Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Numbers 32 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 The sons of Reuben and sons of Gad had vast herds of livestock. Seeing the land of Jazer and land of Gilead, they noticed it suited livestock well. VaRubheni navaGadhi, vakanga vane mombe zhinji uye namakwai akawanda kwazvo, vakaona nyika yaJazeri neGireadhi kuti yakanga yakanakira zvipfuwo.
2 The sons of Gad and sons of Reuben came and said to Moses, to Eleazar the priest, and to the community's leaders: Saka vakauya kuna Mozisi naEreazari muprista nokuvatungamiri veungano, vakati,
3 "Ataroth, Dibon, Jazer, Nimrah, Heshbon, Elealeh, Sebam, Nebo, and Beon, “Ataroti, Dhibhoni, Jazeri, Nimira, Heshibhoni, Ereare, Sebhami, Nebho neBheoni,
4 the land our Father struck down before Israel's community—is land for livestock, and your servants have livestock." nyika yakakundwa naJehovha pamberi pavanhu vaIsraeri, yakanakira zvipfuwo, uye varanda venyu vane zvipfuwo.”
5 They said, "If we have found favor in your eyes, give this land to your servants as a possession. Don't make us cross the Jordan." Vakati, “Kana tawana nyasha pamberi penyu, nyika iyi ngaipiwe kuvaranda venyu ive yedu. Musatiyambutsa Jorodhani.”
6 Moses said to the sons of Gad and Reuben, "Should your brothers go to war while you sit here? Mozisi akati kuvaGadhi nokuvaRubheni, “Ko, vanhu venyika yokwenyu vangaenda kuhondo imi makagara henyu pano?
7 Why discourage Israel from crossing into the land our Father has given them? Ko, munoodzerei mwoyo yavaIsraeri kuti vasayambuka vachienda kunyika yavakapiwa naJehovha?
8 This is what your fathers did when I sent them from Kadesh-barnea to see the land. Izvi ndizvo zvakaitwa namadzibaba enyu pandakavatuma kubva paKadheshi Bharinea kuti vandosora nyika.
9 They went up to the Valley of Eshcol, saw the land, then discouraged the Israelites' hearts from entering the land our Father had given them. Shure kwokukwira kwavo kuMupata weEshikori vakandoona nyika, vakaodza mwoyo yavaIsraeri kuti varege kupinda munyika yavakanga vapiwa naJehovha.
10 And our Father's anger burned that day, and he swore an oath, saying, Kutsamwa kwaJehovha kwakamutswa nomusi uyo uye akapika mhiko iyi:
11 surely the men who came up from Egypt, twenty years old and up, will not see the land I swore to give to Abraham, to Isaac, and to Jacob—because they did not fully follow me. ‘Nokuda kwokuti havana kunditevera nomwoyo wose, hakuna mumwe wavo ane makore makumi maviri kana anodarika akabuda munyika yeIjipiti achaona nyika yandakanga ndavimbisa nemhiko kuna Abhurahama, Isaka naJakobho,
12 None but Caleb son of Jephunneh the Kenizzite and Joshua son of Nun, for they fully followed our Father. hakuna mumwe wavo kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune muKenizi naJoshua mwanakomana waNuni nokuti vakatevera Jehovha nomwoyo wose.’
13 The anger of our Father burned against Israel; he made them wander the wilderness forty years until the whole generation that had done evil before our Father had died. Kutsamwa kwaJehovha kwakapfuta pamusoro pavaIsraeri akavaita kuti vadzungaire murenje kwamakore makumi mana, kusvikira zera rose ravaya vakaita zvakaipa pamberi pake rapera.
14 Now you have risen up in place of your fathers, a brood of sinners, adding still more to our Father's fierce anger against Israel! “Hezvino muri pano, imi chibereko chavatadzi, mumire panzvimbo yamadzibaba enyu muchiwedzera kutsamwa kwaJehovha kukuru pamusoro pavaIsraeri.
15 If you turn from following him, he will leave them in the wilderness once again, and you will destroy all this people." Kana mukatsauka pakumutevera, achasiyazve vanhu ava vose murenje, uye imi ndimi muchauyisa kuparadzwa kwavo.”
16 They came to him and said, "We'll build pens here for our livestock and cities for our children. Ipapo vakakwira kwaari vakati, “Tinoda kuvaka matanga ezvipfuwo zvedu kuno namaguta avakadzi vedu navana.
17 But we will arm ourselves, ready to go ahead of the Israelites until we bring them to their place, while our children stay in fortified cities, safe from those living in the land. Asi takagadzirira kurwa nokuenda mberi navaIsraeri kusvikira tavasvitsa kunzvimbo yavo. Pari zvino vakadzi vedu navana vedu vachagara mumaguta akakomberedzwa, kuti vadzivirirwe pavagari venyika ino.
18 We will not return home until every Israelite has taken his inheritance. Hatizodzokeri kumisha yedu kusvikira vaIsraeri vose vagamuchira nhaka yavo.
19 We won't inherit with them across the Jordan and beyond, since our inheritance has come to us on this side of the Jordan, to the east." Hatizogamuchiri nhaka ipi zvayo pamwe chete navo mhiri kweJorodhani, nokuti nhaka yedu tava nayo kumabvazuva kweJorodhani.”
20 Moses said to them, "If you do this—if you arm yourselves before our Father for the war, Ipapo Mozisi akati kwavari, “Kana mukaita izvi, kana mukazvishongedza nhumbi dzokurwa pamberi paJehovha kuti mundorwa,
21 and every armed man among you crosses the Jordan before our Father until he drives out his enemies from before him, uye kana imi mose mukaenda makashonga nhumbi dzokurwa mhiri kwaJorodhani pamberi paJehovha kusvikira adzinga vavengi vake pamberi pake,
22 and the land is subdued before our Father, afterward you may return and be free of obligation to him and to Israel, and this land will be your possession before our Father. ipapo kana nyika ichinge yakundwa pamberi paJehovha, mungadzokera henyu uye musununguke pabasa renyu pamberi paJehovha napamberi pavaIsraeri. Uye nyika iyi ichava yenyu pamberi paJehovha.
23 But if you don't do this, look—you will have sinned against our Father, and know: your sin will overtake you. “Asi kana mukakoniwa kuita izvi, muchange matadzira Jehovha; uye zvirokwazvo chivi chenyu chichakuwanai.
24 Build cities for your little ones, pens for your flocks, and do what your mouth has promised." Vakai maguta avakadzi navana venyu, uye matanga amakwai enyu, asi muite zvamakavimbisa.”
25 The sons of Gad and Reuben said to Moses, "Your servants will do as my lord commands. VaGadhi navaRubheni vakati kuna Mozisi, “Isu varanda venyu tichaita sezvarayirwa naishe wedu.
26 Our children, wives, flocks, and all our herds will stay there in the cities of Gilead, Vana vedu navakadzi vedu, makwai edu nemombe dzedu zvichasara kuno mumaguta eGireadhi.
27 but your servants, every man armed for war, will cross before our Father to battle, as my lord says." Asi varanda venyu, varume vose vakazvigadzirira kundorwa, vachayambuka kundorwa pamberi paJehovha sezvataurwa naishe wedu.”
28 So Moses commanded Eleazar the priest, Joshua son of Nun, and the clan leaders of Israel's tribes about them. Ipapo Mozisi akarayira pamusoro pavo kuna Ereazari muprista nokuna Joshua mwanakomana waNuni nokuvakuru vemhuri dzamarudzi avaIsraeri.
29 Moses said to them, "If Gad's and Reuben's sons cross the Jordan with you, every man armed for battle before our Father, and the land is subdued before you, then give them Gilead as their possession. Akati kwavari, “Kana vaGadhi navaRubheni, murume mumwe nomumwe akazvigadzirira kundorwa, vakayambuka Jorodhani nemi pamberi paJehovha, ipapo kana nyika ikakundwa pamberi pako, uvape nyika yeGireadhi ive yavo.
30 But if they won't cross over armed with you, they must take possession among you in the land of Canaan." Asi kana vakasayambuka nemi vakashonga zvokurwa, vanofanira kupiwa nhaka yavo pamwe chete nemi muKenani.”
31 Gad's and Reuben's sons answered, "We will do as our Father told your servants. VaGadhi navaRubheni vakapindura vakati, “Varanda venyu vachaita zvarehwa naJehovha.
32 We ourselves will cross armed before our Father into the land of Canaan, and our inherited possession will remain ours beyond the Jordan." Tichayambuka mhiri pamberi paJehovha tigopinda muKenani, takashonga nhumbi dzokurwa nadzo, asi nhaka yatichawana ichava kudivi rino reJorodhani.”
33 Moses gave to them—the sons of Gad, the sons of Reuben, and the half-tribe of Manasseh son of Joseph—the kingdom of Sihon king of the Amorites and the kingdom of Og king of Bashan: the land, its cities, the territories, and the cities of the country around. Ipapo Mozisi akapa kuvaGadhi, navaRubheni nehafu yorudzi rwaManase, mwanakomana waJosefa, umambo hwaSihoni mambo wavaAmori noumambo hwaOgi mambo weBhashani, nyika yose namaguta ayo uye nenyika dzose dzakavapoteredza.
34 And the sons of Gad built Dibon, Ataroth, Aroer, VaGadhi vakavaka Dhibhoni, Ataroti, Aroeri,
35 Atroth-shophan, Jazer, Jogbehah, Ataroti Shafani, Jazeri, Jogubheha,
36 Beth-nimrah, and Beth-haran—fortified cities and pens for sheep. Bheti Nimura neBheti Harani samaguta akakomberedzwa, uye vakavaka matanga amakwai avo.
37 And the sons of Reuben built Heshbon, Elealeh, Kiriathaim, Uye vaRubheni vakavakazve Heshibhoni, Ereare Kiriatihaimi,
38 Nebo, Baal-meon (renamed), and Sibmah—they gave the cities they rebuilt new names. pamwe chete neNebho neBhaari Meoni (mazita aya akashandurwa) neSibhima. Vakapa mazita kumaguta avakavaka.
39 Sons of Machir son of Manasseh went to Gilead, captured it, and drove out the Amorites living there. Zvizvarwa zvaMakiri mwanakomana waManase zvakaenda kuGireadhi, zvikaritapa zvikadzinga vaAmori vakanga varimo.
40 So Moses gave Gilead to Machir son of Manasseh, and he settled in it. Saka Mozisi akapa Gireadhi kuvaMakiri, zvizvarwa zvaManase, ivo vakagara ikoko.
41 And Jair son of Manasseh went and captured their villages, and called them Havvoth-jair. Jairi, chizvarwa chaManase, akakunda misha yaro akaitumidza kuti Havhoti Jairi.
42 And Nobah went and captured Kenath and its villages, and called it Nobah, after his own name. Uye Nobha akakunda Kenati nenzvimbo dzakaripoteredza akaritumidza kuti Nobha zita rake.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]