Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Numbers 28 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Our Father said to Moses, Jehovha akati kuna Mozisi,
2 "Command the Israelites, say to them: Be sure to present my offering, my food for my food offerings, a pleasing aroma to me, at its set time. “Upe murayiro uyu kuvaIsraeri, uti kwavari, ‘Onai kuti maisa pamberi pangu panguva yakatarwa, zvokudya zvangu zvezvipiriso zvinoitwa nomoto, sezvinonhuhwira zvinondifadza.’
3 Say to them: This is the food offering you are to present to me: two flawless year-old lambs daily, a regular burnt offering. Uti kwavari: ‘Ichi ndicho chipiriso chakaitwa nomoto chamunofanira kupa kuna Jehovha: makwayana maviri egore rimwe chete asina kuremara, sechipiriso chinopiswa chamazuva ose, zuva rimwe nerimwe.
4 Offer one lamb in the morning, the second lamb at twilight, Ugadzire gwayana rimwe chete mangwanani uye rimwe racho panguva yamadekwana,
5 with about two quarts of fine flour for a grain offering, mixed with about one quart of pressed oil. pamwe chete nechipiriso chezviyo, chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechikamu chimwe chete muzvina chehini yamafuta omuorivhi akasvinwa.
6 A regular burnt offering, ordained at Mount Sinai for a pleasing aroma, a food offering to me. Ichi ndicho chipiriso chinopiswa chamazuva ose chakatarwa paGomo reSinai kuti chive munhuwi unonhuhwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
7 Its drink offering is a quart for each lamb; pour it out to me in the holy place as strong drink. Panobayirwa gwayana rimwe nerimwe, chipiriso chokunwa chinopiwa panguva imwe cheteyo chinofanira kuva chikamu chimwe chete muzvina chehini, chezvinonhuhwira zvakaviriswa. Udurure chipiriso chinonwiwa kuna Jehovha panzvimbo tsvene.
8 Offer the second lamb at twilight, with a grain offering and drink offering like the morning's, a food offering, a pleasing aroma to me. Ugadzire gwayana rechipiri panguva dzamadekwana, pamwe chete nechipiriso chezviyo nechipiriso chinonwiwa, zvakafanana nezvamangwanani. Ichi ndicho chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha.
9 "On the Sabbath, offer two flawless year-old lambs, about four quarts of fine flour mixed with oil as grain offering, plus its drink offering. “ ‘Nomusi weSabata, muite chipiriso chamakwayana maviri egore rimwe chete asina kuremara, pamwe chete nechipiriso chacho chokunwa, uye nechipiriso chezviyo chezvegumi zviviri zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta.
10 The burnt offering for each Sabbath, besides the regular burnt offering and its drink offering. Ichi ndicho chipiriso chinopiswa cheSabata rimwe nerimwe, pamusoro pechipiriso chinopiswa chamazuva ose uye nechipiriso chacho chinonwiwa.
11 "On the first of each of your months, offer me a burnt offering: two young bulls, one ram, seven male lambs a year old, without defect, “ ‘Nomusi wokutanga womwedzi woga woga, mupe kuna Jehovha chipiriso chehando duku mbiri, gondobwe rimwe chete namakwayana makono manomwe egore rimwe chete, ose asina kuremara.
12 about six quarts of fine flour mixed with oil as a grain offering for each bull, about four quarts of fine flour mixed with oil as a grain offering for the one ram, Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chezviyo chezvegumi zviviri zveefa yeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta;
13 and two quarts of fine flour mixed with oil as a grain offering for each lamb - a burnt offering, a pleasing aroma, a food offering to me. uye negwayana rimwe nerimwe, chipiriso chezviyo chechegumi cheefa yeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta. Izvi ndizvo zvinoitwa pachipiriso chinopiswa, chinonhuhwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
14 Their drink offerings: two quarts of wine for the bull, just over a quart for the ram, and a quart for the lamb. This is the burnt offering for the new moon, month by month, all year. Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chokunwa chehafu yehini yewaini; pamwe chete negondobwe, chikamu chimwe chete kubva muzvitatu chehini; uye pamwe chete negwayana rimwe nerimwe, chikamu chimwe chete muzvina chehini. Ichi ndicho chipiriso chinopiswa chomwedzi mumwe nomumwe chinofanira kupiwa pakugara kwomwedzi mumwe nomumwe pagore.
15 Offer me one male goat as a sin offering, besides the regular burnt offering and its drink offering. Pamusoro pechipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chokunwa, nhongo imwe chete inofanira kupiwa sechipiriso chechivi kuna Jehovha.
16 "In the first month, on the fourteenth day of the month, is the Passover to me. “ ‘Pazuva regumi namana romwedzi wokutanga munofanira kuita Pasika yaJehovha.
17 On this month's fifteenth day is a feast; bread without yeast is eaten seven days. Pazuva regumi namana romwedzi uyu, munofanira kuita mutambo; kwamazuva manomwe munofanira kudya chingwa chisina mbiriso.
18 On the first day there is to be a holy assembly; you must do no ordinary work. Pazuva rokutanga munofanira kuita ungano tsvene uye murege kuita mabasa amazuva ose.
19 Present me a food offering, a burnt offering: two young bulls, one ram, seven yearling male lambs; see that they are without defect. Mupe kuna Jehovha chipiriso chakaitwa nomoto, chipiriso chinopiswa chehando duku mbiri, gondobwe rimwe chete uye makwayana makono manomwe ane gore rimwe chete, ose asina kuremara.
20 Their grain offering: fine flour mixed with oil—about six quarts for the bull, four quarts for the ram, Pamwe chete nehando imwe neimwe mugadzire chipiriso chezviyo, chezvikamu zvitatu mugumi zveefa yeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondobwe, zvikamu zviviri mugumi;
21 and with each of the seven lambs, about two quarts; uye pamwe chete nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi;
22 and one male goat as a sin offering to make atonement for you. uisewo nhongo imwe chete yembudzi sechipiriso chechivi kuti iwe uzviyananisire.
23 Offer these in addition to the morning burnt offering, which is the regular burnt offering. Mugadzire izvi pamwe chete nezvipiriso zvinopiswa zvamangwanani zvamazuva ose.
24 Do this daily for seven days—food, a pleasing aroma to me—besides the regular burnt offering and its drink offering. Nenzira iyi mugadzire zvokudya zvezvipiriso zvinoitwa nomoto mazuva ose kwamazuva manomwe sezvinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha; zvinofanira kugadzirwa pamwe chete nezvipiriso zvinopiswa nechipiriso chacho chinonwiwa.
25 On the seventh day you are to hold a holy assembly; you must do no ordinary work. Pazuva rechinomwe muite ungano tsvene uye murege kuita basa ramazuva ose.
26 "On the day of firstfruits, when you bring me a new grain offering at your Feast of Weeks, hold a holy assembly; do no ordinary work. “ ‘Pazuva rezvibereko zvokutanga, pamunopa zvipiriso zvenyu kuna Jehovha, zvezvitsva zvezviyo panguva yoMutambo weMavhiki, muite ungano tsvene uye murege kuita basa ramazuva ose.
27 Present a burnt offering, a pleasing aroma to me: two young bulls, one ram, seven year-old male lambs. Mupe chipiriso chinopiswa chehando duku mbiri, gondobwe rimwe chete uye makwayana manomwe makono egore rimwe chete, chive chipiriso chinofadza kuna Jehovha.
28 With them comes a grain offering of fine flour mixed with oil: about six quarts for each bull, about four quarts for the one ram, Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chezviyo chezvikamu zvitatu mugumi zveefa yeupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta; pamwe chete negondobwe, zvikamu zviviri mugumi;
29 and about two quarts for each of the seven lambs; uye nerimwe nerimwe ramakwayana manomwe, chikamu chimwe chete mugumi.
30 with one male goat to make atonement for you. Muisewo nhongo imwe chete kuti muzviyananisire.
31 Offer these besides the regular burnt offering and its grain offering; see that they're flawless, with their drink offerings." Mugadzire izvi pamwe chete nezvipiriso zvazvo zvokunwa, pamusoro pezvipiriso zvinopiswa zvamazuva ose uye nechipiriso chacho chezviyo. Munofanira kuva nechokwadi kuti zvipfuwo zvacho hazvina kuremara.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]