Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Numbers 31 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Our Father said to Moses, Jehovha akati kuna Mozisi,
2 "Avenge the Israelites against the Midianites; afterward you will be gathered to your people." “Tsiva kuvaMidhiani zvavakaitira vaIsraeri. Shure kwaizvozvo uchandosanganiswa navanhu vako.”
3 So Moses told the people, "Arm men from among you for war, to go against Midian and carry out our Father's justice on Midian. Saka Mozisi akati kuvanhu, “Shongedzai vamwe varume vokwenyu nhumbi dzokurwa kuti vaende kundorwa navaMidhiani kuti vazadzise kutsiva kwaJehovha pamusoro pavo.
4 You are to send 1,000 from each of the tribes of Israel to the war." Endesai kuhondo varume chiuru kubva kurudzi rumwe norumwe rwavaIsraeri.”
5 So from Israel's thousands, 1,000 per tribe were supplied—12,000 armed for war. Saka varume zviuru gumi nezviviri vakashongedzerwa kundorwa, chiuru chimwe kubva kurudzi rumwe norumwe, vakauyiswa vachibva kumhuri dzavaIsraeri.
6 Moses sent them to war, 1,000 from each tribe, with Phinehas son of Eleazar the priest, carrying the holy articles of the sanctuary and the signal trumpets in his hand. Mozisi akavatuma kundorwa, chiuru kubva kurudzi rumwe norumwe, pamwe chete naFinehasi mwanakomana waEreazari muprista, uyo akatorawo nhumbi dzomunzvimbo tsvene nehwamanda dzokuridza pakutungamirira.
7 They waged war against Midian, as our Father had commanded Moses, and they killed every male. Vakarwisa vaMidhiani, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha, vakauraya varume vose.
8 They killed the kings of Midian among the slain—Evi, Rekem, Zur, Hur, and Reba, Midian's five kings—and killed Balaam son of Beor with the sword. Vakaurayiwa pakati pavo ndiEvhi, Rekemu, Zuri, Huri naRebha, madzimambo mashanu avaMidhiani. Vakaurayawo nomunondo Bharamu mwanakomana waBheori.
9 The people of Israel captured Midian's women and children, and plundered all their livestock, flocks, and goods. VaIsraeri vakatapa vakadzi vavaMidhiani navana vavo uye vakatora mombe dzose dzavaMidhiani, makwai nepfuma sezvinhu zvavakapamba.
10 They burned with fire all the cities where they lived and all their camps, Vakapisa maguta ose avaMidhiani, pamwe chete nemisasa yavo yose.
11 and they took all the spoil and all the plunder, both people and animals. Vakatora zvose zvavakapamba, nepfuma, pamwe chete navanhu uye nezvipfuwo,
12 They brought the captives, plunder, and spoil to Moses, Eleazar the priest, and Israel's whole assembly, at the camp on Moab's plains by the Jordan, across from Jericho. vakauya nenhapwa, nepfuma uye nezvavakapamba kuna Mozisi naEreazari muprista, uye vaIsraeri vakaungana pamisasa yavo pamapani eMoabhu, paJorodhani uchibva mhiri kuJeriko.
13 Moses, Eleazar the priest, and all the assembly's leaders went to meet them outside the camp. Mozisi, Ereazari navatungamiri vose veungano vakabuda kuti vandosangana navo kunze kwomusasa.
14 But Moses was angry with the army's officers, commanders of thousands and commanders of hundreds, who returned from the battle. Mozisi akatsamwira machinda ehondo, vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana, vakadzoka kuhondo.
15 Moses said to them, "Have you let all the women live? Akavabvunza akati, “Ko, makatendera vakadzi vose kuti vararame here?
16 Look, these women, on Balaam's advice, led Israel to betray our Father in the Peor incident, bringing the plague on the congregation of our Father. Ndivo vakanga vachitevera zano raBharamu uye ndivo vakatsausa vaIsraeri kubva kuna Jehovha pane zvakaitika paPeori, naizvozvo denda rikauya pamusoro pavanhu vaJehovha.
17 Now kill every male child, and kill every woman who has slept with a man. Zvino chiurayai vakomana vose. Uye muuraye mukadzi mumwe nomumwe akavata nomurume,
18 But keep alive for yourselves every young girl who has not slept with a man. asi muzvisiyire musikana mumwe nomumwe asina kuvata nomurume.
19 Stay outside the camp seven days. Anyone who killed someone or touched a corpse must purify themselves on the third day and the seventh—you and your captives. “Imi mose makauraya ani zvake kana kubata ani zvake akaurayiwa, munofanira kugara kunze kwomusasa kwamazuva manomwe. Pazuva rechitanhatu nezuva rechinomwe, munofanira kuzvinatsa imi nenhapwa dzenyu.
20 Purify every garment, every leather article, everything made of goats' hair, and every wood article." Munatse nguo imwe neimwe pamwe chete nezvose zvakaitwa namatehwe, mvere dzembudzi kana makushe ehwai.”
21 Eleazar the priest told the soldiers who had gone to war, "This is the statute of the law our Father commanded Moses: Ipapo Ereazari muprista akati kuvarwi vakanga vaenda kuhondo, “Hezvino zvinodikanwa
22 only the gold, the silver, the bronze, the iron, the tin, and the lead. pamurayiro wakapiwa Mozisi naJehovha: goridhe, sirivha, ndarira, simbi, tini, mutobvu
23 Everything that can withstand fire, pass through the fire—it becomes clean. But it must also be purified with water of purification. Whatever can't withstand fire, pass through the water. nezvimwewo zvisingaparadzwi nomoto; zvinofanira kuiswa mumoto, ipapo zvichava zvakanaka. Asi zvinofanirawo kucheneswa nemvura yokunatsa. Uye zvose zvisingagoni kukunda moto zvinofanira kupinzwa nomumvura imomo.
24 Wash your clothes on the seventh day, and you'll be clean; then you may enter the camp." Pazuva rechinomwe musuke nguo dzenyu, ipapo muchava vakachena. Ipapo mungazochipinda henyu mumusasa.”
25 Our Father said to Moses, Jehovha akati kuna Mozisi,
26 "You, Eleazar the priest, and the family heads of the community, count the plunder taken, people and animals. “Iwe naEreazari muprista navakuru vemhuri veungano munofanira kuverenga vanhu vose nezvipfuwo zvakapambwa.
27 Divide the plunder into two: between the fighters who went to battle and the whole congregation. Mugovere zvakapambwa pakati pavarwi vakaenda kuhondo uye navakasara muungano.
28 From the soldiers who went out to battle, take a tax for me: one in 500—people, cattle, donkeys, and flocks. Kubva kuvarwi vakanga vandorwa kuhondo, utsaure somutero waJehovha chinhu chimwe chete pazvinhu mazana mashanu, vangava vanhu, mombe, mbongoro, makwai kana mbudzi.
29 Take it from their half and give it to Eleazar the priest as a contribution to me. Utore mutero uyu kubva pahafu yavo yomugove wavo ugopa kuna Ereazari muprista somugove waJehovha.
30 From the Israelites' half, take one in fifty—from the people, cattle, donkeys, flocks, and all the animals—and give them to the Levites who keep charge of my tabernacle." Kubva kuhafu inova yavaIsraeri, utsaure chinhu chimwe chete kubva pamakumi mashanu oga oga, vangava vanhu, mombe, mbongoro, makwai, mbudzi kana zvimwe zvipfuwo. Uzvipe kuvaRevhi, ivo vane basa rokuchengeta tabhenakeri yaJehovha.”
31 Moses and Eleazar the priest did as our Father had commanded Moses. Saka Mozisi naEreazari muprista vakaita sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.
32 The plunder remaining from the spoil that the army had taken was 675,000 sheep, Zvakatapwa zvakasara pane zvavakapamba zvakanga zvatorwa navarwi zvaisvika zviuru mazana matanhatu namakumi manomwe nezvishanu zvamakwai,
33 72,000 cattle, mombe zviuru makumi manomwe nezviviri,
34 61,000 donkeys, mbongoro zviuru makumi matanhatu nechiuru chimwe chete
35 and 32,000 persons in all—the women who had not slept with a man. uye vakadzi zviuru makumi matatu nezviviri vakanga vasina kumbovata navarume.
36 The half belonging to those who had gone out to war numbered 337,500 sheep, Hafu yomugove wavaya vakarwa muhondo yaiva: makwai zviuru mazana matatu namakumi matatu nezvinomwe, namazana mashanu,
37 and the tribute to our Father from the sheep was 675. mutero waJehovha paari wakanga uri makwai mazana matanhatu namakwai manomwe namashanu;
38 The cattle were 36,000, of which the tribute to our Father was 72. mombe dzaisvika zviuru makumi matatu nezvitanhatu, mutero waJehovha padziri waiva mombe makumi manomwe nembiri;
39 The donkeys were 30,500, of which the tribute to our Father was 61. mbongoro dzaiva zviuru makumi matatu namazana mashanu, mutero waJehovha padziri wakanga uri mbongoro makumi matanhatu neimwe chete;
40 The persons were 16,000, of which the tribute to our Father was 32. vanhu vaisvika zviuru gumi nezvitanhatu, mutero waJehovha pavari waiva vanhu makumi matatu navaviri.
41 Moses gave the tribute, our Father's contribution, to Eleazar the priest, as our Father commanded him. Mozisi akapa mutero kuna Ereazari muprista somugove waJehovha, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.
42 As for the Israelites' half, which Moses had set apart from that of the men who fought, Hafu yakanga iri yavaIsraeri, yakatsaurwa naMozisi kubva kuvarume vehondo,
43 the congregation's half was 337,500 sheep, hafu yeungano yaiva makwai zviuru mazana matatu namakumi matatu namanomwe, namazana mashanu,
44 36,000 cattle, mombe zviuru makumi matatu, nezvitanhatu,
45 30,500 donkeys, mbongoro dzaiva zviuru makumi matatu, namazana mashanu
46 and 16,000 persons. uye vanhu vaiva zviuru gumi nezvitanhatu.
47 From the Israelites' half, Moses took one of every fifty—people and animals—and gave them to the Levites in charge of our Father's tabernacle, as our Father had commanded Moses. Kubva pahafu yaiva yavaIsraeri, Mozisi akatsaura munhu mumwe chete kubva pavanhu makumi mashanu, chipfuwo chimwe chete kubva pazvipfuwo makumi mashanu, sezvakarayirwa naJehovha, akazvipa kuvaRevhi, vakanga vane basa rokuchengeta tabhenakeri yaJehovha.
48 The officers over the army's units, the commanders of thousands and hundreds, came to Moses, Ipapo machinda akanga ari vatariri vamapoka ehondo, vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana vakaenda kuna Mozisi
49 and said to him, "Your servants counted the fighting men under our command; not one of us is missing. vakati kwaari, “Varanda venyu vaverenga varwi vari pasi pedu, hapana kana mumwe chete asipo.
50 So we've brought our Father an offering—each man's find: gold articles, armlets, bracelets, signet rings, earrings, beads—to atone for ourselves before our Father." Saka tauya nechipo kuna Jehovha chezvishongo zvegoridhe zvakawanikwa nomumwe nomumwe wedu, zvishongo zvegoridhe, mhete dzomumaoko, mhete dzomunzeve nouketani hwomumutsipa kuti tizviyananisire pamberi paJehovha.”
51 Moses and Eleazar the priest received from them the gold, all the crafted articles. Mozisi naEreazari muprista vakagamuchira kubva kwavari goridhe, zvinhu zvose zvakanga zvakaitwa noumhizha.
52 All the gold of the contribution that they presented to our Father, from the commanders of thousands and the commanders of hundreds, came to about 420 pounds. Goridhe rose rakabva kuvatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana rakapiwa kuna Jehovha naMozisi naEreazari muprista rairema mashekeri zviuru gumi nezvitanhatu, namazana manomwe namakumi mashanu.
53 The men of war had each taken plunder for himself. Murwi mumwe nomumwe akanga azvitorera zvake zvakapambwa.
54 Moses and Eleazar the priest took the gold from the commanders of thousands and hundreds and brought it into the tent of meeting as a reminder for the Israelites before our Father. Mozisi naEreazari muprista vakagamuchira goridhe rakabva kuvatungamiri vezviuru nokuvatungamiri vamazana vakariisa muTende Rokusangana kuti chive chirangaridzo chavaIsraeri pamberi paJehovha.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]