to her, and did not forbid her—so all her vows stand, and every pledge by which she bound herself stands. uye murume wake akanzwa nezvazvo asi akasataura chinhu kwaari uye asingamudzivisi, ipapo mhiko dzake kana zvaakazvisunga pakupika zvichava nesimba.
12 But if her husband nullifies them the day he hears, nothing she said—her vows or the pledge binding her—will stand: he has nullified them, and our Father will forgive her. Asi kana murume wake akazvikonesa paanenge anzwa nezvazvo, ipapo hapana chaakapika kana zvaakazvisunga nazvo nemhiko nezvaakataura nomuromo wake zvichava nesimba. Murume wake azvikonesa, uye Jehovha achamusunungura.
13 Any vow and any binding oath to humble herself, her husband may confirm or nullify it. Murume wake anogona kutsigira kana kukonesa mhiko ipi zvayo yaanopika kuti azvininipise nayo.
14 But if her husband stays silent to her from day to day, he confirms all her vows or obligations binding her; he confirms them, because he stayed silent to her on the day he heard them. Asi kana murume wake akashaya chaanotaura kwaari zuva nezuva, ipapo ari kusimbisa mhiko dzake uye zvaakapika zvinomusunga. Anozvisimbisa nokusataura kwake chinhu kwaari paanenge anzwa nezvazvo.
15 But if he nullifies them after he has heard them, then he will bear her guilt. Kana zvakadaro, akazozvikonesa pane dzimwe nguva, mushure mokunge azvinzwa, ipapo iye achatakura mhosva yomukadzi wake.”
16 These are the rules our Father commanded Moses, between a man and his wife, between a father and his young daughter still in his house. Iyi ndiyo mitemo yakapiwa Mozisi naJehovha pamusoro poukama pakati pomurume nomukadzi wake, uye pakati pababa nomwanasikana wavo muduku agere mumba mavo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]