Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Numbers 29 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 "In the seventh month, on the first day, hold a holy assembly. Do no ordinary work; it is a day for you to sound the trumpets. “ ‘Pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe, muite ungano tsvene uye murege kubata basa ramazuva ose. Izuva rokuti muridze hwamanda.
2 Offer a burnt offering, a pleasing aroma to our Father: one young bull, one ram, seven male lambs a year old, all without defect. Munofanira kugadzirira Jehovha chipiriso chinopiswa chehando imwe chete duku, gondobwe rimwe chete uye makwayana makono manomwe egore rimwe chete, ose asina kuremara, zvive zvinonhuhwira zvinofadza pamberi paJehovha.
3 Their grain offering: fine flour mixed with oil—about six quarts for the bull, about four quarts for the ram, Mugadzire pamwe chete nehando duku chipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefa yeupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa pamwe chete namafuta, negondobwe, zvikamu zviviri mugumi;
4 and about two quarts for each of the seven lambs; pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi.
5 and one male goat as a sin offering, to make atonement for you. Muisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi kuti muzviyananisire.
6 Besides the new-moon burnt offering and its grain offering, the daily burnt offering and its grain offering, and their drink offerings, by their rule—a soothing aroma, a fire offering to our Father. Izvi zviri kupamhidzirwa pamusoro pezvipiriso zvinopiswa zvomwedzi nomwedzi, nezvezuva nezuva uye nezvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvokunwa sokurongwa kwazvo. Ndizvo zvipiriso zvinoitirwa Jehovha nomoto, zvinonhuhwira zvinofadza.
7 "On the tenth day of this seventh month, hold a sacred gathering and practice self-denial; do no work at all. “ ‘Pazuva regumi romwedzi wechinomwe munofanira kuita ungano tsvene. Munofanira kuzviramba uye murege kubata basa.
8 Present a burnt offering to our Father as a pleasing aroma: one young bull, one ram, and seven male lambs a year old, all without blemish. Mupe chibayiro chinopiswa chehando duku yegore rimwe chete kuna Jehovha sezvinonhuhwira zvinofadza: hando imwe chete negondobwe rimwe chete uye namakwayana makono manomwe egore rimwe chete, zvisina kuremara.
9 Their grain offering: fine flour mixed with oil—about six quarts for the bull, about four quarts for the one ram, Mugadzire pamwe chete nehando, chipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondobwe, zvikamu zviviri mugumi;
10 and about two quarts for each of the seven lambs; uye parimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi.
11 also one male goat as a sin offering, besides the atonement sin offering, the regular burnt offering, its grain offering, and their drink offerings. Muisewo nhongo yembudzi sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chechivi chokuyananisira uye nechibayiro chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo, uye nezvipiriso zvazvo zvokunwa.
12 "On the fifteenth day of the seventh month, hold a holy assembly. Do no ordinary work; celebrate a feast to our Father for seven days. “ ‘Pazuva regumi namashanu romwedzi wechinomwe, muite ungano tsvene uye musaita basa ramazuva ose. Muite mutambo wokupemberera Jehovha kwamazuva manomwe.
13 Present a burnt offering, a fire offering, a pleasing aroma to our Father: thirteen young bulls, two rams, fourteen male lambs a year old, all without defect. Muuye nechibayiro chinopiswa kuti chive chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha, chibayiro chinopiswa chehando duku gumi nenhatu, makondobwe maviri namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, ose asina kuremara.
14 Their grain offering: fine flour mixed with oil—about six quarts for each of the thirteen bulls, about four quarts for each of the two rams, Mugadzire chipiriso chezvikamu zvitatu mugumi zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta pamwe chete neimwe neimwe yehando duku gumi nenhatu; pamwe chete nerimwe nerimwe ramakondobwe maviri, zvikamu zviviri mugumi,
15 and about two quarts for each of the fourteen lambs; uye pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana gumi namana, chikamu chimwe chete mugumi.
16 and one male goat as a sin offering, besides the daily burnt offering, its grain offering, and its drink offering. Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, pamusoro pechipiriso chinopiswa nechipiriso chacho chezviyo nechipiriso chokunwa.
17 "On the second day: twelve young bulls, two rams, fourteen year-old male lambs, all without defect, “ ‘Pazuva rechipiri mugadzire hando duku gumi nembiri, makondobwe maviri uye makwayana makono gumi namana egore rimwe, zvose zvisina kuremara.
18 with their grain and drink offerings for the bulls, the rams, and the lambs, by number, as required; Mugadzire nehando, namakondobwe uye namakwayana, zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvinonwiwa maererano nouwandu hwakarayirwa.
19 also one male goat as a sin offering, besides the regular burnt offering, its grain offering, and their drink offerings. Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho uye nezvipiriso zvazvo zvokunwa.
20 "On the third day: eleven bulls, two rams, fourteen year-old male lambs, all without defect, “ ‘Pazuva rechitatu, mugadzire hando gumi neimwe, makondobwe maviri uye namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara.
21 with their grain and drink offerings for the bulls, rams, and lambs, by number, as required. Mugadzire pamwe chete nehando, makondobwe, uye namakwayana, zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa.
22 One male goat as a sin offering, besides the regular burnt offering with its grain and drink offerings. Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa.
23 "Fourth day: ten bulls, two rams, fourteen year-old male lambs, all without defect, “ ‘Pazuva rechina, mugadzire hando gumi, makondobwe uye makwayana gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara.
24 with grain and drink offerings for the bulls, rams, and lambs, by their number, as required; Pamwe chete nehando, namakondobwe, namakwayana, mugadzire zvipiriso zvazvo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa.
25 plus one male goat as a sin offering, besides the daily burnt offering with its grain and drink offerings. Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo, uye nechipiriso chokunwa.
26 "On the fifth day: nine bulls, two rams, fourteen year-old male lambs, all without defect, “ ‘Pazuva rechishanu, mugadzire hando pfumbamwe, makondobwe maviri uye namakwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara.
27 with grain and drink offerings for the bulls, rams, and lambs, by number, as required. Pamwe chete nehando, makondobwe namakwayana, mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa.
28 Also one male goat as a sin offering, besides the continual burnt offering, its grain offering, and its drink offering. Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa.
29 "Sixth day: eight bulls, two rams, fourteen year-old male lambs, all without defect, “ ‘Pazuva rechitanhatu, mugadzire hando sere, makondobwe maviri uye makwayana makono egore rimwe chete, gumi namana, zvose zvisina kuremara.
30 with their grain offering and drink offerings for the bulls, rams, and lambs, by number, as required; Pamwe chete nehando, namakondobwe uye namakwayana mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa.
31 and one male goat as a sin offering, besides the regular burnt offering, its grain offering, and its drink offerings. Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa.
32 "On the seventh day: seven bulls, two rams, fourteen year-old male lambs, all without defect, “ ‘Pazuva rechinomwe, mugadzire hando nomwe, makondobwe maviri uye makwayana makono gumi namana egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara.
33 with their grain and drink offerings for the bulls, rams, and lambs, by number, as prescribed; Pamwe chete nehando, makondobwe namakwayana mugadzire zvipiriso zvazvo zvezviyo nezvipiriso zvokunwa maererano nouwandu hwakarayirwa.
34 and one male goat as a sin offering, besides the daily burnt offering, its grain offering and its drink offering. Muisewo nhongo yembudzi imwe chete sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye chipiriso chokunwa.
35 "On the eighth day, hold a closing assembly; do no laborious work. “ ‘Pazuva rorusere, unganai uye murege kuita basa ramazuva ose.
36 Present a burnt offering, a fire offering, a pleasing aroma to our Father: one bull, one ram, seven male lambs a year old, all without defect, Mupe chibayiro chinopiswa nomoto chive chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha, chibayiro chinopiswa chehando imwe chete, gondobwe rimwe chete namakwayana makono manomwe egore rimwe chete, zvose zvisina kuremara.
37 with their grain and drink offerings for the bull, ram, and lambs, by number, as prescribed. Mugadzire hando, gondobwe namakwayana, zvipiriso zvezviyo nezvipiriso zvinonwiwa, maererano nouwandu hwakarayirwa.
38 One male goat for a sin offering, besides the continual burnt offering, its grain offering and its drink offering. Muisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi, muchipamhidzira kuchipiriso chinopiswa chamazuva ose pamwe chete nechipiriso chacho chezviyo uye nechipiriso chokunwa.
39 "Offer these to our Father at your appointed feasts, besides your vow and voluntary offerings—whether burnt, grain, drink, or peace offerings." “ ‘Kupamhidzira pamusoro pezvamakapika uye zvipo zvokupa nokuzvisarudzira, mugadzirire Jehovha izvi pamitambo yenyu yakatarwa: zvipiriso zvenyu zvinopiswa, zvipiriso zvezviyo, zvipiriso zvokunwa uye nezvipiriso zvokuwadzana.’ ”
40 Moses told the Israelites everything, just as our Father had commanded Moses. Mozisi akataurira vaIsraeri zvose zvaakarayirwa naJehovha.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]